Juízo
O juízo de Deus é manifestação de sua justiça e soberania. Ele julga o mundo, julga as nações e julga cada coração com perfeita equidade e misericórdia.
O juízo de Deus
Deus é juiz justo que prova os corações. Seu juízo é verdadeiro e alcança toda obra, secreta ou pública.
Sezvinoita Baba kumutsa vadopfa vachivapasa upenyu, naiyewo Mwanakomana anopasa upenyu munhu waanoda. Baba hapanai wavanotonga, asi vadopasa kutonga kwese kuMwanakomana, kuti vese varemekedze Mwanakomana, sekuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedze Mwanakomana haaremekedzewo Baba vadomutuma."
"Ndinokunyairirai zvochokwadi, uyo anonzva Shoko rangu achitenda kuna iyeyo adondituma, anoupenyu husingapere, haauye pakutongewa, asi wabirika muipfa wapinda muupenyu. Ndinokunyepai chokwadi ndichiti, nguwa iri kuuya, izvozvi yatosvika, apo vadopfa vachanzva dzinga roMwanakomana waMwari, futi vacharinzvavo vachararama. Baba sezvavanoupenyu mavari, saizvozvo vadopasawo Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. Futi vadomupasa simba rochikuriri kuti atonge, ndava Mwanakomana woMunhu. Rekai kushamisiwa nozvakarezvi, nokuti nguwa iri kuuya apo vese vari mumanda vachanzva dzinga rache vobirika, avo vadoita zvidonaka vomukira kuupenyu, avo vadoita zvidoipa vomukira kutongewa."
"Hapanai chandinokona nosimba rangu ndega, ndinotonga sezvandinonzva, kutonga kwangu kudokohoroka, ndava ndinotsvagaba zvangu ndega asi zvinodiwa noadondituma. Kana ndikazvipupurira, upfakazi hwangu hunenge huri hwomabhwodo,
Zvisinei ndinokunyairirai chokwadi: zvidotonakira imimi kuti ndiende, ndava ndikarega kuenda, Mubatsiri anouyaba kwamuri, asi kana ndikaenda, ndinomutuma kwamuri. Futi kana auya, achakomwesa nyika pamusoro pochitadzo nopamusoro pokururama nopamusoro pokutongewa. Havanai kukohoroka pamusoro pochitadzo, ndava havatendi kwandiri.
Jesu adovapindura, "Dzinga rakareri rauya nondava yenyu, aikona yangu inini. Iye zvino kutongewa kwopasi pano kwasvika, iye zvino muchinda wopasi pano achataihwa kunze, futi inini, kana ndasumudziwa kubva panyika, ndichakwevera vanhu vese kwandiri."
Adoti, "Ishe ndinotenda," achibva wamunamata. Jesu adoti, "Kutonga ndiko kwandidovinga panyika pano, kuti vaye vasingaone vaone, futi kuti vaye vanoona vave marombe."
Prestando contas
Cada um prestará contas de si mesmo a Deus. O juízo começa pela casa de Deus e depois alcança os que não obedecem ao evangelho.
Tambirai asinai kusimba pakutenda, musingapikisi mafungiro yache. Kutenda kwoumwe kunomubvumira kuja zvese, asi anokutenda kusinai kusimba anondoja muriwo basi. Anoja zvese mbaareke kuzvidza asingaje, noasingaje mbaareke kutonga anoja, ndava Mwari adomutambira. Anga iwepa ndiwe yani kuti utonge muranda womuridzi? kuna Ishe wache anomira kana kuwa. Achamira, ndava Ishe wache anogona kumumisa.
Saka umwe noumwe wedu achazvidairira wega kuna Mwari.
Nokudaro mbatirekei kutongana. Panzvimbo yokutongana, mbativei nopfungwa yokureka kuisira hama chigutsa munzira yache. Inini semunhu ari muna Ishe Jesu ndino chokwadi kuti chokuja sezvachiri, hapanai chidosvipa. Asi kana munhu akachiti chidosvipa, kumunhu wakareyo ndiko kwachidosvipa.
Ndava yava nguwa yokuti kutonga kuthangire mumhuri yaMwari, uye kana kuchithanga naisisu, ko kuno vasingateerere Vhangeri raMwari zvichagumira poi?
Saka rekai kutaura mutongo nguwa isinati yasvika, asi mirirai kusvikira Ishe vauya, ndivo vanodzoisa pachenu zvinhu zviri murima zvidohwanda iyezvino nokudzofukunura zvinangwa zvomwoyo. Ipopo munhu wese achatambira pembedzo yache kubva kuna Mwari.
ndava nomutongo wamunotonga nawo abiyenyu ndiwo wamuchatongewawo nawo, nomhimo yamunopima nayo ndiyo yamuchapimihwawo. Sei uchiona kasesu kari muziso rohama yako, asi usingaone danda riri muziso rako? Kana ungati sei kuhama yako, ‘Reka ndikubise kasesu kari muziso rako’ imo muziso mako iwewe muno danda?
Justiça e redenção
O juízo de Deus é também redenção. Ele livrou Israel do Egito com juízos e salva os arrependidos pela cruz de Cristo.
Mumasure mozvakarezvi ndidonzva izvi rinoruzha kudenga ridoita kunge rogurusvusvu, richidaidzira richiti, "Hareruya! Ruponiso nokubhwinya nosimba nzvaMwari wedu, nokuti kutonga kwache ndokwochokwadi futi kudorurama! Adotonga hure rikuru ridoodza nyika nouhure hwarene. Mwari adotsiidza gazi rovaranda vache pajanja rarene." Ipopo vadohwiridza pakamu vachiti, "Hareruya! Utsi hwarene hunokwira kumusoro nokusingaperepere!"