Amor incondicional
O amor incondicional de Deus não depende de mérito humano. Ele nos amou quando ainda éramos pecadores. Esse amor não tem limites, não cobra preço e não pode ser perdido.
Amor sem condições
Deus prova o seu amor em que Cristo morreu por nós sendo nós ainda pecadores. O amor de Deus é gratuito e irrevogável.
Asi Mwari anonangidza rudo rake kwatiri pakuti, patanga tichiri vatadzi Khirisitu adotipfira!
Ndava zvikukutu kuti munhu apfire munhu adorurama, kana nepo umwe angade zvache kupfira adorurama. Asi Mwari anonangidza rudo rake kwatiri pakuti, patanga tichiri vatadzi Khirisitu adotipfira!
Nokuti vese vadotadza vadoperevera kusvika pakubhwinya kwaMwari. Vanondoruramisiwa mahara nonyasha kuburikidza nokununura kuri muna Khirisitu Jesu.
Mbani achatiparadzanisa norudo raKhirisitu? Ingave nhamu kana kuomehwa, kutambudziwa kana nzara, tsiku kana njodzi, kana hondo?
Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere.
Tese tidomborarama tiri pakati pavo mukuchiva kwonyama yedu, tichitevera zvido zvomiviri nopfungwa, pamamiriro taitova vana vokumwamwihwa, fanike vazinji voyamwe marudzi.
Asi Mwari adopfuma patsitsi, zvichibva parudo rikuru raadotida naro, kana zvazvene tanga tidopfa kuburikidza nozvitadzo zvedu, adotiraramisa pabodzi naKhirisitu tidoponesewa nomutsa.
Asi padooneka kunaka nounyoro hwaMwari Muponisi wedu, adotiponesa aikona nokuda kwomabasa yadonaka yatidoita, asi nokuda kwomutsa wache adotiponesa nonzira yokushambidza kwokuzvahwa patsva nokuvandudziwa naMweya Mutsvene, waadodurura achiwanza patiri kuburikidza naJesu Khirisitu Muponisi wedu,
Amor eterno
Com amor eterno te amei. O amor de Deus é mais largo, mais alto e mais profundo do que podemos compreender.
Munozvakarezvi rudo raMwari ridonangidziwa pakati pedu, kuti Mwari adotumira panyika Mwanakomana wache mubodzi, kuti tirarame kuburikidza naye.
Rakareri ndiro rudo, aikona kuti tidoda Mwari, asi kuti iye adotida ndokutuma Mwanakomana wache kuti ave chibairo chozvitadzo zvedu.
Tinoda nokuti adothanga kutida.
Yakareya ndomaziviro yatinoita rudo, kuti Jesu Khirisitu adopasa upenyu hwache pamusaka pedu. Naisisuwo tinofanira kupereka upenyu hwedu nokuda kwohama.
Amar como Deus ama
O amor é paciente e bondoso. Amai os vossos inimigos. O amor incondicional se expressa no perdão e na compaixão.
Rudo runo mwoyo murefu futi runyoro, rudo harinai chanje, harizvikudze kana kuzvitutumadza, harinai mutindi, harinai kwangukwangu, harichengete chigumbu, harikaripekaripe kana kunyangarihwa,
rudo harifarire zvidoipa, asi rinofarira chokwadi. Rudo rinotsungirira pazvinhu zvese, rinotenda zvese, rinogurupira pazvinhu zvese, rinochiirira pazvinhu zvese.
Rudo kuVavengi
"Mudonzva kuti zvidonzi, ‘Unofanira kuda muvakhidzani wako, wozonda muvengi wako.’ Asi ndinokunyepai kuti, idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai, kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga. Ndava vanobuditsira zuva ravo kuno vadoipa novadonaka, nokunisira mvura vadorurama novasinai kururama. Ndava kana muchindoda vaye vanokudai, muno mubairo wei? Anga naivo vateresi vanoitaba zvibodzibodzizvo nai? Futi kana muchimoresa hama dzenyu basi, chii chamuri kuita chinokunda vamwe? Ko vasiri vaJudha vanoitaba zvibodzibodzizvo? Saka munofanira kuva vadokwana, saBaba venyu vokudenga vadokwana."
Idai Vavengi Venyu
"Asi ndinoti kwamuri imipa munonzva, Idai vavengi venyu, itirai zvidonaka vanokuzondai, ropafadzai vanokushurikidzai, munamatire vanokubatai uyanga.
Pamusoro pozvese, dananai zvidokungudza, sezvo rudo runofukidza zvitadzo zvizinji.