A Palavra de Deus
A Palavra de Deus é viva, eficaz e eterna. Desde 'No princípio era o Verbo' até 'O céu e a terra passarão, mas as minhas palavras não hão de passar', ela é a revelação suprema do Criador.
No princípio era o Verbo
A Palavra é Deus encarnado. No princípio era o Verbo, o Verbo estava com Deus, e o Verbo era Deus. Todas as coisas foram feitas por Ele.
Shoko Ridova Nyama
Pakuthanga kwanga kuno Shoko, Shoko ranga rina Mwari, futi Shoko ranga riri Mwari.
Shoko Ridova Nyama
Pakuthanga kwanga kuno Shoko, Shoko ranga rina Mwari, futi Shoko ranga riri Mwari.
Shoko ridodzova munhu ndokugara pakati pedu, rizere nonyasha nochokwadi, tidoona kubhwinya kwache, kudoita kunge kwoMwanakomana mubodzi adobva kuna Baba.
Shoko ridodzova munhu ndokugara pakati pedu, rizere nonyasha nochokwadi, tidoona kubhwinya kwache, kudoita kunge kwoMwanakomana mubodzi adobva kuna Baba.
Ndiye chiratidzo chokubhwinya kwaMwari nochimiro chache chaicho, anochengeta zvisikwa zvese nosimba roshoko rache. Paadopedza kukohorora zvitadzo, adogarikika kujanja roruji roUkuru kudenga.
Nokutenda tinonzvitsitsa kuti nyika idosikiwa noshoko raMwari, nokudaro zvinooneka zvidoitiwa nozvinhu zvisingaoneke.
A Palavra é viva e eficaz
A Palavra de Deus é mais cortante que espada de dois gumes. Ela julga pensamentos e intenções do coração, transforma e liberta.
Nokuti shoko raMwari ripenyu futi rinoshanda, ridopinza kukunda bakatwa rinocheka nonhivi dzese, rinojunga kusvika panopararana mwoyo nomweya, nomapfundo nomwongo, uye rinotonga ndangariro nozvido zvomwoyo.
Nokuti shoko raMwari ripenyu futi rinoshanda, ridopinza kukunda bakatwa rinocheka nonhivi dzese, rinojunga kusvika panopararana mwoyo nomweya, nomapfundo nomwongo, uye rinotonga ndangariro nozvido zvomwoyo.
Futi torai ngundu youtare yoruponiso, nobakatwa roMweya, ndiro shoko raMwari.
Toda Escritura é inspirada
Toda a Escritura é inspirada por Deus e útil para ensino, correção e instrução na justiça. Ela é perfeita e imutável.
Magwaro yese yadofemehwa naMwari, futi yanobatsira kudzidzisa, kutsiura, kunhadzirisa, nokupingudza mukururama,
Magwaro yese yadofemehwa naMwari, futi yanobatsira kudzidzisa, kutsiura, kunhadzirisa, nokupingudza mukururama, kuti munhu waMwari ave adokwana zvizere, adonhadzirihwa basa rese ridonaka.
Magwaro yese yadofemehwa naMwari, futi yanobatsira kudzidzisa, kutsiura, kunhadzirisa, nokupingudza mukururama, kuti munhu waMwari ave adokwana zvizere, adonhadzirihwa basa rese ridonaka.
Luz para o caminho
A Palavra é lâmpada para os pés e luz para nosso caminho. Ela ilumina, orienta e protege o que nela medita dia e noite.
Obedecer a Palavra
Seja praticante da Palavra e não apenas ouvinte. Jesus disse que quem ouve e pratica é como o homem sábio que edificou sobre a rocha.
Rekerai kuzvinyengedza nokundotetekera shoko basi, asi itai zvarinoreva.
Rekerai kuzvinyengedza nokundotetekera shoko basi, asi itai zvarinoreva.
Rekerai kuzvinyengedza nokundotetekera shoko basi, asi itai zvarinoreva. Wese anotetekera shoko asi asingaite zvarinoreva adofanana nomunhu anoona chiso chache pachiringiriro, anoti kana wabva kuzvinangara, anoenda achibva wakangamwirafuti kuti adoita tini.
Saka bisai tsambwa dzese nokuipa kudowanda, nokuzvininipisa mutambire shoko ridotimbikiwa mamuri, rinogona kukuponesai.
Muvakhi Anonzeru noMuvakhi Dzemwa
"Saka wese anonzva mashoko yangu yakareya achiyaita achafanana nomumhu adochenjera adovakhira imba yache paruware.
Asi adomupindura achiti, "Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nomazingwa chete, asi noshoko rese rinobirika mumuromo maMwari.’"
Asi adomupindura achiti, "Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nomazingwa chete, asi noshoko rese rinobirika mumuromo maMwari.’"
Asi adoti, "Vadokomborehwa maninge mbaye vanonzva shoko raMwari nokurichengeta!"
