Maria
Maria, mãe de Jesus, é honrada nas Escrituras como a mulher escolhida por Deus para trazer ao mundo o Salvador. Sua fé, humildade e obediência são exemplo para todos os cristãos.
A escolhida de Deus
O anjo Gabriel anunciou a Maria que ela seria mãe do Filho do Altíssimo. Ela respondeu com fé: 'Faça-se em mim segundo a tua palavra.'
Kuzvahwa KwaJesu Kunotauhwa
Mumwedzi wochitanhatu ngirozi Gabhurieri idotumiwa naMwari kuenda kuguta roGaririya rinoitiwa Nazareta. Idoenda kumhandara yanga idobvunzihwa nomurume waiitiwa Josefa, woimba yaDhavhiti. Zita romhandara yacho raiitiwa Mariya. Ngirozi idouya kwaari ndokuti, "Mufaro kwauri, iwe waitihwa mutsa, Ishe anewe!"
Ngirozi idoti kwaari, "Reka kucha, Mariya, ndava waitihwa mutsa naMwari. Saka chiona kuti, uchava nopamuviri wopona mwana mukomana, wauchatenza zita rokuti Jesu. Achava mukuru, futi achadaidziwa kuti Mwanakomana woWokumusorosoro, futi Ishe Mwari vachamupasa mupando wokutonga wababa vache Dhavhiti, futi achava Mambo muimba yaJakobho nokusingapere, noumambo hwache hunopfurukaba."
Kuzvahwa kwaJesu Khirisitu
Zvino kuzvahwa kwaJesu Khirisitu kudoitika nonzira idodai. Amai vache Mariya vanga vadobvunzihwa naJosefa, vasati vagara vese adooneka waanomimba yoMweya Mutsvene.
O Magnificat
Maria cantou: 'Minha alma engrandece ao Senhor!' Seu cântico exalta a misericórdia, o poder e a fidelidade de Deus.
Chimbo chaMariya Chokurumbidza
Futi Mariya adoti,
"Mwoyo wangu unokudza Ishe,
mweya wangu unofarira Mwari Muponisi wangu,
Ndava adorangarira kuzvidzika kwomurandasikana wache.
Nokuti kubva zvino mazera yese yovanhu yachanditi ndidoropafadziwa,
nokuti iye anomasimba adondiitira zvinhu zvikuru.
Zita rache ritsvene,
tsitsi dzache dziri pamusoro paivo vanomucha
kubva kumarudzi kusvika kumarudzi.
Wanangidza simba noruoko rache,
wapamwadza vanozvitutumadza pamafungiro yomwoyo yavo.
Wagadzika pasi vanomasimba achivabiritsa pamipando yavo,
achikwidziridza vadozvidzika.
Wagutisa nozvinhu zvidonaka vanonzara,
vapfumi wavaendesa vari maoko vhuzuvhuzu.
Wabatsira muranda wache Izirairi,
mukuyeuka tsitsi dzache kwaari.
Sekunyaira kwaadoita kumadzibaba yedu,
kuna Abhurahamu nokuvana vache nokusingapere."
NaJosefawo adobva kuGaririya, muguta roNazareta, ndokuenda kuJudhiya, muguta raDhavhiti rinoitiwa Bheterehema, nokuti wanga ari wodzinza nowoimba yaDhavhiti. Adoenda konyohwa pabodzi naMariya waadokonza, wanga wava nomimba, futi pavanga vari kwakareko, nguwa yokupona kwaMariya idosvika. Adopona mwana wache mukomana wodangwe ndokumuputiridza nomapiza, nokumuenzeresa muchijiro chozvipfuwo, ndava kwanga kusinai nzvimbo mudzimba dzovarendo.
Asi Mariya adochengeta zvinhu zvakarezvo zvese, achizvifungitsitsa mumwoyo mache.
Zvino Simiyoni adovaropafadza achibva wati kuna Mariya amai vache, "Ona, Mwana wakareyu adomisihwa kuwa nokusumuka kwovazinji muIzirairi, nochiratidzo chinonyaihwa zvokupikisa futi bakatwa richakubaya nokutobirikira pamweya pako, kuti pfungwa dzomuhana dzovazinji dziisiwe pachenu."
Vabereki vache pavadomuona vadoshamisika, amaache vadobva vati kwaari, "Nai mwana, watiitirei daipa? Ona, baba vako nainipano tanga tichishupika kukutsvaga."
Iye adoti kwavari, "Ko manga muchinditsvagirei? Hamuzive nai kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?" Asi havanai kunzvitsitsa zvaanga achinyaira kwavari.
Zvino adoenda navo ndokusvika kuNazareta, futi waivateerera, asi amai vache vadochengeta zvinhu zvakarezvi zvese mumwoyo mavo.
Mãe fiel até o fim
Maria acompanhou Jesus desde o nascimento até a cruz. Ela estava entre os discípulos no Pentecostes, fiel em oração.
Waini paidopera, amai vaJesu vadomunyepa vachiti, "Havachinai waini."
Zvino Jesu adoti kwavari, "Nai amai, munoda kuti ndiitei nazvo? Nguwa yangu hainati yasvika." Amai vache vadobva vanyairira vashandi vachiti, "Itai zvese zvaanokunyepai."
Panyasi pomuchinjikwa waJesu panga padomira Mariya, amai vache nomunin’ina wavo, naMariya mukadzi waKhiropasi, naMariya Magadharini. Jesu paadoona amai vache, nomudzidzi waaida vadomira papfupi, adoti kuna maache, "Amai, uyu ndiye mwanakomana wenyu!" Manje adodzoti kumudzidzi, "Ava ndivo amai vako!" Futi kubvira pakarepo mudzidzi adovatora kuenda kogara navo kumba kwache.
Amai novanin’ina’ina vaJesu
Ipopo amaache novanin’ina’ina vache vadosvika. Vadomira panze, vadomira daipo vadotuma munhu komudaidza. Zvino mhomho yanga idogarikika naye mumba, idomunyepa ichiti, "Amai venyu novanin’ina venyu vari panze, vari kuda kukuonai."
Iye adovapindura achiti, "Amaangu mbani? Vanin’ina vangu mbani?" Adonangara nangara vanhu vanga vadogarikika makaremo, ndokubva wati, "Vakareva ndivo amaangu novanin’ina vangu! Wese anoita zvinodiwa naMwari, ndiye nomunin’ina wangu, nohanzvadzi yangu, namaangu."
Anga wakareyu mwanakomanaba womuvezi nai? Amai vache vanoitiwaba Mariya, novanin’ina vache havasi Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi chere? Nohanzvadzi dzache dzese hadzisi pano chere? Saka nghupi kwaadowana zvesezvi munhu iyeyu?"
Ivova vese vadotsungirira nomwoyo mubodzi pakunyengetera, pabodzi novanhukadzi, naMariya amai vaJesu, novanin’ina’ina vache.
Este artigo te tocou? Faça uma oração!
+581 estão orando agora.
Junte-se à corrente de oração.