Corpo
O corpo é templo do Espírito Santo. A Bíblia ensina a cuidar do corpo com responsabilidade, moderação e respeito — honrando a Deus com nosso ser integral.
Templo do Espírito
Vosso corpo é templo do Espírito Santo. Glorificai a Deus no vosso corpo — ele não é vosso, foi comprado por preço.
Munozivaba nai kuti muviri wenyu imba yaMwari yoMweya Mutsvene ari mamuri, wamudopasiwa naMwari? Hamusi venyu, mudotengewa nomutengo. Saka kudzai Mwari mumuviri wenyu.
asi ndinorovedzera muviri wangu ndichiuita muranda wangu, kuti ndamboparidzira vamwe inini ndireke kudzova asingakodzere.
Kana ndikapereka zvese zvandinazvo, nokupa muviri wangu kuti upisiwe, asi ndisinai rudo, hapanai chandinowana.
Ndava noMweya mubodzi tese tidoombekewa mumuviri mubodzi vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vadosununguka uye tese tidomwa paMweya mubodzi.
Sezvatidondoita kuti tinomuviri mubodzi unonhengo dzidowanda, nhengo dzakaredzo dzese dzinoitaba basa ribodzi, saka nesuwo muna Khirisitu nokuwanda kwedu daipo tiri muviri mubodzi, uye nhengo yega yega njodzimwe nhengo.
Cuidar do corpo
O exercício físico é proveitoso, mas a piedade tem promessa para a vida presente e futura. Cuide do corpo com sabedoria.
Ndava kurovedza muviri kuno zvakunobatsira, asi kuva noumwari kunobatsira zvese, nokuti kuno zvidovimbisiwa muupenyu hwonguwa ino nohwonguwa inodzouya.
Corpo e espírito
O espírito está pronto, mas a carne é fraca. Não vos preocupeis com o corpo — a vida é mais do que alimento.
"Garirirai munamate kuti mureke kupinda pamuedzo, mweya unoda zvawene, asi muviri udoneta."
Kana ziso rako roruji richikukonzera kutadza, ritokonore uritaye! Hasa kutaikihwa nochidzu chibodzi panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena.
Saka ndinokunyepai, kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana chamuchamwa, kana pamusoro pomuiri wenyu chamuchasimira. Ko upenyu hunokundaba chokuja nai, nomuviri unokundaba chokusimira nai?
Rekai kucha vanobaya muiri asi vasingagone kubaya mweya, asi ichai uyo anogona kuparadza zvese muiri nomweya mugehena.
Kutsindikihwa Pamusoro poKunyengera
Pazvanga zvichidaro, gurusvusvu rikuru rozviuru ridoungana zvokutoti vaitsikirirana, adothanga nokunyairira vadzidzi vache kuti, "Chenjererai mbiriso yovaFarisi, hunova unyengeri. Asi hapanai chidofukidziwa chisingadzobiritsiwa pachenu, kana chidosvisviwa chisingadzozikana. Saka chese chamudonyaira murima chichanzvika pachiedza, nochamudonyaira kazevezeve mudzimba dzomukati chichaparidziwa pamusoro podzimba."
Anofanira Kuchiwa
"Ndinokunyepai shamwari dzangu, rekai kucha vanobaya muviri, vasinai chavanogona kuita mumasure mozvakarezvo. Asi ndichakunyepai wamunofanira kucha, ichai iye anoti kana muviri wako wapfa, anomasimba yokukukhandira muGehena, inde, ndinokunyepai, muchei wakareyo!"
"Ko tusudzamvura tushano tunotengesewaba nomapeni mairi? Asi hapanai kana kabodzi chaiko kanokangamwiwa naMwari. Asi, kana novhudzi romusoro wenyu ridotoverengewa peno. Rekai kucha, ndava mudokosha kukunda tusudzamvura tuzinji."
Kupupura Nokuramba Khirisitu
"Ndinokunyepai futi, kuti wese anondibvuma pamberi povanhu, Mwanakomana woMunhu achamubvumawo pamberi pongirozi dzaMwari, asi anondiramba pamberi povanhu acharambiwawo pamberi pongirozi dzaMwari. Nowese anotaura shoko rinopesana noMwanakomana womunhu anoregerehwa, asi anoshora Mweya Mutsvene anoregerehwaba."
