Filho de Deus
Jesus é o Filho de Deus — a revelação suprema do Pai. Nele habita toda a plenitude da divindade e por Ele temos acesso ao Pai, à salvação e à vida eterna.
A revelação do Filho
O Filho é o resplendor da glória de Deus. Quem vê o Filho vê o Pai. Jesus é a imagem perfeita do Deus invisível.
Ndiye chiratidzo chokubhwinya kwaMwari nochimiro chache chaicho, anochengeta zvisikwa zvese nosimba roshoko rache. Paadopedza kukohorora zvitadzo, adogarikika kujanja roruji roUkuru kudenga.
Ukuru hwoMwanakomana waMwari
Mwanakomana adova mukuru zvidonyanya kupinda ngirozi sezvo zita raadogara nhaka ridonaka kukunda mazita yadzene.
Shoko ridodzova munhu ndokugara pakati pedu, rizere nonyasha nochokwadi, tidoona kubhwinya kwache, kudoita kunge kwoMwanakomana mubodzi adobva kuna Baba.
Hapanai adomboona Mwari, asi Mwanakomana mubodzi ari pachipfuwa chaBaba ndiye adoita kuti azikane.
Asi Jesu adovapindura achiti, "Baba vangu vachiri kushanda, nainini ndiri kushanda."
Izvozvo ndizvo zvidoitisa kuti vaJudha vatsvagitsitse mabairo yavangamuite, ndava haanai kundochora mutemo woSabata chete, asi waidaidza Mwari kuti ndiBaba vache, kutozvienzanisa naMwari.
Confissão e fé
Tu és o Cristo, o Filho do Deus vivo! Quem confessa que Jesus é o Filho de Deus, Deus permanece nele.
Pita Anopupura kuti Jesu ndiye Khirisitu
Zvino Jesu paadosvika mudunhu rinoitiwa Khesari Firipi, adobvunza vadzidzi vache, "Anga vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu mbani?"
Ivo vadoti, "Vamwe vanoti Johwani Muombeki, vamwe vachiti Eriya, vamwewo vachiti Joromiya, kana umwe wovaporofiti."
Iye adoti kwavari, "Asi imimi munoti ndini yani?"
Simoni Pita adopindura achiti, "Ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari mupenyu."
Zvino Jesu paadoombekewa, adobirika mumvura kabodzi nokabodzi. Pakarepo matenga yadozururiwa futi adoona Mweya waMwari achiburuka adoita kunge njiva ndokuvhoda paari. Zvino izvi ridobva kudenga richiti, "Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, futi ndinofadziwa maninge naye."
Munhu wese anopasa upfakazi hwokuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiyewo muna Mwari.
Munozvakarezvi rudo raMwari ridonangidziwa pakati pedu, kuti Mwari adotumira panyika Mwanakomana wache mubodzi, kuti tirarame kuburikidza naye. Rakareri ndiro rudo, aikona kuti tidoda Mwari, asi kuti iye adotida ndokutuma Mwanakomana wache kuti ave chibairo chozvitadzo zvedu.
Uyo anoita zvitadzo ngwajabhurosi, ndava jabhurosi wanga achindoita zvitadzo kubva pakuthanga. Chikonzero Mwanakomana waMwari chaadonangidzihwa pachenu nyhokuti aparadze mabasa yajabhurosi.
Wese ano Mwanakomana anoupenyu, asi wese asinai Mwanakomana waMwari haanai upenyu.
Vida no Filho
Deus enviou seu Filho ao mundo para que vivêssemos por Ele. O Filho dá vida, julga e reconcilia os pecadores com o Pai.
Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere.
Sezvinoita Baba kumutsa vadopfa vachivapasa upenyu, naiyewo Mwanakomana anopasa upenyu munhu waanoda. Baba hapanai wavanotonga, asi vadopasa kutonga kwese kuMwanakomana, kuti vese varemekedze Mwanakomana, sekuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedze Mwanakomana haaremekedzewo Baba vadomutuma."
Ndinokunyepai chokwadi ndichiti, nguwa iri kuuya, izvozvi yatosvika, apo vadopfa vachanzva dzinga roMwanakomana waMwari, futi vacharinzvavo vachararama. Baba sezvavanoupenyu mavari, saizvozvo vadopasawo Mwanakomana kuti ave noupenyu maari.
Asi vese vadomutambira, vaye vadotenda muzita rache, adovapasa simba rokuva vana vaMwari, vasinai kuzvahwa nomagazi kana nokuda kwomuviri wonyama, kana nokuda kwomunhu, asi vadozvahwa naMwari.
Ndidoroverehwa kubodzi naKhirisitu, ndiniba ndichiri kurarama, asi Khirisitu anorarama mandiri. Upenyu hwandinorarama izvozvi mumuviri ndinohurarama nokutenda muMwanakomana waMwari, adondida ndokuzvipereka nokuda kwangu.
Asi nguwa paidodzonatsa kuzara, Mwari adotuma Mwanakomana wache, adozvahwa nomukadzi, nokudzorarama ari pasi pomutemo, kuti asunungure vaye vanga vari pasi pomutemo, kuti titambire kuitiwa kwedu vanakomana vaMwari.
Sezvo muri vana, Mwari adotuma Mweya woMwanakomana wache mumwoyo yedu, anodaidzira kuti, "Baba, Baba."
Ndava kana pataiva mhandu dzaMwari, tidoyananisiwa naye kuburikidza noipfa yoMwanakomana wache, ko kudzoti tatoyananisiwa, tichakungudza zvidoita tini kuponesewa noupenyu hwache!