Legalidades
A Bíblia reconhece a necessidade de leis e governo civil. Os cristãos são chamados a obedecer às autoridades estabelecidas por Deus, enquanto mantêm a lealdade suprema a Cristo.
Submissão às autoridades
Toda autoridade é instituída por Deus. O cristão é chamado a respeitar as leis, pagar tributos e honrar quem governa.
Kuva Pasi poVanomasimba
Munhu wese mbaazviise pasi povatongi, ndava hapanai ukuru huripo husinai kumisiwa naMwari. Utongi huripo hudotogadziwa naMwari. Saka uyo anopandukira vatongi anopandukira kugadza kwaMwari, manje vanhu vadodarovo vari kuzvisorera kutongewa. Ndava vatongi vanochisaba kana uchiita zvidonaka, asi kuno avo vanoita zvidoipa. Unoda kugara usingache vatongi chere? Mboita zvidonaka kuti iye akuretserere. Ndava iye muranda waMwari aripo kukunatsira. Asi kana uchidzonga, icha, ndava bakatwa raanaro anoritakuriraba mahara. Iye muranda waMwari, nhumwa youkari inoranga vanyangadzi. Saka zvidokosha kuti uzviise pasi povanomasimba, aikona nondava yokucha kurangiwa basi, asiwo nokuda kwohana.
Chakarechi ndicho chikonzero muchiripa mitero, ndava vanomasimba ava mbaranda vaMwari, vanopa nguwa yavo yese pakutonga. Ripai munhu wese zvaanofanira kuripiwa. Kana iri mitero, ripai mitero, kana iri nzvimbo inoterehwa, itererei, kana vari vanokudziwa, vakudzei, kana vari vanyarikani, vanyarei.
Kuitirana Zvidokodzera
Rekai kuva nochikwerete nomunhu, kusiya kwochikwerete chinogara chiripo chokudanana, ndava anoda mabiyache anozazisa mutemo.
Raramai upenyu hudonaka pakati povasingatende, kuti kana nepo vachikunenerai kuti munoita zvidoipa, vaone zviito zvenyu zvidonaka, varumbidze Mwari pazuva raachauya.
Zviisei pasi pomasimba yovanhu, nokuda kwaIshe, angave mambo, saiye anomasimba makuru, kana vatongi, vaadotuma iye kuti varange vanodzonga nokupembedza vanokohorora.
Saka tinyepei zvamunofunga. Zviri pamutemo chere kuripa mitero kuna Khesari kana kureka?"
Asi Jesu nokuziva mufungo wavo udoipa, adoti kwavari, "Imi vanyengeri, indava yei muchinditeya? Ndinangidzei kobiri romutero."
Ivo vadouya naro kwaari. Jesu ndokuti kwavari, "Anga mufananidzo nozita iri nzvaani?"
Vadoti, "NzvaKesari."
Ipopo adoti kwavari, "Perekai ndipo kuna Khesari zvinhu zvaKesari, nokuna Mwari zvinhu zvaMwari."
Obrigações legais
Jesus cumpriu obrigações legais, pagou impostos e orientou seus seguidores a obedecer à lei sem comprometer a fé.
Kuripa Mutero woImba yaMwari
Pavadosvika kuKaperenaume, vateresi vomutero woimba yaMwari vadoenda kuna Pita vachiti, "Ko mudzidzisi wenyu anoteraba mutero nai?"
Iye adoti, "Anotera inde."
Kudzoti Pita wasvika kumba, Jesu ndiye adothanga kunyaira kwaari achiti, "Unofungei, Simoni? Madzimambo vonyika vanotora mitero kunani? Kubva kuvanakomana vavo chere kana kuvamwewo?"
Iye paadoti, "Kubva kuvamwewo," Jesu adoti kwaari,
"Saka vanakomana vadosunungukaka. Zvisinei, kuti tireke kuvagumbura, enda kugungwa wokhanda chirauro, utore hove inothanga kubirika, ukavhura mukamwa mayene uchawana kobiri rinokosha, ritore uvapase yangu noyako."
Uchiri kuenda kudare nomunenedzeri wako, kurumidza kuwirirana naye, kuti munenedzeriyo areke kukupereka kumutongi, mutongi wodzokuisa kumupurisa uchibva wavharihwa mutorongo. Chokwadi ndinoti kwamuri, unomubirikaba kusvikira waripa kamari kokupedzisira"
muchangwuvihwa kuvatongi nomadzimambo nokuda kwangu, kuti mupfakaze pamberi povasiri vaJudha. Kana vachikuperekai kuvatongi, regai kunetseka kuti muchataura tini kana kuti muchati chii, ndava zvamuchanyaira muchazvipasiwa panguwa yakareyo.
Kuzvahwa KwaJesu
Pamazuva yakareyo chirevo chidobva kuna Ogasito Khesari kuti nyika yese inyohwe. Kwakareku kwanga kuri kunyohwa kwokuthanga kudoitiwa Sairiniyasi ari mutongi woSiriya. Munhu wese adoenda konyohwa, umwe noumwe kuguta rache.
NaJosefawo adobva kuGaririya, muguta roNazareta, ndokuenda kuJudhiya, muguta raDhavhiti rinoitiwa Bheterehema, nokuti wanga ari wodzinza nowoimba yaDhavhiti. Adoenda konyohwa pabodzi naMariya waadokonza, wanga wava nomimba,
Perspectiva divina
As nações são como uma gota no balde diante de Deus. Ele abre portas que nenhuma lei pode fechar.
ndava musuwo mukuru wokuita basa udondizurukira, uye vanopikisana neni mbazinji
Pirato adodzoti kwaari, "Unoreka kunyaira kwandiri? Unozivaba nai kuti ndinomasimba yokukusugudura, nomasimba yokukuroverera pamuchinjikwa?"
Jesu adomupindura achiti, "Unoitaba simba pamusoro pangu iwe, kusiya kwokunge waripasiwa kubva kumusoro, saka wandipereka kwauri ndiye anochitadzo chikuru."
Este artigo te tocou? Faça uma oração!
+581 estão orando agora.
Junte-se à corrente de oração.