Palavras de conforto
Deus é o Deus de todo conforto. Ele consola os que choram, restaura os quebrantados e promete que a dor presente dará lugar à alegria eterna.
O Deus de toda consolação
Bendito seja o Deus e Pai de nosso Senhor Jesus Cristo, Pai das misericórdias e Deus de toda consolação, que nos consola em todas as tribulações.
Phauro Anotenda Mwari
Kurumbidziwa mbakuve kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, Baba votsitsi naMwari vanopasa kunyaradza kwese, anotinyaradza mukutambura kwedu kwese, kuitira kuti tikwanise kunyaradza avo vari pakutambura kupi nokupi, nokunyaradza kwatinonyaradziwa nako isisu naMwari.
Phauro Anotenda Mwari
Kurumbidziwa mbakuve kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, Baba votsitsi naMwari vanopasa kunyaradza kwese, anotinyaradza mukutambura kwedu kwese, kuitira kuti tikwanise kunyaradza avo vari pakutambura kupi nokupi, nokunyaradza kwatinonyaradziwa nako isisu naMwari. Kuwanda kwokutambudzikira Khirisitu, ndokuwandawo kunoita kunyaradziwa kwedu kuchiuya kuburikidza naKhirisitu. Kana tichitambudzika, zvinoitihwa kunyaradziwa noruponeso renyu, uye kana tichinyaradziwa, zvinoitihwa kunyaradziwa kwenyu, kunobereka mamuri kuchiirira nomwoyo murefu pamatambudziko mabodzi bodzi yatinoita. Tariro yedu kwamuri haigwetedzeke, ndava tinoziva kuti pamunokovehwa mumatambudziko yedu, muchakovehwawo kunyaradziwa kwedu.
Kuwanda kwokutambudzikira Khirisitu, ndokuwandawo kunoita kunyaradziwa kwedu kuchiuya kuburikidza naKhirisitu.
Promessas de restauração
Deus sarará o quebrantado de coração e atará as suas feridas. Quem semeia em lágrimas, colherá com júbilo.
Paz e descanso
Jesus disse: 'Vinde a mim, todos os cansados e sobrecarregados, e eu vos aliviarei.' A paz de Deus que excede todo entendimento guarda o coração.
Uyai kwandiri, imipa mese mudoneta nokuchokwa nomitoro, ndichakupasai zororo.
Uyai kwandiri, imipa mese mudoneta nokuchokwa nomitoro, ndichakupasai zororo. Takurai joki rangu, mudzidze kubva kwandiri, nokuti ndidopfava uye ndino mwoyo unozvininipisa, ipopo muchawanira mweya yenyu zororo.
Vadokomborehwa vanorira,
ndava vachanyaradziwa!
Ndinokusiirai runyararo, runyararo rangu ndinokupasai. Handikupasei sekupasa kunoita nyika. Mwoyo yenyu mbaireke kutambudzika, futi rekai kucha.
Ndakunyairirai zvakarezvi, kuti muve norugare mandiri. Munyika munotambudziwa, asi tsungai mwoyo, inini ndakunda nyika."
Saka munosuwa iye manje, asi ndichakuonai pakare futi muchapfara, hapanai achakutorerai mufaro wenyu."
Rekai kunetseka pamusoro pochinhu kana nochibodzi zvachene, asi pazvinhu zvese kukumbira kwenyu mbakuzivisiwe Mwari kuburikidza nomunyengetero, nokukumbira, pabodzi nokupasa kutenda.
Zvino rugare raMwari, rinokunda kunzvitsitsa kwese, richachengeta mwoyo yenyu nomifungo yenyu muna Khirisitu Jesu.
Esperança eterna
Deus enxugará toda lágrima. A dor presente é momentânea, mas a glória futura é eterna. O Senhor transforma luto em dança.
Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha ridobva pamupando woushe richiti, "Nangarai, ugaro hwaMwari huri pakati povanhu. Achagara navo, ivo vachava vanhu vache, Mwari pachake achava navo, wova Mwari wavo. Achapisika misodzi yese pamatama yavo, hapachinai ipfa kana kurira kana mhere kana kudzimbiwa nokuti zvinhu zvokare zvapfuura."
Iye wanga adogarikika pamupando woushe adoti, "Nangarai, ndinosandura zvinhu zvese kuti zvive zvitsva." Adotiwo pakamu, "Nyora zvakarezvi, nokuti mashoko yakareya yangatendewe njochokwadi."
Dai Mwari wotariro wakuzazai nomufaro wese norunyararo pakuvimba kwenyu naye, kuitira kuti kuburikidza nosimba raMweya Mutsvene kugurupira kupfachukire mamuri.
Rekai kumbofanana nonyika ino, asi sanduhwai kuburikidza nokuvandudza mufungo wenyu, kuti mukwanise kuraidza nokuziva kuda kwaMwari kudonaka, kunofadza, kudokwana.
Nunca sozinhos
Deus nunca nos abandona. Ele está ao nosso lado em cada vale, segura nossa mão e promete que o choro não durará para sempre.
Zvichengetei mudosununguka kubva pakuditsa mari, uye mugutsikane nozvamunazvo, nokuti iye adoti, "Ndinokurekeraba kana kukusiya."
Saka kana munhu wava muna Khirisitu, wava chisikwa chitsva, zvokare zvapfuura, chokwadi, zvitsva zvauya.
Saka vanotambudzika zviri maererano nokuda kwaMwari vanofanira kuzvikumikidza kuMusiki wavo adotendeka voramba vachiita zvidonaka.
Saka zvininipisei, pasi pojanja raMwari romasimba, kuti akusumudzirei panguwa idofanira. Thurirai paari kunetseka kwenyu kwese ndava iye anohanya naimimi.
Jesu adovapindura achiti, "Chokwadi ndinokunyepai, hapanai munhu adosiya imba kana vana kana vakoma novanin’ina’ina kana hanzvadzi kana minda nokuda kwangu kana kwovhangeri, asingadzotambira zvidopetewa kazana zvino, muupenyu hwakarehuno, dzimba, vakoma novanin’ina’ina, hanzvadzi, anamai, vana, minda nokutambudziwa, uye munyika ichauya achava noupenyu husingapere.
Futi ndichanamata kuna Baba, ivo vachakupasai umwe Mubatsiri, kuti ave naimimi nokusingapere, iye Mweya wochokwadi, asingakone kutambihwa nonyika, ndava haimuone kana kumuziva, imimi munomuziva, ndava anogara naimimi, futi achava mamuri. Handikusiyei mudoita kunge hungwa, ndichadzoka kwamuri.