Pular para o conteúdo
Publicidade

Compaixão

Por Bíblia Online

A compaixão é o coração de Deus em ação. Ele é compassivo e misericordioso, tardio em irar-se e grande em amor. Somos chamados a refletir essa compaixão no mundo.

Nokudaro sevanhu vadosarudziwa naMwari, vatsvene novanodiwa, simirai mwoyo unotsitsi, unyoro, kuzvideredza, kupfava nomwoyo murefu,

Ivai notsitsi futi muchiyamurana, moregererana fanike kuregerehwa kwamudoitiwa naMwari muna Khirisitu.

Kutambudzika Nokuda Kwokuita Zvidonaka

Pakupedzisira, mese ivai nomweya wokuwirirana, itiranai tsitsi, mudanane muchiitirana mwoyo munyoro muchiyamurana nokuzvininipisa.

Kana munhu anozvinhu zvinobatsira akaona hama yache isinai, akareka kumunzvira tsitsi, rudo raMwari ringagare tini mumunhu wakareyo?

Phauro Anotenda Mwari

Kurumbidziwa mbakuve kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, Baba votsitsi naMwari vanopasa kunyaradza kwese, anotinyaradza mukutambura kwedu kwese, kuitira kuti tikwanise kunyaradza avo vari pakutambura kupi nokupi, nokunyaradza kwatinonyaradziwa nako isisu naMwari.

Nokuti hatinai muphirisita mukuru panovese asingagone kutinzvira mutsa pakuvhuwa kwedu, asi uyo adoedzewa pazvinhu zvese kunge isisu, asinai zvitema.

Vanofara, faraiwo navo, novanorira, riraiwo navo.

Pakupedzisira, hama, ndinoti chisarai. Kohororai nzira dzenyu, inzvai chikumbiro changu, bvumiranai, garisanai murunyararo, Mwari worudo norunyararo mbaave nemi.

Seja o primeiro