Nascimento
O nascimento é obra das mãos de Deus. Cada criança é formada por Ele no ventre materno com propósito e amor. A Bíblia celebra a vida desde a concepção até a eternidade.
O nascimento de Jesus
O maior nascimento da história mudou o curso da humanidade. Jesus nasceu de uma virgem pelo poder do Espírito Santo, conforme as profecias.
Kuzvahwa kwaJesu Khirisitu
Zvino kuzvahwa kwaJesu Khirisitu kudoitika nonzira idodai. Amai vache Mariya vanga vadobvunzihwa naJosefa, vasati vagara vese adooneka waanomimba yoMweya Mutsvene. Manje murume wache Josefa, semunhu wanga adorurama haanai kuda kumunyadzisa, adofunga kumuramba kabisira. Asi achiri kufunga zvakarezvo, ngirozi yaIshe idobva yazviratidza kwaari pakurota ichiti, "Josefa mwanakomana waDhavhiti, reka kucha kutora Mariya kuti ave mukadzi wako, ndava mimba yaanayo njoMweya Mutsvene. Iye achapona mwana mukomana, wodzomutenza zita rokuti Jesu, ndava ndiye achaponesa vanhu vache kubva pazvitema zvavo."
Zvakarezvi zvese zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa naIshe nomuromo womuporofiti: "Nangarai, mhandara ichava nomimba yozvara mwanakomana, zita rache richaitiwa Manuwere" (zvinoreva kuti Mwari anesu).
Josefa paadomuka pahope, adoita zvaadoudziwa nongirozi yaIshe, adomutora kuva mukadzi wache, asi haanai kumuziva kusvikira wapona mwana womukomana, achibva wamutenza zita rache rokuti Jesu.
Kuzvahwa KwaJesu Kunotauhwa
Mumwedzi wochitanhatu ngirozi Gabhurieri idotumiwa naMwari kuenda kuguta roGaririya rinoitiwa Nazareta. Idoenda kumhandara yanga idobvunzihwa nomurume waiitiwa Josefa, woimba yaDhavhiti. Zita romhandara yacho raiitiwa Mariya.
Ngirozi idoti kwaari, "Reka kucha, Mariya, ndava waitihwa mutsa naMwari. Saka chiona kuti, uchava nopamuviri wopona mwana mukomana, wauchatenza zita rokuti Jesu. Achava mukuru, futi achadaidziwa kuti Mwanakomana woWokumusorosoro, futi Ishe Mwari vachamupasa mupando wokutonga wababa vache Dhavhiti, futi achava Mambo muimba yaJakobho nokusingapere, noumambo hwache hunopfurukaba."
Asi Mariya adoti kungirozi, "Anga zvakarezvi zvinoitika tini, sezvo inipano ndisinai murume?"
Ngirozi idoti kwaari, "Mweya Mutsvene achauya pauri, nomasimba yoWokumusorosoro yachakufukidza, saka mwana achazvahwa achaitiwa mutsvene, Mwanakomana waMwari.
Formados desde o ventre
Deus nos teceu no ventre de nossa mãe. Antes de nascermos, Ele já nos conhecia e nos separou para um propósito sagrado.
Crianças — bênção e promessa
Jesus acolheu as crianças e disse: delas é o Reino dos céus. Os filhos são herança do Senhor e motivo de alegria para os pais.
asi Jesu adoti, "Rekai vana vauye kwandiri, rekai kuvarambidza, ndava vadodaiva umambo hwokudenga ngwavo."
Wese anozvidikipisa kunge mwana wakareyu, ndiye mukuru maninge muumambo hwokudenga. "Wese anotambira muzita rangu mwana mudiki adodaro anotambira inini.
Adovabata mumaoko yache achiturika maoko yache pavari.
Nascer de novo
Jesus ensinou que é preciso nascer de novo para ver o Reino de Deus. O novo nascimento é espiritual — pelo Espírito e pela Palavra.
Jesu adomupindura achiti, "Ndinokunyepa chokwadi, munhu haangaone umambo hwaMwari kusiya kwokunge watozvariwa pakare."
Kana mukadzi waakupona anova nokusuwa, nokuti nguwa yache yasvika, asi kana wapona mwana, anokangamwa kutambura kuye, nondava yokufarira kuti mwana wazvahwa panyika.
Hapanai adozvahwa naMwari anoramba achitadza, ndava mbeu yaMwari inogara maari, anokonaba kutadza ndava adozvahwa naMwari.