Nascimento de Jesus
O nascimento de Jesus é o evento que divide a história. O Verbo se fez carne e habitou entre nós. Deus enviou seu Filho ao mundo para nos salvar e nos reconciliar consigo.
O Verbo se fez carne
Jesus não nasceu por acaso — sua encarnação foi planejada antes da fundação do mundo. Ele se esvaziou e assumiu a forma humana por amor.
Ivai nomufungo uyu pakati penyu wanga uri muna Khirisitu Jesu,
iye kunyange wanga adofanana naMwari,
haanai kuti kuenzana naMwari chinhu chinofanira kubatitsitsiwa,
asi adosiya zvaanga ari achitora unhu hwomuranda,
adozvariwa ari muchimiro chovanhu.
Uye adoti wawanika muchimiro chomunhu adozvidukupisa ndokutetekera kusvikira paipfa,
iyo ipfa yopamuchinjikwa.
Asi nguwa paidodzonatsa kuzara, Mwari adotuma Mwanakomana wache, adozvahwa nomukadzi, nokudzorarama ari pasi pomutemo, kuti asunungure vaye vanga vari pasi pomutemo, kuti titambire kuitiwa kwedu vanakomana vaMwari.
Nokudaro vana zvavari vonyama nogazi, naiyewo pachake adotorawo zvibodzibodzizvo, kuti kuburikidza noipfa aparadze anosimba roipfa, iye, jabhurosi, wosunungura ivo vese vadoitiwa varanda kwoupenyu hwese kuburikidza nokucha ipfa.
Naizvozvo adofanira kuti afanane nohama dzache pazvese, kuitira kuti ave muphirisita mukuru adotendeka uye anomutsa mubasa raMwari, kuti adzikinure zvitema zvovanhu.
Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere.
O anúncio e o nascimento
O nascimento de Jesus foi anunciado por anjos, precedido por sinais e recebido com adoração pelos pastores e pelos magos do oriente.
Kuzvahwa kwaJesu Khirisitu
Zvino kuzvahwa kwaJesu Khirisitu kudoitika nonzira idodai. Amai vache Mariya vanga vadobvunzihwa naJosefa, vasati vagara vese adooneka waanomimba yoMweya Mutsvene.
Asi achiri kufunga zvakarezvo, ngirozi yaIshe idobva yazviratidza kwaari pakurota ichiti, "Josefa mwanakomana waDhavhiti, reka kucha kutora Mariya kuti ave mukadzi wako, ndava mimba yaanayo njoMweya Mutsvene. Iye achapona mwana mukomana, wodzomutenza zita rokuti Jesu, ndava ndiye achaponesa vanhu vache kubva pazvitema zvavo."
Zvakarezvi zvese zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa naIshe nomuromo womuporofiti: "Nangarai, mhandara ichava nomimba yozvara mwanakomana, zita rache richaitiwa Manuwere" (zvinoreva kuti Mwari anesu).
Josefa paadomuka pahope, adoita zvaadoudziwa nongirozi yaIshe, adomutora kuva mukadzi wache, asi haanai kumuziva kusvikira wapona mwana womukomana, achibva wamutenza zita rache rokuti Jesu.
Ngirozi idoti kwaari, "Reka kucha, Mariya, ndava waitihwa mutsa naMwari. Saka chiona kuti, uchava nopamuviri wopona mwana mukomana, wauchatenza zita rokuti Jesu. Achava mukuru, futi achadaidziwa kuti Mwanakomana woWokumusorosoro, futi Ishe Mwari vachamupasa mupando wokutonga wababa vache Dhavhiti, futi achava Mambo muimba yaJakobho nokusingapere, noumambo hwache hunopfurukaba."
NaJosefawo adobva kuGaririya, muguta roNazareta, ndokuenda kuJudhiya, muguta raDhavhiti rinoitiwa Bheterehema, nokuti wanga ari wodzinza nowoimba yaDhavhiti. Adoenda konyohwa pabodzi naMariya waadokonza, wanga wava nomimba, futi pavanga vari kwakareko, nguwa yokupona kwaMariya idosvika. Adopona mwana wache mukomana wodangwe ndokumuputiridza nomapiza, nokumuenzeresa muchijiro chozvipfuwo, ndava kwanga kusinai nzvimbo mudzimba dzovarendo.
Ipopo ngirozi idoti kwavari, "Rekai kucha, nokuti, ndakuunzirai nyaya idonaka yomufaro mukuru uchava wovanhu vese. Ndava nasi muguta raDhavhiti, mazvarihwa Muponisi, ndiye Khirisitu Ishe. Futi ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri, muchawana mwana adoputiridziwa nomapiza adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo."
Ngirozi padzidobirika pavari dzichienda kudenga, anyakabusa vadotaurirana vachiti, "Mbatiendei kuBheterehema toona chinhu chakarechi chaitika, chataudziwa naIshe."
Saka vadoenda nokamangu, ndokuwana Mariya naJosefa, nomwana adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo. Pavadomuona vadozivisa zvanga zvatauhwa kwavari pamusoro pomwana wakareyo. Vanhu vese vadozvinzva vadoshamisiwa nozvavadonyepewa nananyakabusa.
O Rei que veio servir
Jesus nasceu para ser Rei, e todo aquele que é da verdade ouve a sua voz. Os magos o adoraram e ofereceram seus tesouros.
Pirato adoti kwaari, "Saka uri mambo chere?"
Jesu adopindura achiti, "Wazvinyaira kuti ndiri mambo. Nondava yakarei ndidozvahwa, futi nokuda kwozvakarezvi ndidouya panyika, kuti ndipe upfakazi hwochokwadi. Wese anenge ari wochokwadi anonzva izvi rangu."
Pavadonzva mambo vadopinda munzira yavo. Pakarepo vadobva vaona nyenyedzi yavanga vaona kumabvazuva yaakuvatungamira, kusvikira yamira pamusoro panzvimbo yanga ino mwana. Pavadoona nyenyedzi vadoingidzika kufara nomufaro mukuru. Pavadopinda mumba vachiona mwana naMariya amai vache. Vadokotamira pasi vachimunamata. Ipopo vadovhura zvipo zvavo ndokumupasa, ndarama, zvinonushira nomura.
Kudzoti vachenjedzewa muchiroto, kuti vareke kudzokera kuna Herudhe, vadoenda kunyika yavo noimwe nzira.