Irrepreensível
Ser irrepreensível não é ser perfeito — é viver com integridade diante de Deus e dos homens. A Bíblia nos chama a buscar uma vida reta, pura e sem manchas visíveis de hipocrisia.
O padrão divino
Deus é perfeito e chama seus filhos à integridade. A palavra de Deus é purificada e Ele é escudo dos que caminham na retidão.
Buscar a perfeição em Cristo
Todos tropeçamos em muitas coisas, mas o alvo é a maturidade. Cristo é a fonte da salvação eterna para todos os que lhe obedecem.
Tese tinogwetsewa nomitoo idowanda. Kana munhu asingaphonye pakutaura, munhu wakareyo adokwana, anokonawo kuchengetedza muviri wache wese.
Kunamata kunotambihwa naMwari Baba sekudochena kusinai tsambwa nghuku, kuchengeta hungwa novajiche pakutambudzika kwavo nokuzvichengeta kubva pakusvipisiwa nonyika.
Chidonaka chese nochipo chese chidokwana chinoburuka chichibva kudzuru, kuna Baba vozviedza vasingasanduke kunge mimvuri inonyedza.
uye adoti wakwanisiwa adodzova muvambi wokuponesewa kusingapere kuno vese vanomutetekera,
Jesu adoti kwaari, "Kana uchida kukwana, enda kotengesa zvaunazvo upase varombo ipopo uchava nopfuma kudenga, wouya kudzonditevera."
Vida íntegra
Que a vossa alegria seja completa! Vivam em harmonia, sejam irrepreensíveis — transformados pela renovação da mente.
"Zvinhu zvakarezvi ndidokunyairirai kuti mufaro wangu uve mamuri, futi kuti mufaro wenyu uzare.
Kusvika ipopa hamusati makumbira chinhu muzita rangu, kumbirai, muchapasiwa, kuti mufaro wenyu uzare.
Rekai kumbofanana nonyika ino, asi sanduhwai kuburikidza nokuvandudza mufungo wenyu, kuti mukwanise kuraidza nokuziva kuda kwaMwari kudonaka, kunofadza, kudokwana.
Kupesana mukherekhe
Ndinokukumbiritsai, hama, nozita raIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti mese mubvumirane kuti pakati penyu pareke kuva nokupesana, asi mubatane papfungwa ibodzi nochinangwa chibodzi.
Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana.
Kuzvidikipisa noUkuru hwaKhirisitu
Saka kana muna Khirisitu munokukurudzira, nokunyaradza kworudo, kana kubatirana paMweya, kana munounyoro nokunzvirana tsitsi, zazisai mufaro wangu nokuva nopfungwa ibodzi, muve norudo rubodzi nomweya mubodzi uye nokufunga kubodzi. Rekai kuita chinhu nonharo kana nomanyemwe, asi nokuzvidikipisa umwe noumwe mbaati vamwe vanomukunda pabuya. Umwe noumwe mbaareke kunangara zvinhu zvidonakira iye basi, asi mbaanangarewo nozvidonakirawo abiyache. Ivai nomufungo uyu pakati penyu wanga uri muna Khirisitu Jesu,
iye kunyange wanga adofanana naMwari,
haanai kuti kuenzana naMwari chinhu chinofanira kubatitsitsiwa,
asi adosiya zvaanga ari achitora unhu hwomuranda,
adozvariwa ari muchimiro chovanhu.
Uye adoti wawanika muchimiro chomunhu adozvidukupisa ndokutetekera kusvikira paipfa,
iyo ipfa yopamuchinjikwa.
Nokudaro Mwari adomukwiridzira pamusorosoro
ndokumupasa zita riri pamusoro pomazita yese,
kuti muzita raJesu
mabvi yese yapfugame,
yovari kudenga novari panyika noyovari pasi ponyika,
uye ndimi dzese dzipfakaze kuti Jesu Khirisitu ndiye Ishe,
kuti Mwari Baba varumbidziwe.
Kuvhenekera seZviedza muNyika
Naizvozvo, hama sezvamudotetekera nguwa dzese aikona pandanga ndiripo chete, asi kunyanya iyezvino pandisipo, pedzisai basa rokuponesewa kwenyu nokucha nokutetemera, nokuti Mwari ari kushanda mukati menyu ndiye anoita zvese kuti mufarire nokuita chido chache chidonaka.
Itai zvinhu zvese musinganyunyute kana kuita nharo, kuti muve vanhu vasinai chavanonenedzehwa novadochena, vana vaMwari vasinai murandu pakati porudzi ridopombonyoka, ridotaika ramuri pakati parene muchivhenekera kunge nyenyedzi mudenga, mudobatitsitsa shoko roupenyu, kuitira kuti pazuva raKhirisitu ndidade ndizive kuti handinai kumhanyira pasina kana kushandira mahara.
Kunyange ndikatoduruhwa kunge chibairo pamusoro pokuzvipira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufaritsa naimipa mese. Zvibodzibodzi naimipa munofanira kufarawo pabodzi nainini.
Timoti naEpafurodhitasi
Ndinotarisiro muna Ishe Jesu kuti ndichatuma Timoti nokamangu kwamuri, kuitira kuti ndifadziwe nokunzva hwenye pamusoro penyu. Nokuti handinai umwe adofanana naye, iye achava nohanya chaizvo pamusoro penyu. Ndava vamwe vese vanozvitsvagira zvavo pachavo, zvisiri zvaJesu Khirisitu. Asi Timoti munoziva kutendeka kwache, kuti fanike baba nomwanakomana wavo, adoshanda pabodzi nainipano muvhangeri. naizvozvo ndinotarisiro yokumutuma kwamuri mumasure mokunge ndaziva kuti zvinhu zvichandifambira tini. Uye ndinotenda muna Ishe kuti inini pachangu ndichauyawo pasinai nonhangwe yese.
Manje ndidozviona zvidokodzera kuti nditume Epafurodhitasi kwamuri hama yangu nomubatsiri wangu pabasa uye muhwi pabodzi nainipano, ari mutumwa wenyu nomushumiri wangu pano zvandinosaya. Nokuti wanga achikusuvitsai mese, uye adoshungurudzika chaizvo nondava yokuti mudonzva kuti wanga achihwara. Ichokwadi chaicho wanga achihwara, zvokutoda kupfa. Asi Mwari adomunzvira tsitsi, asiri iye chete asi nainipanowo kuti ndireke kuingidzihwa kusuwa pamusoro pokusuwa. Nokudaro ndinoda maninge kumutuma iye kwamuri, kuti mufare pamunomuona pakare uye kuti nainipanowo ndireke kunetseka. Saka mutambirei nomufaro wese muna Ishe; uye muremekedze vanhu vadodai, nokuti adopotsa wapfira basa raKhirisitu, adoisa upenyu hwache panjodzi achikuitirai basa ramudotadza kundiitira.
Onai kuti hapanai wenyu anotsiva chidoipa nochidoipa, asi nguwa dzese tsvagai kuitirana zvidonaka nokunovese.