Amor ao próximo
O amor ao próximo não é opcional — é mandamento. Amarás o teu próximo como a ti mesmo. A lei inteira se cumpre nesta palavra. O amor ao próximo é prova do amor a Deus.
Rudo kuVavengi
"Mudonzva kuti zvidonzi, ‘Unofanira kuda muvakhidzani wako, wozonda muvengi wako.’ Asi ndinokunyepai kuti, idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai,
Uku ndiko kuraira kwangu, kwokuti mudane sezvandidokudai imimi.
Kuitirana Zvidokodzera
Rekai kuva nochikwerete nomunhu, kusiya kwochikwerete chinogara chiripo chokudanana, ndava anoda mabiyache anozazisa mutemo.
Umwe noumwe wedu mbaafadze mabiyache nokuita zvidomunakira, kuti avakhike.
Zvese zvamunoita mbazviitiwe murudo.
Dai Ishe waita kuti rudo renyu rikukumuke nokupfachukira pakati penyu nokuvanhu vese, kunge zvatinoita kwamuri.
Mafadziro Yatingaite Mwari
Rudo mbarirambe riripo pakati pohama. Damba kureka kuitira varendo rudo, nokuti vachidaro vamwe vadogara pabodzi nongirozi vasingazvizive. Yeukai avo vari mutorongo, kunge mudosungiwa pabodzi navo, novanobatiwa uyanga, sekunge ndimi muri kutambura.
Kana muchinatsa kuzazisa mutemo woumambo, maererano nogwaro rinoti, "Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita," munoita zvidonaka.
Pamusoro pozvese, dananai zvidokungudza, sezvo rudo runofukidza zvitadzo zvizinji.
Nokudaro sevanhu vadosarudziwa naMwari, vatsvene novanodiwa, simirai mwoyo unotsitsi, unyoro, kuzvideredza, kupfava nomwoyo murefu, muitirane mwoyo murefu, muchiregererana kana umwe watadzira umwe, sekuregerehwa kwamudoitiwa naIshe, naizvozvo munofanira kuregerera. Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana. Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda.
Dananai
Ndava rakareri ndiro shoko ramudonzva kubva pakuthanga, rokuti tinofanira kudanana.
Wese anozonda hama yache imhondi, futi munoziva kuti hapanai mhondi inoupenyu husingapere. Yakareya ndomaziviro yatinoita rudo, kuti Jesu Khirisitu adopasa upenyu hwache pamusaka pedu. Naisisuwo tinofanira kupereka upenyu hwedu nokuda kwohama.
Yakareya ndomaziviro yatinoita rudo, kuti Jesu Khirisitu adopasa upenyu hwache pamusaka pedu. Naisisuwo tinofanira kupereka upenyu hwedu nokuda kwohama.
Mwari Rudo
Hama dzangu, mbatidananei, ndava rudo runobva kuna Mwari. Wese anorudo adozvahwa naMwari, futi anoziva Mwari. Wese asingade anozivaba Mwari, ndava Mwari rudo.