A comunhão
A comunhão cristã é dom e mandamento. Juntos somos mais fortes. A Bíblia celebra a unidade dos crentes em Cristo como antecipação do céu na terra.
inini ndiri mavari futi imimi muri mandiri, kuti vanatse kuita mubodzi, kuitira kuti nyika izive kuti mudondituma futi kuti mudovada zvidofanana nokundida kwamudoita."
Ndinokupasai mutemo mutsva, wokuti mudanane. Sekuda kwandidokuitai, naimimi mudanane daro. Kana muchidanana vanhu vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu."
Vatendi vese vanga vari pabodzi vaiti zvinhu zvese nzvedu tese. Vadotengesa pfuma yavo nozvinhu ndokuzvikovera kuno vese, umwe noumwe pakushaiwa kwache. Zuva rimwe norimwe, vaikumana muimba yaMwari vari pabodzi, vachikomora mazingwa mudzimba dzavo, vachija zvokuja zvavo nomufaro, nomwoyo udonaka, Vachirumbidza Mwari, vachidiwa novanhu vese, zuva rimwe norimwe Ishe adoingidzira vaiponesewa.
Zvatidoonazvo nokunzva tinokuparidziraiwo, kuti muwadzane naisisu, futi kuwadzana kwakareko mhwedu naBaba noMwanakomana wache, Jesu Khirisitu.
Yakareya ndomaziviro yatinoita rudo, kuti Jesu Khirisitu adopasa upenyu hwache pamusaka pedu. Naisisuwo tinofanira kupereka upenyu hwedu nokuda kwohama.
Naizvozvo kurudziranai nokuvakhana, sezvamuri kundoita.
ndiko kuti, imipa nainini tikurudzirane pakutenda.
tisingareke kuungana kwedu pabodzi, setsika iri kuitiwa novamwe, asi tikurudzirane chaizvo zvamunoona kuti Zuva rakareriye riri kunyedza papfupi.
Takuriranai mitoro, ndiyo nzira yamunozazisa nayo mutemo waKhirisitu.
Saka, pese patinowana mukana, mbatiitei zvidonaka kuvanhu vese, kunyanyitsa kumhuri yovanotenda.