Jesus Cristo
Jesus Cristo é o centro de toda a Escritura — Deus encarnado, Salvador do mundo, Senhor dos senhores. Nele habita corporalmente toda a plenitude da divindade.
A divindade de Cristo
No princípio era o Verbo, e o Verbo estava com Deus, e o Verbo era Deus. Jesus é Deus revelado em carne humana.
Shoko Ridova Nyama
Pakuthanga kwanga kuno Shoko, Shoko ranga rina Mwari, futi Shoko ranga riri Mwari.
Shoko Ridova Nyama
Pakuthanga kwanga kuno Shoko, Shoko ranga rina Mwari, futi Shoko ranga riri Mwari. Wanga ari pakuthanga naMwari. Zvinhu zvese zvidoitiwa kuburikidza naye, futi kunze kwache hapanai chokugadzihwa changa chidogadzihwa.
Shoko ridodzova munhu ndokugara pakati pedu, rizere nonyasha nochokwadi, tidoona kubhwinya kwache, kudoita kunge kwoMwanakomana mubodzi adobva kuna Baba.
Nokuti maari kuzara kwese kwoumwari kunogara mumuviri,
Nokuti maari kuzara kwese kwoumwari kunogara mumuviri, uye imimi mudouyisiwa kukuzara kwoupenyu maari, iye musoro woutongi hwese nomasimba.
Ivai nomufungo uyu pakati penyu wanga uri muna Khirisitu Jesu,
iye kunyange wanga adofanana naMwari,
haanai kuti kuenzana naMwari chinhu chinofanira kubatitsitsiwa,
asi adosiya zvaanga ari achitora unhu hwomuranda,
adozvariwa ari muchimiro chovanhu.
Ivai nomufungo uyu pakati penyu wanga uri muna Khirisitu Jesu,
Jesus, o Filho de Deus
Tu és o Cristo, o Filho do Deus vivo! Jesus revelou o Pai e demonstrou sua autoridade divina por palavras e obras.
Iye adoti kwavari, "Asi imimi munoti ndini yani?"
Simoni Pita adopindura achiti, "Ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari mupenyu."
Zvino Jesu adomupindura achiti, "Udokomborehwa iwepa, Simoni mwanakomana waJona! Ndava nyama nogazi ndizvoba zvakuzururira izvozvi, asi Baba vangu vari kudenga.
"Nangarai, mhandara ichava nomimba yozvara mwanakomana, zita rache richaitiwa Manuwere" (zvinoreva kuti Mwari anesu).
Mukuru wozana romauto novaanga anavo, vadogaririra Jesu, pavadoona kugwetedzeka kwonyika nozvidoitika, vadozaziwa nokucha, vachiti, "Chokwadi uyu wanga ari Mwanakomana waMwari!"
Asi adoramba adondonyarara, haanai chaadopindura. muphirisita mukuru adomubvunza pakare, "Ndiwe chere Khirisitu Mwanakomana woAdokomborehwa?"
Jesu adomupindura achiti, "Ndini, uye uchaona Mwanakomana woMunhu adogarikika kuruoko roruji roMasimba, achiburuka nomakuti kubva kudenga."
Jaha ridoti kwavari, "Rekai kushamisika, handiti muri kutsvaga Jesu woNazareta wanga adorovehwa? Haapo pano wamuka, onai paanga adoradzikiwa.
Jesu Anoombekewa
Zvino vanhu vese pavadoombekewa, naJesu waombekewawo ari pakunamata, denga ridozururiwa, Mweya Mutsvene adoburuka achivhoda paari, adoita kunge njiva, futi izvi ridouya kubva kudenga richiti, "Iwepa ndiwe Mwanakomana wangu wandinoditsa, naiwepa ndinofadziwa maninge."
Eu Sou
Jesus disse: antes que Abraão existisse, Eu Sou. Ele se identificou com o nome divino revelado a Moisés na sarça ardente.
Jesu adopindura kuti, "Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahamu asati wavapo, Ndiripo."
Inini naBaba tiri mubodzi."
Asi Jesu adovapindura achiti, "Baba vangu vachiri kushanda, nainini ndiri kushanda."
Izvozvo ndizvo zvidoitisa kuti vaJudha vatsvagitsitse mabairo yavangamuite, ndava haanai kundochora mutemo woSabata chete, asi waidaidza Mwari kuti ndiBaba vache, kutozvienzanisa naMwari.
Izvozvo ndizvo zvidoitisa kuti vaJudha vatsvagitsitse mabairo yavangamuite, ndava haanai kundochora mutemo woSabata chete, asi waidaidza Mwari kuti ndiBaba vache, kutozvienzanisa naMwari.
Sezvinoita Baba kumutsa vadopfa vachivapasa upenyu, naiyewo Mwanakomana anopasa upenyu munhu waanoda. Baba hapanai wavanotonga, asi vadopasa kutonga kwese kuMwanakomana, kuti vese varemekedze Mwanakomana, sekuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedze Mwanakomana haaremekedzewo Baba vadomutuma."
