Amor de casal
O amor de casal é celebrado na Bíblia como dom sagrado. O Cântico dos Cânticos exalta a beleza do amor conjugal — íntimo, exclusivo e forte como a morte.
Nokudaro vachiriba vairi asi vava muviri mubodzi. Icho chabatanidziwa naMwari mbapareke ndipo kuva nomunhu anochikwachura."
Rudo runo mwoyo murefu futi runyoro, rudo harinai chanje, harizvikudze kana kuzvitutumadza, harinai mutindi, harinai kwangukwangu, harichengete chigumbu, harikaripekaripe kana kunyangarihwa, rudo harifarire zvidoipa, asi rinofarira chokwadi. Rudo rinotsungirira pazvinhu zvese, rinotenda zvese, rinogurupira pazvinhu zvese, rinochiirira pazvinhu zvese.
Zvidodaro vanhurume mbavadewo vakadzi vavo fanike miviri yavo chaiyo. Anoda mukadzi wache anozvidawo. Nokuti hapanai munhu anovenga muviri wache, asi anouposha nokuuchengeta, fanike zvinoitiwa kherekhe naKhirisitu,
zvidodaro, umwe noumwe mbaade mukadzi wache kunge kuzvida kwaanoita, futi munhikadzi mbaone kuti anoremekedza murume wache.
Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana.