Ajuda ao próximo
Ajudar o próximo é mandamento de Deus e expressão prática da fé. A Bíblia ensina que a fé sem obras é morta — e que servir ao menor dos irmãos é servir a Cristo.
ndava pandanga ndino nzara mudondipasa chokuja, pandanga ndino nyota mudondipasa chokumwa, pandanga ndiri murendo mudonditambira, pandanga ndiri pedzi mudondisimidza, pandanga ndichihwara mudondibvakachira, pandanga ndiri mutorongo mudouya kwandiri.’ Ipopo vadorurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, ndirini patidokuonai muno nzara tikakuposhai, kana muno nyota tikakupasai chokumwa? Ndirini patidokuonai muri murendo tikakutambirai, kana muri pedzi tikakusimidzai? Ndirini patidokuonai muchihwara kana muri mutorongo tikakubvakachirai? Mambo achavapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, pamudozviitira umwe wohama dzangu dzidiki idzi, mudoitira inipano.’
Pasa anokuruvira, futi reka kurambira anoda kukukwereta."
Chiedza chenyu mbachivhenekere vanhu kuti vaone buya renyu, vakudze Baba venyu vari kudenga."
Pasai, naimipa muchapasiwawo. Mhimo idonaka, idotsindihwa, idozunguzihwa, inomupororo, ichadururihwa pabuthu penyu. Nokuti mhimo yamunopasa ndiyo mhimo yamuchadzotsehwawo."
Vanhu vadobva vamubvunza vachiti, "Manje toita tini?"
Zvino adovapindura, "Uyo anohembe dziiri mbaakoverane noasina, noanozvokuja mbaaitewo zvibodzi bodzizvo."
Tengesai zvamunazvo mupereke zvipo. Zvinhadzirirei zvikwama zvisingasakare, zvinoupfumi kudenga husingapfuruke, kusingasvikiwe nombavha kana tukumo hatuiparadzi. Ndava panopfuma yako pakarepo ndipo panomwoyo wako."
Uku ndiko kuraira kwangu, kwokuti mudane sezvandidokudai imimi.
Hapanai anorudo rinokunda rakareri, rokuti munhu anopfira shamwari dzache.
Pazvinhu zvese ndidokunangidzai kuti pakushanda kwakareko umwe munhu anofanira kubatsira vadorukutika, muchikumbuka mazvi yaIshe Jesu, manyairiro yaadoita, ‘Zvinomakomborero yadonyanya kana ukapereka panzvimbo yokutambira.’"
Zvino Phauro paadonyaira daro, adopfugama ndokunamata navo vese. Vadorira vese vachimuzvembetera nokumutsvoda, vachisuwisiwa zvidokungudza nondava yomazvi yaanga wanyaira, kuti vaidzoonaba chiso chache. Uye vadodzomusvitsa kuchikepe.
Koveranai novanhu vaMwari vanosaya. Mbobatai mushe varendo.
Fadza Vamwe Aikona Kuzvifadza
Isisu vadosimba tinofanira kumboyamura vasinai simba pakutenda, tisingatsvage kuzvifadza.
Takuriranai mitoro, ndiyo nzira yamunozazisa nayo mutemo waKhirisitu.
Mbavha mbaireke kudzoba pakare, asi mbaashandewo, aite basa nokutendeka nomaoko yache, kuti agonewo kupasa vanoda kuyamuhwa.
Umwe noumwe mbaareke kunangara zvinhu zvidonakira iye basi, asi mbaanangarewo nozvidonakirawo abiyache.
Kutenda noZviito
Zvinokabonyo kei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asinai zviito? Kutenda kwacheko kungamuchidze nai? Tomboti vatendi biyedu vasinai zvokusimira kana zvokuja zvopazuva nozuva, umwe wenyu akati kwavari, "Endai murugare, muthumihwe nokuja muchiguta," pasinai zvaavaitira pakusaya kwavo, zvingave nokabonyo kei? Ndizvo zvidoita kutenda kwega kwega kusinai zviito, kudopfa.
Kana munhu anozvinhu zvinobatsira akaona hama yache isinai, akareka kumunzvira tsitsi, rudo raMwari ringagare tini mumunhu wakareyo?