Gratidão a Deus
A gratidão a Deus é atitude que transforma a vida. Reconhecer que toda boa dádiva vem de Deus nos leva a louvar, servir e viver com alegria e propósito.
Tudo vem de Deus
Toda boa dádiva vem do alto. Agradecer a Deus é reconhecer que Ele é a fonte de toda bênção e sustento.
Ndava chese chidosikiwa naMwari chidonaka, futi hapanai chinofanira kurambiwa kana chichitambihwa nokutenda,
Ndava chese chidosikiwa naMwari chidonaka, futi hapanai chinofanira kurambiwa kana chichitambihwa nokutenda, ndava chinoitiwa chitsvene noshoko raMwari futi nomunamato.
Kutenda Nondava Yotsitsi dzaMwari
Ndinomutenda iye adondipasa simba rozvakarezvi, Khirisitu Jesu Ishe wedu, ndava adoona ndidovimbika ndokundipasa basa rache,
Vanhu Vese Mbavanamatihwe
Saka, pakuthanga kwozvese ndinokurudzira kuti vanhu vese vakumbirihwe, vanamatihwe, vateterehwe, futi vatendehwe,
muchipasa kutenda kuna Baba, adokuitai kuti muve vadokodzera kukovehwa nhaka yovatsvene muchiedza choumambo.
muno midzi yenyu nokuvakiwa maari uye nokusimbisiwa pakutenda, sezvamudodzidzisiwa, muchinyanya kutenda.
Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda.
Louvor e gratidão
Louvai ao Senhor e dai-lhe graças! Ele fez maravilhas e é digno de todo louvor e agradecimento.
Expressões de gratidão
Dar graças com oração e súplica. A gratidão se expressa em palavras, atos e atitudes que glorificam a Deus.
Rekai kunetseka pamusoro pochinhu kana nochibodzi zvachene, asi pazvinhu zvese kukumbira kwenyu mbakuzivisiwe Mwari kuburikidza nomunyengetero, nokukumbira, pabodzi nokupasa kutenda.
nguwa dzese pazvinhu zvese pasai kutenda kuna Mwari Baba muzita raIshe wedu Jesu Khirisitu.
Mbapareke kuva noutsambwa, nokunyaira kudofumuka kana kwokupusa, zvinova zvisingakodzere, asi panzvimbo yozvakarezvo mbapave nokupereka kutenda.
Muchapfumisiwa pazvese kuti mumbogara muchipereka, kuti kuburikidza nomatiri kupereka kwenyu kuvikire Mwari nhendo.
Ndava zvese zvinoitiwa nondava yenyu, kuitira kuti mutsa padzinosvitsiwa kuvanhu vazinji dziingidzire kupereka kutenda kukubhwinya kwaMwari.
pasai kutenda mumamiriro yese yozvinhu, nokuti kwakareku ndiko kuda kwaMwari pamusoro penyu muna Khirisitu Jesu.
vachiti,
"Tinokupasai kutenda imimi, Ishe Mwari Womasimba yese, muripo nomanga muripo!
Nokuti mudotora masimba yenyu makuru
mukathanga kutonga.