"Kana maendesewa pamberi pomasinagoge nopovatongi novanomasimba, rekai kunetseka kuti muchapindurei kana kuti muchati chii. Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai panguwa yakareyo zvamunofanira kutaura."
Mufananidzo Womupfumi Dzemwa
Umwe mukati mogurusvusvu adoti kwaari, "Tenzi, rairai mukoma wangu kuti akoverane nainini nhaka." Asi adoti kwaari, "Iwe munhu, mbani adondiita mutongi kana mukovanisi pakati penyu?" Manje adoti kwavari, "Hokoyo, futi muchenjerere kuchiva kwese, ndava upenyu hwomunhu hahusi pazvinhu zvizinji zvaanazvo."
Adovanyepa mufananidzo achiti, "Munda womumwe mupfumi udoita gohwo ridokuritsa, Adofunga mumwoyo, achiti, ‘Chii chandichaita, ndava handinai pokuchengetera zvirimwa zvangu?’ Ipopo adoti, ‘izvi ndizvo zvandichaita, Ndichapwanya zvitura zvangu, ndovakha zvikuru. Makaremo ndimo mandichaisa zvirimwa zvangu zvese nomidziyo yangu. Ipopo ndichati kumweya wangu, unozvinhu zvizinji zvidochengetehwa makore mazinji. Tambarara, ija, umwe, ufare.’ Asi Mwari adoti kwaari, ‘Iwe dzemwa! Usiku huno mweya wako uchatohwa, ko zvinhu zvawagadzira zvichava zvaani?’"
"Zvakarezvo ndozvidoita munhu anozviunganidzira pfuma, asi asinai kupfuma kuna Mwari."
Vimba naMwari
Ipopo adoti kuvadzidzi vache, "Saka ndinokunyepai kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana pamusoro pomuviri wenyu chamuchasimira. Ndava upenyu hunokunda chokuja, nomuviri unokunda chokusimira. Cherechedzai makunguwo, kuti hayajari kana kukohwa, hayanai pokuchengetera kana chitura, asi zvidodaipo Mwari anoyaposha! Handiti imimi mudotokoshetsa kukunda tushiri! Futi mbani pakati penyu angaingidzire khubiti ribodzi rokurepha kwache nokushushikana? Manje kana muchitadza kuita chinhu chidiki kunge ichocho, munonetsekerei pamusoro pozvimwe zvese? Cherechedzai maruva, kuti yanokura tini, hayashandi kana kurukha, asi zvidodaipo ndinokunyepai kuti kana naiye Soromoni pakubhwinya kwache kwese haanai kupfekedzewa zvidofanana norimwe royakareya. Zvino kana Mwari achipfekedza zvidodai usva hwomusango, hunondovapo nasi huchidzokhandiwa mumoto hwedza, angareke nai kunyanya kukupfekedzai vakaremi? Vanhu vokutenda kudiki!
Saka rekai kutsvaga chamuchaja kana chamuchamwa, kana kushushikana mupfungwa. Ndava marudzi yese yonyika vanotsvaga zvinhu zvakarezvi, asi Baba venyu vanoziva kuti munozvida. Asi tsvagai umambo hwache, zvinhu zvakarezvi zvichava zvenyu pakamu."
Pfuma Yokudenga
"Rekai kucha, kapoka kadiki, ndava Baba venyu vadofadziwa kukupasai Umambo. Tengesai zvamunazvo mupereke zvipo. Zvinhadzirirei zvikwama zvisingasakare, zvinoupfumi kudenga husingapfuruke, kusingasvikiwe nombavha kana tukumo hatuiparadzi. Ndava panopfuma yako pakarepo ndipo panomwoyo wako."
Varanda Vanogaririra
"Zviuno zvenyu mbazvisungiwe nomwenje yenyu mbaipfute, itai kunge vanhu vadogaririra tenzi wavo, paachadzoka achibva kumabiko yomuchato, kuti paanouya achigugudza, vanomuzururira nokamangu. Vadokomborehwa varanda vanowaniwa vadopenya paanouya tenzi, ndinokunyepai chokwadi chokuti, tenzi achazvipira kuvagarisa pasi, iye wovatenairira kuti vaje. Kana akauya panguwa yochipiri, kana yochitatu, wovawana vadodaro, vadokomborehwa varanda vakarevo! Asi zivai zvakarezvi, kuti dai mwenekachiro woimba waiziva nguwa inouya mbavha, waidzogaririra woreka kurekera imba yache ichipaziwa. Naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana womunhu achauya nonguwa yamusingamufungire."
