Anjos
Os anjos são seres celestiais criados por Deus para servir, adorar e executar seus propósitos. A Bíblia revela anjos mensageiros, guerreiros e protetores ao longo de toda a história redentora.
Asi achiri kufunga zvakarezvo, ngirozi yaIshe idobva yazviratidza kwaari pakurota ichiti, "Josefa mwanakomana waDhavhiti, reka kucha kutora Mariya kuti ave mukadzi wako, ndava mimba yaanayo njoMweya Mutsvene.
Asi ngirozi idoti kuvakadzi, "Rekai kucha, ndava ndinoziva kuti muri kutsvaga Jesu wanga adorovehwa. Haapo pano, ndava wamuka, sezvaadotaura. Uyai, onai nzvimbo paanga adoradzikiwa.
Munofunga kuti ndinokonaba nai kukumbira Baba vangu, kuti vanditumire nokamangu mapoka yongirozi dzinohwa yanodarika gumi nomairi?
Ngirozi idoti kwaari, "Reka kucha, Mariya, ndava waitihwa mutsa naMwari. Saka chiona kuti, uchava nopamuviri wopona mwana mukomana, wauchatenza zita rokuti Jesu.
Ipopo ngirozi idoti kwavari, "Rekai kucha, nokuti, ndakuunzirai nyaya idonaka yomufaro mukuru uchava wovanhu vese.
"Kubhwinya mbakuve kuna Mwari Wokumusorosoro,
nopanyika mbapave norugare pakati povanhu vanomufadza!"
Saka ndinotiwo kwamuri, pamberi pongirozi dzaMwari panomufaro kana mutadzi mubodzi watendeuka."
Zvino pavanga vadonangaritsa kudzuru iye achikwira, pakarepo nokamangu vadoona varume vairi vanga vadosimira hembe dzichena vadomira padivi pavo ivo vadoti, "Naimi varume voGaririya, mudomirireiko popano mudonangara kudzuru? Jesu mubodzibodziyu, wabiritsiwa kwamuri achikwidziwa kudenga, achadzoka nonzira ibodzibodzi yamamuona achienda nayo kudenga."
Rudo mbarirambe riripo pakati pohama. Damba kureka kuitira varendo rudo, nokuti vachidaro vamwe vadogara pabodzi nongirozi vasingazvizive.
Kana ndingataure nondimi dzovanhu nodzongirozi, asi ndisinai rudo, ndandova kufurumidza kwodare kana kwosimbi iri kugon’kugon’ohwa.
Pasinai kupokana chidosvisvika choumwari chatinopupura chikuru chaizvo,
adooneka mumuviri wonyama,
adoruramisiwa paMweya,
adoonewa nongirozi.
adoparidziwa pakati pomarudzi,
adotendewa panyika,
futi adotohwa kuenda mukubhwinya.
Nokuti Ishe pachake achaburuka kubva kudenga achidaidzira nokuraira, nokusheedzera kwongirozi ikuru, nokurira kwotsuri yaMwari. Ipopo vadopfa muna Khirisitu vachathanga kumuka, zvino isisu tidosara tiri vapuma, tichabvutiwa pabodzi navo kupinda mumakuti kuti tikumane naIshe mumhepo. Saka tichava naIshe nguwa dzese.
Anokunda achasimidziwa hembe dzichena kunge ivo, uye ndinodzimwaba zita rache mubhuku roupenyu. Ndichapfakaza zita rache pamberi paBaba vangu nopamberi pongirozi dzavo."
Ndava ndinochokwadi kuti ingave ipfa kana upenyu, dzingave ngirozi kana vatongi, zvingave zvamanji kana zvinouya, kana masimba yapi zvayene, kana zvidokwirira kana zvokugwiri, kana chimwewo chinhu pazvisikwa zvese, hapanai chinogona kutiparadzanisa norudo raMwari ruri muna Khirisitu Jesu Ishe wedu.