Natal
O Natal celebra o maior milagre da história: Deus se fez homem. O menino Jesus, nascido em Belém, é Emanuel — Deus conosco — a esperança do mundo inteiro.
O nascimento do Salvador
O anjo anunciou: hoje vos nasceu um Salvador, que é Cristo, o Senhor! A virgem concebeu pelo Espírito Santo e deu à luz o Filho de Deus.
Ipopo ngirozi idoti kwavari, "Rekai kucha, nokuti, ndakuunzirai nyaya idonaka yomufaro mukuru uchava wovanhu vese.
Ndava nasi muguta raDhavhiti, mazvarihwa Muponisi, ndiye Khirisitu Ishe.
NaJosefawo adobva kuGaririya, muguta roNazareta, ndokuenda kuJudhiya, muguta raDhavhiti rinoitiwa Bheterehema, nokuti wanga ari wodzinza nowoimba yaDhavhiti. Adoenda konyohwa pabodzi naMariya waadokonza, wanga wava nomimba,
futi pavanga vari kwakareko, nguwa yokupona kwaMariya idosvika. Adopona mwana wache mukomana wodangwe ndokumuputiridza nomapiza, nokumuenzeresa muchijiro chozvipfuwo, ndava kwanga kusinai nzvimbo mudzimba dzovarendo.
A profecia cumprida
Isaías profetizou: a virgem conceberá e dará à luz um filho que se chamará Emanuel. Em Jesus, essa promessa se cumpriu perfeitamente.
Asi achiri kufunga zvakarezvo, ngirozi yaIshe idobva yazviratidza kwaari pakurota ichiti, "Josefa mwanakomana waDhavhiti, reka kucha kutora Mariya kuti ave mukadzi wako, ndava mimba yaanayo njoMweya Mutsvene.
Iye achapona mwana mukomana, wodzomutenza zita rokuti Jesu, ndava ndiye achaponesa vanhu vache kubva pazvitema zvavo."
Zvakarezvi zvese zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa naIshe nomuromo womuporofiti: "Nangarai, mhandara ichava nomimba yozvara mwanakomana, zita rache richaitiwa Manuwere" (zvinoreva kuti Mwari anesu).
Glória a Deus nas alturas
Os pastores glorificaram a Deus e os anjos cantaram: 'Glória a Deus nas alturas e paz na terra entre os homens a quem Ele quer bem!'
"Kubhwinya mbakuve kuna Mwari Wokumusorosoro,
nopanyika mbapave norugare pakati povanhu vanomufadza!"
Anyakabusa vadodzokera, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pozvese zvavadonzva nozvavadoona, semaudzihwo yavanga vaitiwa.