Arca da aliança
A Arca da Aliança era o símbolo mais sagrado de Israel — representava a presença de Deus no meio do seu povo. Sobre ela brilhava a glória do Senhor entre os querubins.
Kushumira kwoKudenga nokwoPanyika
Zvino naiyoiwo sungano yokuthanga yanga inomirairo yokushumira nayo uye noimba itsvene yopanyika. Nokuti dumba rokukumanira ridomisiwa, mukamuri yarene yokuthanga manga munochigadziko chomwenje, notafura yanga inomazingwa yayene yadokumikidziwa, kamuri yakarei ndiyo yaidaidziwa kuti Nzvimbo Itsvene. Zvino pamasure pobiza rochipiri panga pano kamuri yochipiri inoitiwa Itsvene-tsvene, manga munombiya yondarama yozvinonushira uye nophutumende yochibvumirano yanga idonamiwa nondarama kumativi yese, makaremo manga muno hari yondarama yanga inomana, notsvimbo yaAroni idothungira, nohwendefa yochibvumirano, pamusoro pophutumende panga pano makherubhi yokubhwinya yanga yadofukidza mupando wonyasha. Pano zvakarezvi tinonyairaba zvidowanda parizvino.
Ipopo imba yaMwari idovhuriwa kudenga, phutumende yochibvumirano chache idooneka muimba yache. Kudobva kwava nokuvaima kwomheni, nomazvi, nokudhirima, nokugwetedzeka kwonyika, nochimvuramabhwe chikuru.