Publicidade

Morte de Jesus

Por Bíblia Online

A morte de Jesus é o sacrifício supremo do amor de Deus. Na cruz, o Cordeiro de Deus carregou os pecados do mundo, satisfez a justiça divina e abriu o caminho da salvação para todos.

O sacrifício na cruz

Jesus disse: 'Está consumado!' Na cruz, Ele cumpriu toda a lei, pagou o preço do pecado e reconciliou a humanidade com Deus.

Kupfa KwaJesu

Mumasure mozvakarezvi, Jesu achiziva kuti zvese zvanga zvapera, kuti azazise gwaro adoti, "Ndava nonyota." Panga pano mbiya idozara vhiniga pakarepo, saka vadotora siponji ndokuijungirira kukamuti kohisopu ndokuinyika muvhiniga vachibva vaiisa kumuromo kwache. Zvino Jesu paadondosvuta vhiniga, adoti, "Zvapera," Ipopo

adogurama ndokuregedzera mweya wache achibva warosa.

Mauto pavadorovera Jesu vadotora zvipfeko zvache ndokuzviita zvipenga zvinai, uto regarega ridoita charene, nochipfeko chache chomukati. Asi chipfeko chomukati changa chisinai musono, changa chidondoita chibodzi kubva kumusoro kusvika kumukombero, Mauto yadonyairirana yachiti, "Mbatiregei kurikerura, asi mbatikhandei hakata kuti tione kuti richava raani." Zvakarezvi zvanga zviri kuzazisa gwaro rinoti,

"Vadokovana majasi yangu,

ndokukhanda hakata pazvipfeko zvangu." Saka mauto yadoita zvakarezvi.

Panyasi pomuchinjikwa waJesu panga padomira Mariya, amai vache nomunin’ina wavo, naMariya mukadzi waKhiropasi, naMariya Magadharini. Jesu paadoona amai vache, nomudzidzi waaida vadomira papfupi, adoti kuna maache, "Amai, uyu ndiye mwanakomana wenyu!" Manje adodzoti kumudzidzi, "Ava ndivo amai vako!" Futi kubvira pakarepo mudzidzi adovatora kuenda kogara navo kumba kwache.

Pavadosvika panzvimbo inoitiwa Dehenya, pakarepo vadomurovera, nomakororo, umwe kuruji umwe kurubose. Zvino Jesu adoti, "Baba, varekererei, ndava vanozivaba zvavanoita." Vadokhanda hakata kuti vakovane majasi yache. Vanhu vadondomira pakarepo vadonangara, asi vatongi vadomushora, vachiti, "Adoponesa vamwe, mbaazviponese kana ari Khirisitu waMwari, Musaruhwa wache!" Vahwi vadomunyadzawo, vadouya vachimupasa vhiniga, vachiti, "Kana uri Mambo wovaJudha, zviponese!" Panga panochinyohwa pakare pamusoro pache, "Uyu ndiye Mambo wovaJudha." Umwe womakororo wanga adoturikiwa adomumbombodzera, achiti, "Ndiweba Khirisitu nai? Zviponese naisisuwo!" Asi mabiyake adomudzuma, achiti, "Hauche Mwari nai, zvauri pakutongehwa mutongo mubodzi? Isisu zvidokodzera, ndava tiri kutambira mubairo udofanira zviito zvedu, asi murume uyu haanai kuita chidoipa." Adobva wati, "Jesu mundirangarire kana mopinda muumambo hwenyu." Adoti kwaari, "Chokwadi ndinoti kwauri, nasi uchava nainini muParadhaisi."

Kupfa kwaJesu

Paawa yochitanhatu, rima ridofukidza nyika yese kusvikira paawa yochipfemba. Paawa yochipfemba Jesu adodaidzira noruzha, "Eroi, Eroi, ramasabhakatani?" Zvinoreva kuti, "Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?"

