Pai da mentira
A Bíblia revela que o diabo é o pai da mentira. Ele engana, acusa e tenta destruir. Mas Cristo veio para desfazer as obras do maligno e nos dar vitória.
O caráter do diabo
Jesus disse que o diabo é mentiroso e homicida desde o princípio. Não há verdade nele — a mentira é sua natureza.
Muri vababa venyu jabhurosi, futi chido chenyu nyhokuita zvinodiwa nababa venyu. Anga ari mhondi kubvira pakuthanga, futi haanai chokuita nochokwadi, nokuti haanai chokwadi maari. Paanobhwodoka anonyaira zvache chaizvo, ndava ndinyamabhwodo futi ndibaba wayene.
Panguwa yokuja kwomauro, jabhurosi wanga watodira kare mumwoyo maJudhasi mwanakomana waSaimoni Sikariyoti pfungwa yokupandukira Jesu.
Tsato ikuru idokutukudzihwa pasi, iyo nyoka yokare, inoitiwa Jabhurosi naSathani, munyengedzi wopasi pese adokutukudzihwa pasi panyika, pabodzi nongirozi dzayene.
Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha kudenga, richiti, "Zvino ruponiso nomasimba noushe hwaMwari wedu nomasimba yaKhirisitu wache yauya, ndava munenedzeri wohama dzedu anovanenera masikati nousiku pamberi paMwari wedu wakutukudzihwa pasi.
Uye zvinoshamisaba, ndava naiye Sathani anozvisandura sengirozi yochiedza.
Kwavari mwari wonyika ino adopofomadza pfungwa dzovasingatende, kuti vareke kuona chiedza chovhangeri rokubhwinya kwaKhirisitu, anova iye mufananidzo waMwari.
As obras do inimigo
O diabo rouba a Palavra semeada, cega o entendimento dos incrédulos e anda em derredor como leão rugidor buscando a quem devorar.
Kana munhu akanzva shoko roumambo asi asingarinzvitsitse, adoipa anouya achibvuta chidojariwa mumwoyo mache, yakarei ndiyo mbeu idombwerera munzira.
munda ndiyo nyika, mbeu idonaka inoreva vanakomana voumambo, sora ndivo vanakomana vajabhurosi, mhandu idovajara ndijabhurosi, kukohwa ndiko kuguma kwonyika, vakohwi ingirozi.
Ivai vadopengenuka mungwarire! Muvengi wenyu jabhurosi anofamba achidzvova kunge mhondoro inotsvaga waingaje.
Kuuya kwoasinai mutemo zvichiitiwa naSathani kuchava nosimba rese rino zviratidzo nozvishamiso zvomabwodo,
Handichanyaira zvidowanda naimimi, ndava muchinda wopasi pano ari kuuya. Haanai simba pamusoro pangu,
Vitória em Cristo
Cristo apareceu para destruir as obras do diabo. Quem está em Deus é protegido, e o maligno não o toca.
Uyo anoita zvitadzo ngwajabhurosi, ndava jabhurosi wanga achindoita zvitadzo kubva pakuthanga. Chikonzero Mwanakomana waMwari chaadonangidzihwa pachenu nyhokuti aparadze mabasa yajabhurosi.
Tinoziva kuti wese adozvahwa naMwari haarambe achitadza, asi uyo adozvahwa naMwari, anochengetedzewa naye, adoipa haagone kumukanganisa. Tinoziva kuti tiri vache Mwari, futi kuti nyika yese iri pasi posimba roadoipa.
Usvinudze meso yavo, nokuvapindutsa kubva murima vachienda kuchiedza, uye kubva kusimba raSathani vachienda kuna Mwari, kuti vatambire kuregerehwa kwozvitadzo, nonzvimbo pakati povadoitiwa vatsvene nokutenda mandiri.’"
Zvino jabhurosi adovanyengedza adokhandiwa mudziva romoto unopfuta nosarufa manga muno chirombo nomuporofiti womabhwodo, vachahwadzisiwa masikati nousiku nokusingaperepere.
Zviisei ndipo pasi paMwari. Dzivisai jabhurosi, kuti akutizei.
Jesu adoti kwaari, "Ndini nzira, nochokwadi, noupenyu, hapanai anouya kuna Baba, asi nopandiri.