Pular para o conteúdo
Publicidade

Bem

Por Bíblia Online

Fazer o bem é mandamento de Deus e expressão prática do amor cristão. A Bíblia convida a praticar o bem a todos, com alegria, sem se cansar — porque colheremos no tempo próprio.

Asi chibereko choMweya ndiro rudo, mufaro, runyararo, mwoyo murefu, tsitsi, kunaka, kutendeseka, kupfava nokuzvibata. Hapanai mutemo unopesana nokuita kudodai.

Saka, pese patinowana mukana, mbatiitei zvidonaka kuvanhu vese, kunyanyitsa kumhuri yovanotenda.

Rekai kutendera kunyaira kudonyangara kuchibirika mumiromo yenyu, asi mbakuve kudonaka kunovakha, zvichienderana nomamiriro yozvinhu, kuti kupase mutsa kunovanonzva.

Ivai notsitsi futi muchiyamurana, moregererana fanike kuregerehwa kwamudoitiwa naMwari muna Khirisitu.

Rudo mbarive rudoperera. Zondai zvidoipa, mubatirire pano zvidonaka.

Rekai kumbokundiwa nozvidoipa, asi kundai zvidoipazvo nozvidonaka.

"Zvinhu zvese zvinotendehwa," asi hazvisi zvese zvinobatsira. "Zvinhu zvese zviri pamutemo," asi hazvisi zvese zvinovakha.

Rekai kunyengedzewa, "Shamwari dzidoipa dzinoodza unhu hudonaka."

Uye Mwari anogona kukupasai ropafadzo rese ridowanda, kuti pazvinhu zvese nopanguwa dzese muve nozvidokwana zvichiwanziwa pakuita basa rese ridonaka.

Futi vanhukadzi mbavasimire zvidotsiga, zvidoremekedzeka futi zvidokodzera, vasinai kurukhiwa misoro kana kusimira zvipfeko zvondarama kana chuma kana zvipfeko zvinodhura asi kuva nounhu hudonaka, hudofanira kuitiwa novanhukadzi vanoti tinonamata Mwari.

iye adozvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pazvidoipa zvese kuti azvinatsire vanhu vache chaivo, vanoshingairira mabasa yadonaka.

Nochikonzero chakarechi, edzai nopamunokona napo pese, kuti muingidzire buya pakutenda kwenyu, nopabuya ruzivo, noparuzivo kuzvidzora, nopakuzvidzora kuchiirira, nopakuchiirira umwari, nopaumwari kufarira abiyenyu, nopakufarira vabiyenyu rudo.

Mbani angakuhwadzisei kana muchishingairira kuita zvidonaka?

Vanhu havabatidze mwenje vachiuisa pasi potsvanda, asi pachigadziko chomwenje kuti uvhenekere vese vari mumba. Chiedza chenyu mbachivhenekere vanhu kuti vaone buya renyu, vakudze Baba venyu vari kudenga."

Ivai notsitsi fanike Baba venyu vanotsitsi."

Seja o primeiro