Nonguwa yakareyo, biza romuimba yaMwari ridokeruka kuita mairi kubva kumusoro kuenda pasi. Nyika idogwetedzeka, mabhwe yadobamuka, makuwa yadovhurika, zvitunha zvizinji zvovatsvene vanga vadopfa zvidomutsiwa, vadobirika mumakuwa musure mokumuka kwache vachipinda muguta ritsvene vachionewa novazinji.

Mukuru wozana romauto novaanga anavo, vadogaririra Jesu, pavadoona kugwetedzeka kwonyika nozvidoitika, vadozaziwa nokucha, vachiti, "Chokwadi uyu wanga ari Mwanakomana waMwari!"

O amor que se entrega

Ninguém tem maior amor do que aquele que dá a vida pelos amigos. Deus prova seu amor em que Cristo morreu por nós quando ainda éramos pecadores.

Hapanai anorudo rinokunda rakareri, rokuti munhu anopfira shamwari dzache.

Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere.

Ndava kana pataiva mhandu dzaMwari, tidoyananisiwa naye kuburikidza noipfa yoMwanakomana wache, ko kudzoti tatoyananisiwa, tichakungudza zvidoita tini kuponesewa noupenyu hwache!

Yakareya ndomaziviro yatinoita rudo, kuti Jesu Khirisitu adopasa upenyu hwache pamusaka pedu. Naisisuwo tinofanira kupereka upenyu hwedu nokuda kwohama.

Iye pachake ndiye chibairo chinoita kuti zvitadzo zvedu zviregerehwe, aikona zvedu basi, asi zvitadzo zvonyika yese.

Uye adoti wawanika muchimiro chomunhu adozvidukupisa ndokutetekera kusvikira paipfa,

iyo ipfa yopamuchinjikwa.

Morte e ressurreição

Jesus morreu e ressuscitou, e a morte não mais tem domínio sobre Ele. Pelo batismo, participamos de sua morte e ressurreição.

Ndava tinoziva kuti sekumutsiwa kudoita Khirisitu kubva kuvadopfa, achapfaba kamu, ipfa haichinai masimba pamusoro pache. Ipfa yaadopfa mairi, adopfa kabodzi kuchitadzo zvichibva zvapera, asi upenyu hwaanorarama anorarama kuna Mwari.

Munozivaba nai kuti isisu tese tidoombekewa muna Khirisitu Jesu tidoombekewa muipfa yache? Nokudaro tidovigiwa naye muruombeko roipfa yache kuti sezvidondoita Khirisitu kumutsiwa kuvadopfa kuburikidza nokubhwinya kwaBaba, naisisuwo tirarame muupenyu hutsva.

Uye zvakudotariwa kuti vanhu vapfe kabodzi, mumasure mozvakarezvo kutongewa kuchidzouya, nokudarowo Khirisitu, zvaadoitiwa chibairo kabodzi kuti atakure zvitema zvovadowanda, achadzooneka kwochipiri, aikona kudzotakura zvitema asi kudzoponesa vakarevo vari kumirira noshungu kudzoka kwache.

Hama vaIzirairi, tetekerai mashoko yakareya, Jesu woNazareta, murume adoisiwa kwamuri naMwari nomabasa yosimba nozvishamiso nozviratidzo zvidoitiwa naMwari kuburikidza naye pakati penyu, sezvamunozviziva imipa pachenyu, Murume wakareyu Jesu, adoisiwa kwamuri maererano nourongwa chaihwo hwaMwari nokuziva kwache zviri kumberi, imipa mudomurovera pamuchinjikwa ndokumubaya kuburikidza nomanja yovanhu vadoipa. Asi Mwari adomumutsa, kubva kuvadopfa achimusunungura kubva kumahwadzo yoipfa, nokuti zvaikonekaba kuti ipfayo irambe idomubata.

Ndini nyakabusa adonaka. Nyakabusa adonaka anopereka upenyu hwache nondava yomahwai.

Ndava pese pamunoja zingwa rakareri nokumwa mukombe, munoparidza ipfa yaIshe kusvikira wauya.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-