Muranda Adotendeka kana Asinai
Pita adoti, "Ishe, anga mufananidzo wakareyu maunyairira isisu chere, kana kuti vanhu vese?"
Ishe adoti, "Mbani manje mutariri adotendeka futi adochenjera, angaitiwe mutungamiri woimba yatenzi wache, kuti avapase zvokuja zvavo panguwa idofanira? Muranda wakareyo adokomborehwa, anowaniwa achiita zvakarezvo panouya tenzi wake. ndinokunyepai chokwadi, kuti achamugadza kuti ave mukuru wozvese zvaanazvo. Asi kana muranda wakareyo akati mumwoyo mache, ‘Tenzi wangu wachehwa kuuya,’ wothanga kurova varandarume novarandakadzi, achija nokumwa nokuredzera, tenzi womuranda wakareyo achauya nozuva raasingamutarisire noawa yaasingazive, achamugwata nokumuisa pabodzi novasingatende. Muranda anoziva zvinodiwa natenzi wache, akareka kuzvigadzirira kuita kana kuzvipira kuita zvinodiwazvo, acharohwa zvidokungudza, Asi uyo asingazive, akaita zvinorovesa, acharohwa zvishoma. Nokunowese adopasiwa zvidowanda, kwaari kuchabvunziwa zvidowandawo, nokunoadopasiwa zvidowanda, achabvunziwawo zvidowanda."
Jesu Mukonzeri woKupesana
"Ndidouya kokhanda moto panyika, ndinototi dai udobatidziwa kare! Asi ndinoruombeko randichaombekewa naro, futi ndiri kumanikidzika zvidonyanya kusvikira raitika! Munofunga kuti ndidouya kopasa runyararo panyika nai? Ndinokunyepai kuti, neye, asi kudzopesanisa. Nokuti kubva ipopa mumba munovanhu vashano, muchava nokupesana. Vatatu vachapesana novairi, novairi vachapesana novatatu. Kuchava nokupesana kwababa nomwanakomana, nomwanakomana nababa. Amai vachapesana nomwanasikana, nomwanasikana achapesana namaache. Amwene vachapesana nomuroora, nomuroora achapesana naamwene vache."
Kunzvitsitsa Nguwa
Adonyepa gurusvusvu pakare achiti, "Pamunoona guti richikwira kumadokero, nokamangu munoti, ‘Kuchana.’ Zvotoitika daipo. Futi pamunoona mhepo yokuchamhembe ichivhuvhuta munoti, ‘Kuchapisitsa.’ Zvakarezvo zvotoitika. Imi vanyengeri! Munoziva kududzira mamiriro yopasi nokudzuru, asi munotadza tini kududzira mamiriro yonguwa ino?"
Gadzirisana Nowaunopikisana Naye
"Sei imipa pachenyu musingatongane zvidonaka? Paunenge uchienda nomunenedzeri wako pamberi pomutongi, wirirana naye muchiri munzira, kuti areke kudzokupereka kumutongi, nomutongi wodzokupereka kumupurisa, nomupurisa achidzokuvharira mutorongo. Ndinokunyepai, unomubirikaba, kusvikira waripa kamari kokupedzisira."
União e harmonia
O corpo é um só, mas tem muitos membros. Cristo é a cabeça; a paz de Cristo governe em vossos corações.
Kuno muviri mubodzi noMweya mubodzi, sezvamudodaidziwawo kutariro ibodzi yokudaidziwa kwenyu,
Vakadzi, zvidikipisei kuna varume venyu, kunge kuna Ishe. Ndava murume ndiye musoro womunhikadzi fanike Khirisitu anova musoro wokherekhe, unova muviri wache, futi iye ndiye Muponisi wayene.
Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda.
Kurarama noKutenda
Saka hatiori mwoyo. Kana munhu wedu wokunze achiperezeka zvache, munhu wedu womukati anovandudziwa zuva nozuva.
Iye pachake adotakura zvitema zvedu mumuiri wache pamuchinjikwa, kuitira kuti tipfe kuzvitema tiraramire kururama, nomavanga yache mudoporesewa.
Tese tinogwetsewa nomitoo idowanda. Kana munhu asingaphonye pakutaura, munhu wakareyo adokwana, anokonawo kuchengetedza muviri wache wese.