Ndinokunyepai chokwadi ndichiti, nguwa iri kuuya, izvozvi yatosvika, apo vadopfa vachanzva dzinga roMwanakomana waMwari, futi vacharinzvavo vachararama.
O Salvador e Senhor
Jesus é o caminho, a verdade e a vida. Não há outro nome dado entre os homens pelo qual devamos ser salvos.
Jesu adoti kwaari, "Ndini nzira, nochokwadi, noupenyu, hapanai anouya kuna Baba, asi nopandiri.
Jesu adoti kwaari, "Firipi, ndanga ndinemi pesepa, haunati wandiziva? Uyo anenge wandiona waona Baba. Unganyaire tini uchiti, ‘Tinangidzei Baba?’ Unotendaba nai kuti ndiri muna Baba naBaba vari mandiri? Mazvi yandinonyaira kwamuri handinyaire musimba rangu ndega, asi Baba vanogara mandiri vanoita mabasa yavo.
Jesu adoti kwaari, "Ndini kumuka noupenyu; uyo anotenda kwandiri, kana akapfa, asi achararama,
Jesu adoti kwaari, "Ko handinai kukunyairira kuti kana ukatenda uchaona kubhwinya kwaMwari?"
Uye hapanai ruponiso kunoumwe, nokuti hapanai rimwe zita pasi podenga ridopasiwa pakati povanhu, ratingaponesewe naro."
Manje pavanga vachitekaira daro nonzira vadosvika panga pano mvura, muranda waKhandasi adoti, "Ona, mvura iri pano! Chiiko chinganditadzise kuombekewa?"
Zvino Firipi adomuti, "Kana uchitenda nomwoyo wake wese, zvinoita kuti uwombekewe." Zvino iye adopindura achiti, "Ndinotenda kuti Jesu Khirisitu ndiye mwanakomana waMwari." Firipi adoraira kuti ngoro imisiwe, zvino vese vadopinda mumvura, Firipi ndokuombeka muranda.
A supremacia de Cristo
Ele é o resplendor da glória de Deus e a expressão exata do seu ser. Toda a plenitude habita nele e por Ele tudo subsiste.
Ndiye chiratidzo chokubhwinya kwaMwari nochimiro chache chaicho, anochengeta zvisikwa zvese nosimba roshoko rache. Paadopedza kukohorora zvitadzo, adogarikika kujanja roruji roUkuru kudenga.
Ukuru hwoMwanakomana waMwari
Mwanakomana adova mukuru zvidonyanya kupinda ngirozi sezvo zita raadogara nhaka ridonaka kukunda mazita yadzene.
Jesu Muphirisita Mukuru Panovese
Nokudaro, zvatinomuphirisita mukuru panovese anomukurumbira adokwira kudenga, Jesu Mwanakomana waMwari, mbatibatitsitsei kutenda kwatinopfakaza. Nokuti hatinai muphirisita mukuru panovese asingagone kutinzvira mutsa pakuvhuwa kwedu, asi uyo adoedzewa pazvinhu zvese kunge isisu, asinai zvitema.
tidonangara kunaJesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye adoshinga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro udoisiwa pamberi pache, adoshora kunyadzisiwa kwawene, achibva wagarikika kujanja roruji romupando woushe hwaMwari.
Naizvozvo adofanira kuti afanane nohama dzache pazvese, kuitira kuti ave muphirisita mukuru adotendeka uye anomutsa mubasa raMwari, kuti adzikinure zvitema zvovanhu.
Confessar a Cristo
Todo aquele que confessa que Jesus é o Filho de Deus, Deus permanece nele e ele em Deus. A fé em Cristo é a vitória.
Munhu wese anopasa upfakazi hwokuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiyewo muna Mwari.
Munhu wese anopasa upfakazi hwokuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiyewo muna Mwari.
Munozvakarezvi rudo raMwari ridonangidziwa pakati pedu, kuti Mwari adotumira panyika Mwanakomana wache mubodzi, kuti tirarame kuburikidza naye. Rakareri ndiro rudo, aikona kuti tidoda Mwari, asi kuti iye adotida ndokutuma Mwanakomana wache kuti ave chibairo chozvitadzo zvedu.
Munozvakarezvi rudo raMwari ridonangidziwa pakati pedu, kuti Mwari adotumira panyika Mwanakomana wache mubodzi, kuti tirarame kuburikidza naye.
Uyo anoita zvitadzo ngwajabhurosi, ndava jabhurosi wanga achindoita zvitadzo kubva pakuthanga. Chikonzero Mwanakomana waMwari chaadonangidzihwa pachenu nyhokuti aparadze mabasa yajabhurosi.
Mbani anokunda nyika, kana asiri iyeyo anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari?
Futi uhu ndihwo upfakazi hwokuti, Mwari adotipasa upenyu husingapere. Upenyu hwakarehu huri muMwanakomana wache. Wese ano Mwanakomana anoupenyu, asi wese asinai Mwanakomana waMwari haanai upenyu.
Nokuti kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe pakare uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa, uchaponesewa.
