Pais
Deus é nosso Pai celestial — amoroso, provedor, disciplinador e fiel. As Escrituras também honram os pais terrenos e os chamam a criar os filhos na instrução do Senhor.
O Pai celestial
Deus é Pai de misericórdias. Ele nos adotou como filhos, nos ama incondicionalmente e cuida de cada detalhe da nossa vida.
Vana VaMwari
Onai kukura kworudo ratidopasiwa naBaba, rokuti tiitiwe vana vaMwari! Izvozvi ndizvo zvatiri peno! Chikonzero chinoita kuti nyika isaye kutiziva nyhokuti hainai kumuziva iye.
Vana VaMwari
Onai kukura kworudo ratidopasiwa naBaba, rokuti tiitiwe vana vaMwari! Izvozvi ndizvo zvatiri peno! Chikonzero chinoita kuti nyika isaye kutiziva nyhokuti hainai kumuziva iye.
Ndava mudopasiwaba mweya wokuva varanda kuti mugare muchicha, asi mudotambira Mweya woumwana watinodaidza nawo tichiti, "Baba, Baba!" Mweya pachake anopfakaza kumweya yedu kuti tiri vana vaMwari.
Asi vese vadomutambira, vaye vadotenda muzita rache, adovapasa simba rokuva vana vaMwari,
Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba naIshe wedu Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.
O cuidado paterno de Deus
O Pai celestial sabe do que precisamos antes de pedirmos. Ele dá boas dádivas aos filhos que pedem e cuida até dos passarinhos.
Nangarai tushiri tomudenga, hatujari kana kukohwa kana kuunganidzira muzvitura, asi zvidodaipo Baba venyu vokudenga vanotuposha! Ko imipa mudokoshaba kutukunda?
Ko tusudzamvura tuiri tunotengesewaba nosendi? Asi hapanai kabodzi kanodzowira pasi Baba venyu vasingade. Asi kana novhudzi romusoro wenyu ridoverengewa rese. Rekai kucha ndipo, mudokosha kukunda tusudzamvura tuzinji.
Asi kana maakunamata, pindai mumba menyu mukwedekere sasa, monamata kuna Baba venyu ari padohwanda. Ivo Baba vako vanoona padohwanda vachakupasa mubairo peno.
Asi kana uchitsanya, shamba chiso chako uzore mapfuta musoro wako, kuti kutsanya kwako kureke kuonewa novanhu asi naBaba vako vari padohwanda. Ivo Baba vako vanoona padohwanda vachakupasa mubairo."
Mbapi baba pakati penyu, anoti kana mwanakomana wache akaruvira hove angamupase nyoka panzvimbo yohove, kana akakumbira zai, angamupase karize? Manje kana imipa vadoipa, muchiziva kupasa vana venyu zvidonaka, Baba vari kudenga vanokungudzirabafuti nai kupasa Mweya Mutsvene kuno avo vanovakumbira!"
Pfuma Yokudenga
"Rekai kucha, kapoka kadiki, ndava Baba venyu vadofadziwa kukupasai Umambo.
Chidonaka chese nochipo chese chidokwana chinoburuka chichibva kudzuru, kuna Baba vozviedza vasingasanduke kunge mimvuri inonyedza.
Iye asinai kana kurambira Mwanakomana wache, asi adomupereka nokuda kwedu tese, angareke tini kutipasawo zvinhu zvese pabodzi naye?
Conhecer o Pai
Jesus é o caminho para o Pai. Ninguém conhece o Pai senão o Filho e aquele a quem o Filho quiser revelar.
Jesu adoti kwaari, "Ndini nzira, nochokwadi, noupenyu, hapanai anouya kuna Baba, asi nopandiri.
Mumba maBaba vangu muno nzvimbo dzizinji, dai zvisinai kudaro, ndaikunyepai nai kuti ndinoenda kokunhadzirirai nzvimbo?
Zvese zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Baba vakudziwe muMwanakomana,
Uyo anomitemo yangu achiichengeta, ndiye chaiye anondida, futi anondida achadiwawo naBaba vangu, nainini ndichamuda futi ndichazvinangidza pachena kwaari."
