Bíblia
A Bíblia é a Palavra de Deus — viva, eficaz e mais cortante que espada de dois gumes. Toda Escritura é inspirada por Deus e útil para ensinar, repreender, corrigir e instruir em justiça.
Inspiração divina
Toda Escritura é inspirada por Deus. Homens santos falaram da parte de Deus movidos pelo Espírito Santo.
Magwaro yese yadofemehwa naMwari, futi yanobatsira kudzidzisa, kutsiura, kunhadzirisa, nokupingudza mukururama, kuti munhu waMwari ave adokwana zvizere, adonhadzirihwa basa rese ridonaka.
kuti kubva paucheche hwako udoziva magwaro matsvene, yanogona kukurairira kuruponiso kuburikidza nokutenda kuri muna Khirisitu Jesu. Magwaro yese yadofemehwa naMwari, futi yanobatsira kudzidzisa, kutsiura, kunhadzirisa, nokupingudza mukururama, kuti munhu waMwari ave adokwana zvizere, adonhadzirihwa basa rese ridonaka.
Chokuthangitsitsa munofanira kunzvitsitsa kuti hapanai Gwaro rochiporofiti ridondouya nokurapanura kwomunhu, ndava chiporofiti hachinai kuvamba kubva pachido chomunhu, asi vanhu vainyaira zvichibva kuna Mwari vachitungamihwa naMweya Mutsvene waMwari.
Ita nopaunogona napo pese kuzviisa pamberi paMwari uri munhu adokodzera, mushandi asingafanire kunyadzisiwa anobata zvidonaka shoko rochokwadi,
paridza shoko, gara udogadzirira panguwa idofanira noisinai kufanira, kohorora, tsiura, uye kurudzira, nomwoyo murefu mukuru nokunatsa kudzidzisa.
Kusvika pandinouya, ramba uchiverenga magwaro paruzinji, pakukurudzira, nopakufundisa.
Poder da Palavra
A Palavra de Deus é viva e eficaz. O céu e a terra passarão, mas as minhas palavras jamais passarão.
Nokuti shoko raMwari ripenyu futi rinoshanda, ridopinza kukunda bakatwa rinocheka nonhivi dzese, rinojunga kusvika panopararana mwoyo nomweya, nomapfundo nomwongo, uye rinotonga ndangariro nozvido zvomwoyo.
Denga nonyika zvichapfuura, asi mashoko yangu yanopfuuraba.
Asi adomupindura achiti, "Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nomazingwa chete, asi noshoko rese rinobirika mumuromo maMwari.’"
Vaitei vatsvene muchokwadi shoko renyu ndiro chokwadi.
Munonzvera magwaro nondava yokuti munofunga kuti mayari muno upenyu husingapere, magwaro yakareyo ndiyo yanopfakaza pamusoro pangu.
asi shoko raIshe rinogara nokusingapere."
Futi shoko rakareri ndiro nhau dzidonaka dzidoparidziwa kwamuri.
Estudar e pregar
Os bereanos examinavam as Escrituras diariamente. Procura apresentar-te a Deus aprovado como obreiro que maneja bem a Palavra.
Zvino vaJudha vakareva vanga vadonaka kukunda vokuThesaronika, ndava vadotambira shoko nomwoyo unochido, vachinzvera magwaro zuva rimwe norimwe, kuti vaone kana zvinhu zvakarezvo zviri izvo.
Zvino Phauro adopinda mukati setsika yache, uye kwomasondo matatu adopikisana navo kubva mumagwaro, achitsanangura nokuratidza kuti zvanga zvidokodzera kuti Khirisitu atambudzike nokumuka kuvadopfa, achiti, "Jesu wakareyu, wandinokuparidzirai, ndiye Khirisitu."
Saka Firipi adomhanyira kungoro ndokumunzva murume uye achiverenga muporofiti Isaya. Firipi adomubvunza achiti, "Ko uri kunzvitsitsa chere zvauri kuverengazvo?"
Iye adoti adoti kuna Firipi, "Anga ndinganzvitsitse tini pasinai anondirairira?" Saka adobva wakoka Firipi kuti akwire agare naye. Zvino ndima yogwaro raanga achiverenga njiyi,
"Sehwai rinoisiwa kumubai
kana hwayana risingarire pamberi pomugeri warene, adonyarara,
haanai kushamisa muromo wache.
Ipopo Firipi adothanga pagwaro rakareri ndokumuparidzira nyaya idonaka yaJesu.
Adobva wati kwavari, "O varume madzemwa, muno mwoyo inochehwa kutenda zvese zvidorehwa novaporofiti! Zvanga zvisinai kufanira chere kuti Khirisitu atambudzike zvidodai achidzopinda mukubhwinya kwache?" Adothanga kubva pana Mozisi nokuvaporofiti vese, adovadudzira zvomumagwaro yese zviri maererano naye pachake.
Zvino Jesu adouya kwavari achiti, "Ndidopasiwa chikuriri chese kudenga nopanyika. Nokudaro endai kumarudzi yese muite vadzidzi yomarudzi yese, muvaombeke muzita raBaba noroMwanakomana noroMweya Mutsvene, muchivafundisa kuchengeta zvese zvandidokurairai, onai, ndinemi nguwa dzese kusvika kumagumo yonguwa."
