Família de Deus
A família de Deus transcende laços de sangue. Em Cristo, somos adotados como filhos, irmãos uns dos outros e membros de uma família eterna — a Igreja.
Adotados por Deus
Recebemos o espírito de adoção pelo qual clamamos: Abba, Pai! Se filhos, também herdeiros — herdeiros de Deus e co-herdeiros com Cristo.
Ndava mudopasiwaba mweya wokuva varanda kuti mugare muchicha, asi mudotambira Mweya woumwana watinodaidza nawo tichiti, "Baba, Baba!" Mweya pachake anopfakaza kumweya yedu kuti tiri vana vaMwari. Manje kana tiri vana, tiri vaji vonhaka, vaji vonhaka yaMwari pabodzi naKhirisitu, kana tichikovana naye matambudziko, tichakovanawo naye kamu kubhwinya kwache.
Asi nguwa paidodzonatsa kuzara, Mwari adotuma Mwanakomana wache, adozvahwa nomukadzi, nokudzorarama ari pasi pomutemo, kuti asunungure vaye vanga vari pasi pomutemo, kuti titambire kuitiwa kwedu vanakomana vaMwari.
Sezvo muri vana, Mwari adotuma Mweya woMwanakomana wache mumwoyo yedu, anodaidzira kuti, "Baba, Baba." Saka hausisiri muranda asi mwana wache. Sezvo uri mwana wache, uri muji wonhaka yaMwari.
Nokudaro muna Khirisitu Jesu mese muri vana vaMwari, kuburikidza nokutenda, nokuti mese pakati penyu vadoombekewa muna Khirisitu mudosimira Khirisitu. Hapachinai muJudha kana muGiriki, hapachinai muranda kana adosununguka, hapachinai munhurume kana munhukadzi. Ndava mese muri mubodzi muna Khirisitu Jesu.
Adoita kuti tive vana vache kare kuburikidza naJesu Khirisitu, zvichienderana nomaonero yache yadonaka, kuti zvipase kurumbidziwa kwokubhwinya kwomutsa wache, waadotipasa pasinai muripo muna iyeyo Anodiwa.
Rudo raKhirisitu
Nochikonzero ichochi ndinopfugama pamberi paBaba, kubva kwaari mhuri dzese kudenga nopanyika dzinotenzewa mazita yadzene,
Asi vese vadomutambira, vaye vadotenda muzita rache, adovapasa simba rokuva vana vaMwari, vasinai kuzvahwa nomagazi kana nokuda kwomuviri wonyama, kana nokuda kwomunhu, asi vadozvahwa naMwari.
A comunidade de fé
Não abandonem a congregação. Somos um corpo em Cristo, membros uns dos outros, chamados a amar e a servir.
tisingareke kuungana kwedu pabodzi, setsika iri kuitiwa novamwe, asi tikurudzirane chaizvo zvamunoona kuti Zuva rakareriye riri kunyedza papfupi.
Munofanira kutsunga pakurangiwa. Mwari ari kukubatai sevana vache, nokuti ngupi mwana asingarangiwe nababa vache? Kana mukareka kurangiwa, sezvinoitiwa vana vese, muri vana vomasanganiswa hamuzi vana vache. Pamusoro pozvakarezvi, isisu taiva nanababa vedu vopanyika vaitiranga uye taivakudza. Ko hatingazviise pasi paBaba vomweya yedu kuti tirarame? Nokuti ivo vadotiranga kwonguwa ipfupi sezvavaida, asi iye anotiranga kuti zvitinakire sezvaadoona zvidokodzera, kuti tikovehwe utsvene hwache.
saka nesuwo muna Khirisitu nokuwanda kwedu daipo tiri muviri mubodzi, uye nhengo yega yega njodzimwe nhengo.
Kana nhengo ibodzi ikashupika, dzese dzinoshupika, kana nhengo ibodzi ikakudziwa, dzese dzinofara pabodzi.
Saka ipopa hamuchava varendo novatohwa, asi zvino mava nzvahwa pabodzi novatsvene nonhengo dzoimba yaMwari, mudovakhiwa pamusoro ponheyo dzonhumwa novaporofiti, Khirisitu Jesu pachake ari dombo ropakhona. Maari chivakwa chese chidobatana pabodzi futi chinokura chichiva imba itsvene muna Ishe. Maari naimimiwo mudovakhiwa kuti muve nzvimbo inogara Mwari muMweya.
Quem é minha família?
Jesus disse: quem faz a vontade de Deus, esse é meu irmão e irmã. A família de Deus inclui todos os que creem.
Iye adovapindura achiti, "Amaangu mbani? Vanin’ina vangu mbani?" Adonangara nangara vanhu vanga vadogarikika makaremo, ndokubva wati, "Vakareva ndivo amaangu novanin’ina vangu! Wese anoita zvinodiwa naMwari, ndiye nomunin’ina wangu, nohanzvadzi yangu, namaangu."
Muranda haagari mumba nokusingapere, mwanakomana anopfuurira nokusingapere.
Jesu adoti kwavari, "Dai Mwari waiva Baba venyu, maindida, ndava ndidobva kuna Mwari, handinai kuzviuyira, asi adondituma saka ndiri pano.
Kuva Nohanya Novatendi
Reka kukaruza murume mukuru noukari, asi mukurudzire fanike zvaunoita baba vako, vochidiki vatore kunge vanin’ina vako, vanhukadzi vakuru uvaite fanike anamai, vanhukadzi vadiki fanike hanzvadzi, zvakarezvi mbazviitiwe muutsvene hwese.
Vana VaMwari
Onai kukura kworudo ratidopasiwa naBaba, rokuti tiitiwe vana vaMwari! Izvozvi ndizvo zvatiri peno! Chikonzero chinoita kuti nyika isaye kutiziva nyhokuti hainai kumuziva iye. Hama dzinodiwa, izvozvi tiri vana vaMwari, futi hazvinati zvanangidziwa kuti tichava vadoita tini. Asi tinoziva kuti Khirisitu paanooneka, tichafanana naye, ndava tichamuona sezvaadoita chaizvo.
Saka, pese patinowana mukana, mbatiitei zvidonaka kuvanhu vese, kunyanyitsa kumhuri yovanotenda.