Amor verdadeiro
O amor verdadeiro vem de Deus. Não é emoção passageira — é decisão, sacrifício e compromisso eterno. O perfeito amor lança fora o medo e nunca deixará de existir.
Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere.
Ndinokupasai mutemo mutsva, wokuti mudanane. Sekuda kwandidokuitai, naimimi mudanane daro. Kana muchidanana vanhu vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu."
Asi Mwari anonangidza rudo rake kwatiri pakuti, patanga tichiri vatadzi Khirisitu adotipfira!
Ndava ndinochokwadi kuti ingave ipfa kana upenyu, dzingave ngirozi kana vatongi, zvingave zvamanji kana zvinouya, kana masimba yapi zvayene, kana zvidokwirira kana zvokugwiri, kana chimwewo chinhu pazvisikwa zvese, hapanai chinogona kutiparadzanisa norudo raMwari ruri muna Khirisitu Jesu Ishe wedu.
Rudo runoitiraba umwe zvidoipa. Nokudaro rudo runozazisa mutemo.
Rudo runo mwoyo murefu futi runyoro, rudo harinai chanje, harizvikudze kana kuzvitutumadza, harinai mutindi, harinai kwangukwangu, harichengete chigumbu, harikaripekaripe kana kunyangarihwa, rudo harifarire zvidoipa, asi rinofarira chokwadi. Rudo rinotsungirira pazvinhu zvese, rinotenda zvese, rinogurupira pazvinhu zvese, rinochiirira pazvinhu zvese. Rudo rinoperaba. Asi kana zviri zviporofiti, zvichapfuruka, kana dziri ndimi dzichapera, kana riri ruzivo, richapfuruka.
Wese asingade anozivaba Mwari, ndava Mwari rudo.
Hapanai kucha murudo, asi rudo ridokwana rinodzingidza kucha. Ndava kucha kunochokuita nokutongewa. Wese anocha haanai kukwana parudo.
Nokuti rakareri ndiro rudo raMwari, kuti tichengete mirairo yache. Futi mitemo yache haireme.
Asi chibereko choMweya ndiro rudo, mufaro, runyararo, mwoyo murefu, tsitsi, kunaka, kutendeseka,