Pamunenge muchienda paridzai muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwanyedza papfupi.’
Revelação e fidelidade
A Palavra do Senhor veio aos profetas. A graça de Deus se manifestou na Escritura para a salvação de todos.
Viver pela Palavra
Não só de pão vive o homem. Nada acrescentes nem diminuas. A Palavra é alimento, guia e espada do cristão.
Mashoko yokupedzisira
Ndinoyambira umwe noumwe anonzva mashoko yochiporofiti yari mubhuku rakareri ndichiti, kana munhu akaingidzira pazvinhu zvakarezvi, Mwari vachaingidzira kwaari matambudzo yadonyorewa mubhuku rakareri. Kana munhu akatapudza mashoko yobhuku yokuporofita kwakareku, Mwari vachatapudza mugove wache pamuti woupenyu nomuguta ritsvene, nopazvinhu zvidonyohwa mubhuku rakareri.
Vhangeri Ribodzi
Ndinoshamisiwa kuti munokurumidza kusiya iye adokudaidzai mumutsa waKirisitu muchipindukira kurimwe vhangeri, kusiri kuti kuno "rimwe vhangeri," asi kuti panovamwe vanokuvhiringidzai vachida kuedza kusandutsa vhangeri raKhirisitu. Asi kana isisu, kana ngirozi inobva kudenga ikakuparidzirai rimwe vhangeri rinopesana noratidokuparidzirai, mbaive idoshurikidziwa! Sekunyaira kwatidoita kare, kana ipopa ndinonyaira kamu: kana panoumwe ari kukuparidzirai vhangeri rinopesana noiro ramudotambira, mbaave adorengerehwa!
Mbazvive mupfungwa dzenyu kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponiso, sezvamudonyorehwa naPhauro hama yedu inodikana muuchenjeri hwaadopasiwa naMwari, anonyora nonzira ibodzibodziyo mutsamba dzache dzese, achinyaira zvinhu zvakarezvi madziri. Tsamba dzache dzinozvinhu zvidooma kunzvitsitsa, izvo zvinophidigutsiwa novasingazive novasinai kudiha, sezvavanoita noyamwe Magwaro kuti vaparadziwe nazvo.
Ndava zvese zvidonyohwa mumazuva yokare zvidonyorehwa kutiraira, kuitira kuti tipasiwe tariro inobva pakutsungirira nokukurudzira kwoMagwaro.
Anga zvino vanodaidza tini kuna iye wavasinai kutenda kwaari? Pakare vangatende tini muna iye wavasinai kunzva? Ko iko kunzvako vanonzva tini pasinai wavaparidzira? Anga vangaparidze tini pasinai wavatuma? Sekunyohwa kwazvidoitiwa, "Manakiroba peno yadzene tsoka dzinouya nonyaya dzidonaka!" Manje havazi vese peno vadotambira nyaya dzidonaka. Ndava Isaya anoti, "Ishe mbani adotenda zvaadonzva kwatiri?" Sezvo kutenda kuchiuya nokunzva, nokunzva kunouya nokuparidziwa kwaKhirisitu.
Simba roVhangeri
Handinyare kuparidza vhangeri nokuti isimba raMwari rokuponesa anotenda: kuthanga nomuJudha tevere wodzimwe Ndudzi. Ndava muvhangeri kururama kunobva kuna Mwari kudoisiwa pachenu, kururama kunouya nokutenda kubva pamavambo kusvika pamagumo, sekunyohwa kwazvidoitiwa, "Adorurama achararama nokuenda."
Zvino tidotambiraba mweya wonyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tinzvitsitse zvipo zvatidopasiwa pachena naMwari.
Uye tinotaura izvi mumazvi yasingadzidzisiwe nouchenjeri hwomunhu, asi yanodzidzisiwa noMweya, nokuturikira chokwadi chopamweya kuna ivo vanoMweya. Munhu asiri womweya anotambiraba zvinhu zvoMweya waMwari, ndava mbudzemwa kwaari, anokonaba kuzvinzvitsitsa ndava zvinotsvagitsitsiwa pamweya.
Ndava sezvo, muuchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayene idotadza kuziva Mwari, zvidofadza Mwari kuburikidza noudzemwa hwozvatinoparidza kuti aponese vanotenda.
Ndava vaJudha vanopopera minana uye vaGiriki vanotsvaga uchenjeri, asi isisu tinoparidza Khirisitu adorovehwa, chigutsa chinoguhuna kuvaJudha noudzemwa kuno vasiri vaJudha, asi kuno vadodaidziwa, vese vaJudha novaGiriki, Khirisitu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.
Ndava Khirisitu adonditumaba koombeka asi koparidza vhangeri, aikona nokugona kutaura, kuti muchinjikwa waKhirisitu ureke kutorehwa simba rawene.
Asi imipa muri vanhu vadosarudziwa, vouphirisita hwoumambo, rudzi ritsvene, vanhu vache Mwari, kuti muparidze kurumbidziwa kwaiye adokudaidzai kubva murima kuenda muchiedza chache chinoshamisa.