Jesu adomupindura achiti, "Kana munhu achindida, achatetekera kudzidzisa kwangu, futi Baba vangu vachamuda, futi tichauya kwaari toita musha wedu naye.
Hapanai adomboona Mwari, asi Mwanakomana mubodzi ari pachipfuwa chaBaba ndiye adoita kuti azikane.
futi ndinoyapasa upenyu husingapere, futi yanopfaba, hapanai achadzoyabvuta mujanja rangu. Baba vangu vadondipasa iyo, mbakuru kuno vese, futi hapanai anokona kuyabvuta mujanja raBaba. Inini naBaba tiri mubodzi."
"Baba, ndinoditsa kuti vakareva vamudondipasa, vave nainini pandinenge ndiri, kuti vaone kubhwinya kwangu kwamudondipasa murudo renyu nyika isati yavapo.
Zvinhu zvese ndidozvipasiwa naBaba vangu, futi hapanai anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, hapanaiwo anoziva Baba kunze kwoMwanakomana nokuno uyo Mwanakomana waanosarudza kuzururira.
Saka munofanira kuva vadokwana, saBaba venyu vokudenga vadokwana."
Asi imipa rekai kudaidziwa kuti mudzidzisi, ndava muno Mudzidzisi mubodzi, mese muri vakoma novanin’ina’ina. Musadaidze munhu ari panyika kuti baba venyu, ndava muna Baba mubodzi, ari kudenga.
Munofunga kuti ndinokonaba nai kukumbira Baba vangu, kuti vanditumire nokamangu mapoka yongirozi dzinohwa yanodarika gumi nomairi?
Ivai notsitsi fanike Baba venyu vanotsitsi."
Zvino kunaMwari Baba vedu mbakuve nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.
Disciplina e amor paterno
O Pai disciplina os filhos que ama. A correção divina produz fruto de justiça e paz para aqueles que foram exercitados por ela.
Munofanira kutsunga pakurangiwa. Mwari ari kukubatai sevana vache, nokuti ngupi mwana asingarangiwe nababa vache? Kana mukareka kurangiwa, sezvinoitiwa vana vese, muri vana vomasanganiswa hamuzi vana vache. Pamusoro pozvakarezvi, isisu taiva nanababa vedu vopanyika vaitiranga uye taivakudza. Ko hatingazviise pasi paBaba vomweya yedu kuti tirarame? Nokuti ivo vadotiranga kwonguwa ipfupi sezvavaida, asi iye anotiranga kuti zvitinakire sezvaadoona zvidokodzera, kuti tikovehwe utsvene hwache.
Pais terrenos
A Bíblia honra os pais que criam os filhos nos caminhos de Deus. Honrar pai e mãe é mandamento com promessa de vida longa.
Vana noVabereki
Vana, tetekerai vabereki venyu muna Ishe, nokuti zvakarezvi ndizvo zvidokohoroka. "Remekedza baba vako namaako" (wakareyu ndiwo murairo wokuthanga uno chivimbiso), "kuti zvikuitire bhwino futi kuti urarame nguwa irefu panyika."
Anababa, rekai kusora muchikaripisa vana venyu, asi varerei mukurovedzera nomukuraira kwaIshe.
Anababa, rekai kusora muchikaripisa vana venyu, asi varerei mukurovedzera nomukuraira kwaIshe.
Vana, teererai vabereki venyu muzvinhu zvese nokuti ndizvo zvinofadza Ishe.
Madzibaba, rekai kugumbura vana venyu, kuitira kuti vareke kuwodzewa mwoyo.
Nokuti chisikwa chese chidotomirira notarisiro yokuratidziwa kwovana vaMwari.
Ndiri kukunyorerai majaha ndava mudokunda adoipa. Ndiri kukunyorerai anababa, ndava munoziva iye wanga aripo kubva pakuthanga.
Ndinonyora kwamuri vana, ndava munoziva Baba. Ndinonyora kwamuri anababa, ndava munoziva uyo wanga aripo kubva pakuthanga. Ndinonyora kwamuri majaha, ndava mudosimba, apa shoko raMwari rinogara mamuri, futi mudokunda uye adoipa.
Rekai kuda nyika nozvinhu zviri mairi. Kana umwe akada nyika, rudo raMwari harisi maari.