Asi Jesu adomupindura achiti, "Kudonyohwa kuti, ‘Munhu anoraramaba nozingwa basi.’"
Vese vadoshamisiwa nazvo ndokutaurirana vachiti, "Shoko hwai rakareri? Ndava nosimba rochikuriri anodzuma mweya idoipa, ichibva yabirika!"
A Palavra que permanece
Céus e terra passarão, mas as palavras de Jesus jamais passarão. A Palavra do Senhor permanece para sempre — eterna e infalível.
Denga nonyika zvichapfuura, asi mashoko yangu yanopfuuraba.
Denga nonyika zvichapfuura asi mashoko yangu yanopfuuraba.
O poder da Palavra
A Palavra transforma, sara e liberta. Quem permanece na Palavra de Jesus conhece a verdade, e a verdade o liberta.
Chokwadi Chichakusunungurai
Jesu adodzoti kuvaJudha vadotenda kwaari, "Kana mukaramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvochokwadi,
Chokwadi Chichakusunungurai
Jesu adodzoti kuvaJudha vadotenda kwaari, "Kana mukaramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvochokwadi, futi muchaziva chokwadi, chokwadi chichakuitai vadosununguka."
Chokwadi ndinoti kwamuri, wese anochengeta shoko rangu anodzopfaba."
"Ndinokunyairirai zvochokwadi, uyo anonzva Shoko rangu achitenda kuna iyeyo adondituma, anoupenyu husingapere, haauye pakutongewa, asi wabirika muipfa wapinda muupenyu.
Jesu adomupindura achiti, "Kana munhu achindida, achatetekera kudzidzisa kwangu, futi Baba vangu vachamuda, futi tichauya kwaari toita musha wedu naye.
Mudotonatsiwa kare nokudzidzisa kwandidonyaira kwamuri.
Vaitei vatsvene muchokwadi shoko renyu ndiro chokwadi.
Paadodzomutsiwa kuvadopfa, vadzidzi vache vadoyeuka kuti wanga wanyaira zvakarezvo, vadobva vatenda magwaro noshoko ridonyaihwa naJesu.
Novamwe vazinji vadotenda nondava yoshoko raJesu pachake.
Uyo anotenda kwandiri, sezvidotauhwa noGwaro, ‘Mumwoyo mache muchaerera tuhwizi twomvura youpenyu.’"
Meditar na Palavra
A meditação na Palavra traz prosperidade e bom sucesso. Ela é fonte de sabedoria, consolo e orientação para toda a vida.
Nokuti kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe pakare uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa, uchaponesewa. Ndava unotenda nomwoyo ndokuti ururamisiwe, pakare unopupura nomuromo wako woponesewa.
Sevacheche vachandozvariwa ditsitsai mukaka womweya udochena, kuti mukure nawo muruponiso renyu,
Kuzvidikipisa noUkuru hwaKhirisitu
Saka kana muna Khirisitu munokukurudzira, nokunyaradza kworudo, kana kubatirana paMweya, kana munounyoro nokunzvirana tsitsi, zazisai mufaro wangu nokuva nopfungwa ibodzi, muve norudo rubodzi nomweya mubodzi uye nokufunga kubodzi. Rekai kuita chinhu nonharo kana nomanyemwe, asi nokuzvidikipisa umwe noumwe mbaati vamwe vanomukunda pabuya. Umwe noumwe mbaareke kunangara zvinhu zvidonakira iye basi, asi mbaanangarewo nozvidonakirawo abiyache. Ivai nomufungo uyu pakati penyu wanga uri muna Khirisitu Jesu,
iye kunyange wanga adofanana naMwari,
haanai kuti kuenzana naMwari chinhu chinofanira kubatitsitsiwa,
asi adosiya zvaanga ari achitora unhu hwomuranda,
adozvariwa ari muchimiro chovanhu.
Uye adoti wawanika muchimiro chomunhu adozvidukupisa ndokutetekera kusvikira paipfa,
iyo ipfa yopamuchinjikwa.
Nokudaro Mwari adomukwiridzira pamusorosoro
ndokumupasa zita riri pamusoro pomazita yese,
kuti muzita raJesu
mabvi yese yapfugame,
yovari kudenga novari panyika noyovari pasi ponyika,
uye ndimi dzese dzipfakaze kuti Jesu Khirisitu ndiye Ishe,
kuti Mwari Baba varumbidziwe.
Kuvhenekera seZviedza muNyika
Naizvozvo, hama sezvamudotetekera nguwa dzese aikona pandanga ndiripo chete, asi kunyanya iyezvino pandisipo, pedzisai basa rokuponesewa kwenyu nokucha nokutetemera, nokuti Mwari ari kushanda mukati menyu ndiye anoita zvese kuti mufarire nokuita chido chache chidonaka.
