Comunhão com os irmãos
A comunhão com os irmãos é marca da igreja verdadeira. Os cristãos primevos perseveravam na comunhão — partindo pão, orando e encorajando-se mutuamente.
Comunhão verdadeira
Perseveravam na doutrina dos apóstolos e na comunhão. A comunhão autêntica envolve amor sacrificial e acolhimento mútuo.
Zvino avo vadotambira shoko rache vadoombekewa, zuva rakarero vanhu vanoda kusvika kuzviuru zvitatu vadoingidzihwa kuungano yavo. Vadozvipira kudzidziso dzonhumwa nopakuwadzana, nopakukomora mazingwa, nopaminyengetero.
Mugariro Wovatendi
Kucha kudouya kuvanhu vese, nokuda kwozvishamiso nozviratidzo zvizinji zvidoitiwa nonhumwa. Vatendi vese vanga vari pabodzi vaiti zvinhu zvese nzvedu tese. Vadotengesa pfuma yavo nozvinhu ndokuzvikovera kuno vese, umwe noumwe pakushaiwa kwache. Zuva rimwe norimwe, vaikumana muimba yaMwari vari pabodzi, vachikomora mazingwa mudzimba dzavo, vachija zvokuja zvavo nomufaro, nomwoyo udonaka, Vachirumbidza Mwari, vachidiwa novanhu vese, zuva rimwe norimwe Ishe adoingidzira vaiponesewa.
Mbationei kuti tamutsana mwoyo kuti tive norudo nomabasa yadonaka, tisingareke kuungana kwedu pabodzi, setsika iri kuitiwa novamwe, asi tikurudzirane chaizvo zvamunoona kuti Zuva rakareriye riri kunyedza papfupi.
Amor fraternal
Amai-vos com amor fraternal sincero. Encorajem-se mutuamente e carreguem os fardos uns dos outros.
Zvino zvamudozvinatsa kuburikidza nokuteerera chokwadi kuti muve norudo rudoperera kuhama dzenyu, ditsitsanai zvinobva pamwoyo.
Tambiranai pasinai kunyunyutirana.
Sehama nohama, zvipei pakuitirana rudo. Remekedza abiyako kukunda kuzviremekedza kwaunoita.
Kuzvidikipisa noUkuru hwaKhirisitu
Saka kana muna Khirisitu munokukurudzira, nokunyaradza kworudo, kana kubatirana paMweya, kana munounyoro nokunzvirana tsitsi, zazisai mufaro wangu nokuva nopfungwa ibodzi, muve norudo rubodzi nomweya mubodzi uye nokufunga kubodzi.
Shoko raKhirisitu mbarigare mukati menyu noupfumi hwarene hwese, dzidzisanai nokurairana nouchenjeri hwese, uye nomapisarema nozvimbo zvomweya imbirai Mwari nokutenda mumwoyo yenyu.
Ivai notsitsi futi muchiyamurana, moregererana fanike kuregerehwa kwamudoitiwa naMwari muna Khirisitu.
Hama mudodaidzihwa rusununguko. Asi chete rekai kushandisa kusununguka kwenyu semukana wokufadza muviri. Asi kuburikidza norudo ivai vanoshandirana.
Naizvozvo kurudziranai nokuvakhana, sezvamuri kundoita.
Kana tichiti tinowadzana naye asi tichitekaira murima, tinenge tichibhwodoka peno, tisingagare muchokwadi, asi kana tichitekaira muchiedza, fanike iye pachake ari muchiedza, tinowadzana pachedu, futi gazi raJesu Mwanakomana wache rinotinatsa pazvitema zvese.
Pakupedzisira, hama, ndinoti chisarai. Kohororai nzira dzenyu, inzvai chikumbiro changu, bvumiranai, garisanai murunyararo, Mwari worudo norunyararo mbaave nemi.
Ndinokupasai mutemo mutsva, wokuti mudanane. Sekuda kwandidokuitai, naimimi mudanane daro.