Viver em Cristo
Já não sou eu quem vive, mas Cristo vive em mim. Ele supre toda necessidade, dá paz e reina como Senhor.
Ndidoroverehwa kubodzi naKhirisitu, ndiniba ndichiri kurarama, asi Khirisitu anorarama mandiri. Upenyu hwandinorarama izvozvi mumuviri ndinohurarama nokutenda muMwanakomana waMwari, adondida ndokuzvipereka nokuda kwangu.
Zvino Mwari wangu achazazisa kushaiwa kwenyu kwese kubva papfuma yache mukubhwinya muna Khirisitu Jesu.
Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda.
Nokuti tiri basa romanja yache, tidosikiwa muna Khirisitu Jesu kuti tiite mabasa yadonaka, yadonhadzihwa kare naMwari, kuti tiyaite.
futi tekairai murudo, sekudiwa kwatidoitiwa naKhirisitu ndokuzvipira nondava yedu, kunge chipiriso chohwema hunonushira kuna Mwari.
Sezvatidondoita kuti tinomuviri mubodzi unonhengo dzidowanda, nhengo dzakaredzo dzese dzinoitaba basa ribodzi, saka nesuwo muna Khirisitu nokuwanda kwedu daipo tiri muviri mubodzi, uye nhengo yega yega njodzimwe nhengo.
Asi Mwari mbaatendewe! Adotipasa kukunda kuburikidza naIshe wedu Jesu Khirisitu.
asi remekedzai Khirisitu saIshe mumwoyo menyu. Mugare mudogadzirira kupasa mhinduro kunowese anokubvunzai chikonzero chotariro yamunayo.
Ndava kuna Mwari mubodzi, futi kuno mumiririri mubodzi pakati paMwari novanhu, munhu Khirisitu Jesu,
O Rei eterno
O Rei dos reis voltará em glória e majestade. Todo joelho se dobrará e toda língua confessará que Jesus Cristo é o Senhor.
Mugadhi woBhiza richena
Pakarepo ndidoona denga ridovhuriwa, ndokuona bhiza richena, wanga adorigadha waiitiwa Adotendeka noWochokwadi, anotonga nokuhwa zvidorurama. Maziso yache yanga yadoita kunge marimi yomoto, pamusoro wache panga panokorona dzizinji. Wanga anozita ridonyorewa ranga risingazikane noumwe munhu asi naiye basi. Wanga adosimira jasi ridonyikiwa mugazi, anodaidziwa nozita rokuti Shoko raMwari. Hondo dzokudenga, dzanga dzidosimira biza richene ridonaka risinai tsambwa, dzidomutevera dzidogadha mabhiza machena. Mumuromo mache mudobirika bakatwa ridopinza rokuhwisa naro marudzi, achayatonga notsvimbo yosimbi, achatsika pachisviniro choukari hwaMwari Womasimba yese. Pajasi rache nopachafu yache panga padonyorewa zita rinoti, Mambo womadzimambo naIshe womadzishe.
Mutsa waIshe Jesu mbauve novanhu vese. Ameni.
Manje adodzoti kuna Thomasi, "Isa kakumo kako apa, uone maoko yangu futi, utambanudze ruoko rako, uriise parutivi pangu, reka kutsakidza, asi tenda."
Thomasi adomupindura achiti, "Ishe wangu naMwari wangu!"
Chinangwa Chobhuku Rakareri
Zvino Jesu adoita zvimwe zviratidzo zvizinji pamberi povadzidzi, zvisinai kunyorewa mubhuku rakareri, asi zvakarezvi zvidonyorehwa kuti mutende kuti Jesu ndiye Khirisitu, Mwanakomana waMwari, futi matenda daipo mova noupenyu muzita rache.
Uku ndiko kuraira kwangu, kwokuti mudane sezvandidokudai imimi.
Chokwadi ndinokutaurirai kuti wese anotambira wandinotuma anotambirawo inini, futi anotambira inini anotambirawo adondituma."
futi ndinoyapasa upenyu husingapere, futi yanopfaba, hapanai achadzoyabvuta mujanja rangu. Baba vangu vadondipasa iyo, mbakuru kuno vese, futi hapanai anokona kuyabvuta mujanja raBaba. Inini naBaba tiri mubodzi."
Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere. Nokuti Mwari haanai kutuma Mwanakomana wache kuti apase murandu nyika, asi kutoti nyika iponesewe kuburikidza naye.
"Uyo anotenda kwaari haatongewe. Asi asingatende watotongewa kare, nokuti haanai kutenda kuMwanakomana waMwari mubodzi.
nouyo asingatore muchinjikwa wache achinditevera haakodzere kwandiri.
Ndava panoungana vairi kana vatatu muzita rangu, pakarepo ndiripo pakati pavo."
Zvino Jesu adovanangara ndokuti, "Kuvanhu, zvinokwanisikaba, asi naMwari zvinokwanisika."
Asi adoti, "Zvisingakwanisiki kuvanhu kuna Mwari zvinokwanisika."
Mutsa waIshe Jesu Khirisitu mbauve nomweya wenyu.