Ascensão
A ascensão de Jesus ao céu é a coroação de sua obra redentora. Ele subiu à destra do Pai, de onde voltará com poder e glória para buscar os seus.
Zvino mumasure mokunyaira zvakarezvi, vadomunangara daipo, adokwidziwa kudenga, uye guti ridomusvisva havanai kudzomuona.
Zvino pavanga vadonangaritsa kudzuru iye achikwira, pakarepo nokamangu vadoona varume vairi vanga vadosimira hembe dzichena vadomira padivi pavo ivo vadoti, "Naimi varume voGaririya, mudomirireiko popano mudonangara kudzuru? Jesu mubodzibodziyu, wabiritsiwa kwamuri achikwidziwa kudenga, achadzoka nonzira ibodzibodzi yamamuona achienda nayo kudenga."
Jesu Anokwira Kudenga
Ishe Jesu, paadopedza kutaura navo, adotohwa kuenda kudenga, kwaadogara kuruoko raMwari roruji.
Jesu Anokwira Kudenga
Ipopo adovatungamira kunze papfupi noBhetani, adosumudza maoko yache ndokuvaropafadza. Paanga achivaropafadza, adopararana navo, ndokutohwa kuenda kudenga.
Mumba maBaba vangu muno nzvimbo dzizinji, dai zvisinai kudaro, ndaikunyepai nai kuti ndinoenda kokunhadzirirai nzvimbo?
Chokwadi ndinokunyepai, uyo anotenda kwandiri achaitawo mabasa yandinoita, futi achaita mabasa yadokuritsa kukunda yakareya, ndava ndinoenda kuna Baba.
Ndidobva kuna Baba futi ndidouya panyika, ndiri kubirika panyika futi ndiri kuenda kuna Baba pakare."
Jesu adoti kwaari, "Reka kundibata, ndava handinati ndakwira kuna Baba, asi enda kuhama dzangu, wovanyepa kuti ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu."
Zvino Jesu adoti, "Ndichava nemi kanguwa kapfupi, ndobva ndaenda kuno adondituma.
Pasinai kupokana chidosvisvika choumwari chatinopupura chikuru chaizvo,
adooneka mumuviri wonyama,
adoruramisiwa paMweya,
adoonewa nongirozi.
adoparidziwa pakati pomarudzi,
adotendewa panyika,
futi adotohwa kuenda mukubhwinya.