Itai zvinhu zvese musinganyunyute kana kuita nharo, kuti muve vanhu vasinai chavanonenedzehwa novadochena, vana vaMwari vasinai murandu pakati porudzi ridopombonyoka, ridotaika ramuri pakati parene muchivhenekera kunge nyenyedzi mudenga, mudobatitsitsa shoko roupenyu, kuitira kuti pazuva raKhirisitu ndidade ndizive kuti handinai kumhanyira pasina kana kushandira mahara.
Kunyange ndikatoduruhwa kunge chibairo pamusoro pokuzvipira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufaritsa naimipa mese. Zvibodzibodzi naimipa munofanira kufarawo pabodzi nainini.
Timoti naEpafurodhitasi
Ndinotarisiro muna Ishe Jesu kuti ndichatuma Timoti nokamangu kwamuri, kuitira kuti ndifadziwe nokunzva hwenye pamusoro penyu. Nokuti handinai umwe adofanana naye, iye achava nohanya chaizvo pamusoro penyu. Ndava vamwe vese vanozvitsvagira zvavo pachavo, zvisiri zvaJesu Khirisitu. Asi Timoti munoziva kutendeka kwache, kuti fanike baba nomwanakomana wavo, adoshanda pabodzi nainipano muvhangeri. naizvozvo ndinotarisiro yokumutuma kwamuri mumasure mokunge ndaziva kuti zvinhu zvichandifambira tini. Uye ndinotenda muna Ishe kuti inini pachangu ndichauyawo pasinai nonhangwe yese.
Manje ndidozviona zvidokodzera kuti nditume Epafurodhitasi kwamuri hama yangu nomubatsiri wangu pabasa uye muhwi pabodzi nainipano, ari mutumwa wenyu nomushumiri wangu pano zvandinosaya. Nokuti wanga achikusuvitsai mese, uye adoshungurudzika chaizvo nondava yokuti mudonzva kuti wanga achihwara. Ichokwadi chaicho wanga achihwara, zvokutoda kupfa. Asi Mwari adomunzvira tsitsi, asiri iye chete asi nainipanowo kuti ndireke kuingidzihwa kusuwa pamusoro pokusuwa. Nokudaro ndinoda maninge kumutuma iye kwamuri, kuti mufare pamunomuona pakare uye kuti nainipanowo ndireke kunetseka. Saka mutambirei nomufaro wese muna Ishe; uye muremekedze vanhu vadodai, nokuti adopotsa wapfira basa raKhirisitu, adoisa upenyu hwache panjodzi achikuitirai basa ramudotadza kundiitira.
Palavras de vida
As palavras de Deus são espírito e vida. Quem fala deve falar como oráculos de Deus, com verdade, sabedoria e edificação.
Asi chinobirika mukamwa chinobva mumwoyo, chakarecho ndicho chinosvipisa munhu. Ndava mumwoyo munobirika pfungwa dzidoipa, kuponda, zvivi zvopabonde, upombwe, uhure, kuba, kupupura mabhwodo, kunyeya.
Ndinokuudzai, pazuva rokutongewa vanhu vachazvidairira pamusoro poshoko rese rokusafunga ravadotaura, ndava nomashoko yako ucharuramisiwa, uye nomashoko yako uchataiwa."
Imi vana vonyoka mungataure tini zvidonaka, imimi mudoipa? Ndava muromo unotaura zvizere mumwoyo.
Tese tinogwetsewa nomitoo idowanda. Kana munhu asingaphonye pakutaura, munhu wakareyo adokwana, anokonawo kuchengetedza muviri wache wese.
Patinoisa mathomu mumiromo yomabhiza kuti yatiteerere, tinokhonesa muviri wayene wese. Kana kutora muenzaniso wozvikepe, kana zvidotokura sei uye zvichisundiwa nomhepo inosimba, zvinokhomutsiwa nochidzoreso chidikidiki zvichienda kunodiwa nomuchairi. Ndomwenze chirimi nyhidikidiki pamuviri, asi chinozvikudza maninge.
Fungai makuriro yosango rinopisiwa nokamoto kadikidiki! Kana nochirimi moto, inyika yozvidoipa pakati ponhengo dzomiviri yedu, chinosvipisa muviri wese womunhu, chinobatidza moto upenyu hwese, icho pachacho chinobatidziwa nomoto wogehena. Marudzi yomhuka dzese, tushiri, zvinosvova nozvirombo zvomugungwa zvinogona kupingudziwa uye zvidombopingudziwa nomunhu, asi hapanai munhu anokwanisa kupingudza chirimi. Hachidekharike pakuipa, chidozara nonduru inobaya.
Sezvo kutenda kuchiuya nokunzva, nokunzva kunouya nokuparidziwa kwaKhirisitu.
Manje ndinobvunza: Vadonzvaba chere? Vadonzva, hinde:
"Mazvi yavo yadosvika pasi pese,
Nomashoko yavo yadonzvika kumugumo wonyika."