Publicidade

A carne

Por Bíblia Online

A carne representa a natureza pecaminosa que milita contra o Espírito. A Bíblia ensina que os que pertencem a Cristo crucificaram a carne com suas paixões e desejos.

Carne versus Espírito

Os que são segundo a carne inclinam-se para as coisas da carne. O nascido da carne é carne; o nascido do Espírito é Espírito.

Ndava vaye vanorarama vari muunhu hwakare, pfungwa dzavo dzidobatirira pazvido zvonyama, asi vaye vanorarama muMweya, pfungwa dzavo dzidobatirira pazvido zvoMweya. Kufunga kwounhu hwakare, ipfa, asi kufunga kunotongewa noMweya, upenyu norunyararo, ndava pfungwa younhu hwakare idopanduka kuna Mwari, inozviisaba pasi pomutemo waMwari, kana nokuedzeserako inokonaba. Saka vaye vanotongewa nonyama vanokwanisaba kufadza Mwari.

Asi imipa hamutongewe nonyama, asi noMweya, ndokunge Mweya waMwari uchigara mamuri. Ndava kana munhu asinai Mweya waKhirisitu ngwacheba.

Upenyu huri muMweya

Saka hapachinai kupasiwa murandu kuna ivo vari muna Khirisitu Jesu. Ndava kuburikidza naKhirisitu Jesu, mutemo woMweya woupenyu udondisunungura kubva kumutemo wochitema nowoipfa. Ndava mutemo zvawanga usingakwanise kuita nochikonzero chokuvhuwisiwa nonyama, Mwari adozviita kuburikidza nokutuma kwaadoita Mwanakomana wache ari muchimiro chomutadzi, kuitira chitema, achibva wapasa mhosva chitema chiri munyama, kuitira kuti kururama kunodiwa nomutemo kuzazisike mukati medu iyesu tisingararame tichitongewa nounhu hwakare, asi tichitongewa noMweya.

ndava kana pakurarama kwenyu muchimbotevera nyama muchapfa, asi kuburikidza noMweya mukambobaya zviito zvonyama, muchararama. Ndava vaye vanotungamihwa noMweya waMwari, ndivo vana vaMwari vakarevo.

Saka murau wandiri kuona uchishanda nguyu: Pandinoda kuita zvidonaka, chidoipa ndicho chinenge chiripo pakarepo. Ndava mumunhu wangu womukati ndinofarira murau waMwari. Asi mumuviri wangu ndinoona umwe murau udosiyana uchihwisana nopfungwa dzangu, uchinditapa nokundiita muranda womurau wochitema chinoshanda mumuviri wangu.

Ndava pataitongewa nounhu hwakare kadokwadokwa kokuda kutadza kaimutsiwa nomutemo mumiviri yedu kuti tibereke zvibereko zvoipfa.

Icho chidozvahwa nomunhu munhu, nochidozvahwa noMweya mweya.

Mweya ndiye anopasa upenyu, nyama inobatsiraba chinhu, mashoko yandidonyaira kwamuri, ndiyo mweya noupenyu.

Vencer a carne

Andai no Espírito e não cumprireis os desejos da carne. Os que são de Cristo crucificaram a carne com suas paixões.

Mweya noUnhu hwoKare

Asi ndinoti, fambai muMweya, kuti mureke kugutsa zvido zvonyama.

Manje zviito zvounhu hwokare zviri pachenu zvinoti, upombwe, utsambwa, ubatabata, kushopera, uroyi, kutsvatsvana, kudzongonyedza, chanje, ukari, umbimbindoga, kukamurana, zvikwata zvikwata, kunyangarihwa, kuraradza, undaradzi nomitambo idofumuka, nozvidofanana nozvakarezvi. Ndinokuchenjedzai, sezvandidomboita, kuti vanoita zvidodarozvo vanojaba nhaka youmambo hwaMwari.

Futi avo vari vaKhirisitu Jesu vadoroverera unhu hwokare pabodzi nokuchiva kwayene nozvido zvayene.

Hama mudodaidzihwa rusununguko. Asi chete rekai kushandisa kusununguka kwenyu semukana wokufadza muviri. Asi kuburikidza norudo ivai vanoshandirana.

Kana ukajara zvinofadza zvido zvounhu hwokare, anokohwa kuora kunobva paunhu hwokare, ukajara zvinofadza Mweya, anokohwa upenyu husingapere hunobva paMweya.

Nokuti zvese zviri munyika zvinoti, kuchiva kwonyama, kuchiva kwomeso nokuzvikudza pakurarama zvinobvaba kuna Baba asi zvinobva munyika.

Maari pakare mudochecheudziwa nokuchecheudziwa kusinai kuitiwa nomanja, kwokubiritsiwa kwonyama yomuviri kuri kuchecheudziwa kunoitiwa naKhirisitu,

"Garirirai munamate kuti mureke kupinda pamuedzo, mweya unoda zvawene, asi muviri udoneta."

Ndinokuudzai izvi, hama: nyama nogazi zvingagareba nhaka youmambo hwaMwari, kana chinoparara kugara nhaka yochisingaparare.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-28_14-13-17-