Pular para o conteúdo
Publicidade

Dia das crianças

Por Bíblia Online

As crianças são preciosas aos olhos de Deus. Jesus as acolheu, abençoou e ensinou que delas é o Reino dos Céus — modelos de fé, pureza e humildade.

Jesus e as crianças

Deixai vir a mim as crianças. Jesus abraçou, abençoou e honrou as crianças como modelo de fé para os adultos.

asi Jesu adoti, "Rekai vana vauye kwandiri, rekai kuvarambidza, ndava vadodaiva umambo hwokudenga ngwavo."

Mbani Mukuru?

Panguwa yakareyo vadzidzi vadouya kuna Jesu vachiti, "Mbani mukuru muumambo hwokudenga?"

Zvino adodaidza mwana kwaari ndokumuisa pakati pavo, achibva wati, "Chokwadi ndinoti kwamuri kana, musingasanduke muchiita kunge vana, munopindaba muumambo hwokudenga. Wese anozvidikipisa kunge mwana wakareyu, ndiye mukuru maninge muumambo hwokudenga.

Mufananidzo woHwai Idotaika

"Onai kuti munozvidzaba umwe wovadiki vakareva. Ndava ndinokunyepai kuti ngirozi dzavo kudenga dzinenge dziripo panaBaba vangu vari kudenga.

Asi vaphirisita vakuru novadzidzisi vomurairo pavadoona zvinhu zvinoshamisa zvaaiita, novana vachidaidzira mukati moimba yaMwari, "Hozana kuMwanakomana waDhavhiti!" vadosemburiwa, vadobva vati kwaari, "Muri kunzva chere zviri kunyairiwa novana vakareva?"

Jesu adoti kwavari, "Inde, hamunai kuverenga nai, Kubva mumiromo yovana novanomwa mudobirika rumbidzo idokwana?"

Ndinokuudzai chokwadi, wese asingatambire umambo hwaMwari semwana mudiki, anopindaba mahuri. Adovabata mumaoko yache achiturika maoko yache pavari.

Pakarepo adotora mwana mudiki ndokumumisa pamberi pavo, adomutakura mumaoko yache ndokuti kwavari, "Wese anotambira mwana anenge iyeyu muzita rangu, anenge wanditambira inini. Nowese anonditambira inini, anotambiraba inini basi, asi anotambirawo noadondituma."

Instruir e proteger

Instrui a criança no caminho de Deus. Elas são herança do Senhor — presentes sagrados que devemos educar com amor.

Vana, teererai vabereki venyu muzvinhu zvese nokuti ndizvo zvinofadza Ishe.

Madzibaba, rekai kugumbura vana venyu, kuitira kuti vareke kuwodzewa mwoyo.

Vana noVabereki

Vana, tetekerai vabereki venyu muna Ishe, nokuti zvakarezvi ndizvo zvidokohoroka. "Remekedza baba vako namaako" (wakareyu ndiwo murairo wokuthanga uno chivimbiso), "kuti zvikuitire bhwino futi kuti urarame nguwa irefu panyika."

Anababa, rekai kusora muchikaripisa vana venyu, asi varerei mukurovedzera nomukuraira kwaIshe.

Seja o primeiro