Pular para o conteúdo
Publicidade

Pensamentos

Por Bíblia Online

A Bíblia ensina que somos fruto dos nossos pensamentos. Por isso, Deus nos chama a renovar a mente, pensar em coisas nobres e guardar o coração com toda diligência.

Pensar no que é bom

Paulo nos exorta a pensar no que é verdadeiro, honesto, justo, puro, amável e de boa fama. A mente renovada é o caminho da transformação.

Pakupedzisira, hama dzangu, zvese zvochokwadi, nozvese zvinokudziwa, zvese zvidorurama, zvese zvidochena, chese chidonaka, zvese zvinorumbidziwa, kana panokunaka kana kurumbidziwa kupi nokupi, fungitsitsai zvinhu zvakarezvi.

Rekai kumbofanana nonyika ino, asi sanduhwai kuburikidza nokuvandudza mufungo wenyu, kuti mukwanise kuraidza nokuziva kuda kwaMwari kudonaka, kunofadza, kudokwana.

Kudaidziwa Kudzorarama Muutsvene

Nokudaro gadzirirai pfungwa dzenyu, muve vadopepuka, isai tarisiro yenyu idozara pamutsa uchauya kwamuri pakuonekwa kwaJesu Khirisitu.

Zvino kuna iye anogona kuita nosimba rinoshanda matiri zvidokungudza zvidopindiridza kukunda zvese zvatinokumbira kana zvatinofunga, kwaari mbakuve nokubhwinya mukherekhe nomuna Khirisitu Jesu munguwa dzese, nokusingaperepere. Ameni.

Guardar a mente

A Palavra de Deus discerne os pensamentos e intenções do coração. Guardar a mente é proteger a alma das armadilhas do pecado.

Nokuti shoko raMwari ripenyu futi rinoshanda, ridopinza kukunda bakatwa rinocheka nonhivi dzese, rinojunga kusvika panopararana mwoyo nomweya, nomapfundo nomwongo, uye rinotonga ndangariro nozvido zvomwoyo.

Os caminhos de Deus são mais altos

Os pensamentos de Deus são infinitamente superiores aos nossos. Devemos entregar nossos pensamentos a Ele e confiar em sua sabedoria.

Pensamento e conduta

Do coração procedem os males. A Bíblia nos adverte a não se preocupar excessivamente e a ter pensamentos sóbrios e disciplinados.

Adoti, "Zvinobirika mumunhu ndizvo zvinomusvipisa. Ndava kubva mukati momwoyo womunhu munobirika: mifungo idoipa, upombwe, kuba, nokubayana, nhafu, kunyangadza, kunyengedza, nokusazvibata, usvinu, kushora, kuzvikudza, noudzemwa. Zvidoipa zvakarezvi zvese zvinobirika mukati momunhu ndizvo zvinomusvipisa."

Saka ndinokunyepai, kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana chamuchamwa, kana pamusoro pomuiri wenyu chamuchasimira. Ko upenyu hunokundaba chokuja nai, nomuviri unokundaba chokusimira nai?

Pakare pakunamata rekai kumbondotutira mashoko kunge zvinoitiwa novasiri vaJudha, ndava vanofunga kuti vachanzviwa nokuda kwomashoko yavo mazinji.

Kutsindikihwa Pamusoro poKunyengera

Pazvanga zvichidaro, gurusvusvu rikuru rozviuru ridoungana zvokutoti vaitsikirirana, adothanga nokunyairira vadzidzi vache kuti, "Chenjererai mbiriso yovaFarisi, hunova unyengeri. Asi hapanai chidofukidziwa chisingadzobiritsiwa pachenu, kana chidosvisviwa chisingadzozikana. Saka chese chamudonyaira murima chichanzvika pachiedza, nochamudonyaira kazevezeve mudzimba dzomukati chichaparidziwa pamusoro podzimba."

Anofanira Kuchiwa

"Ndinokunyepai shamwari dzangu, rekai kucha vanobaya muviri, vasinai chavanogona kuita mumasure mozvakarezvo. Asi ndichakunyepai wamunofanira kucha, ichai iye anoti kana muviri wako wapfa, anomasimba yokukukhandira muGehena, inde, ndinokunyepai, muchei wakareyo!"

"Ko tusudzamvura tushano tunotengesewaba nomapeni mairi? Asi hapanai kana kabodzi chaiko kanokangamwiwa naMwari. Asi, kana novhudzi romusoro wenyu ridotoverengewa peno. Rekai kucha, ndava mudokosha kukunda tusudzamvura tuzinji."

Kupupura Nokuramba Khirisitu

"Ndinokunyepai futi, kuti wese anondibvuma pamberi povanhu, Mwanakomana woMunhu achamubvumawo pamberi pongirozi dzaMwari, asi anondiramba pamberi povanhu acharambiwawo pamberi pongirozi dzaMwari. Nowese anotaura shoko rinopesana noMwanakomana womunhu anoregerehwa, asi anoshora Mweya Mutsvene anoregerehwaba."

"Kana maendesewa pamberi pomasinagoge nopovatongi novanomasimba, rekai kunetseka kuti muchapindurei kana kuti muchati chii. Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai panguwa yakareyo zvamunofanira kutaura."

Mufananidzo Womupfumi Dzemwa

Umwe mukati mogurusvusvu adoti kwaari, "Tenzi, rairai mukoma wangu kuti akoverane nainini nhaka." Asi adoti kwaari, "Iwe munhu, mbani adondiita mutongi kana mukovanisi pakati penyu?" Manje adoti kwavari, "Hokoyo, futi muchenjerere kuchiva kwese, ndava upenyu hwomunhu hahusi pazvinhu zvizinji zvaanazvo."

Adovanyepa mufananidzo achiti, "Munda womumwe mupfumi udoita gohwo ridokuritsa, Adofunga mumwoyo, achiti, Chii chandichaita, ndava handinai pokuchengetera zvirimwa zvangu?Ipopo adoti, izvi ndizvo zvandichaita, Ndichapwanya zvitura zvangu, ndovakha zvikuru. Makaremo ndimo mandichaisa zvirimwa zvangu zvese nomidziyo yangu. Ipopo ndichati kumweya wangu, unozvinhu zvizinji zvidochengetehwa makore mazinji. Tambarara, ija, umwe, ufare.Asi Mwari adoti kwaari, Iwe dzemwa! Usiku huno mweya wako uchatohwa, ko zvinhu zvawagadzira zvichava zvaani?"

"Zvakarezvo ndozvidoita munhu anozviunganidzira pfuma, asi asinai kupfuma kuna Mwari."

Vimba naMwari

Ipopo adoti kuvadzidzi vache, "Saka ndinokunyepai kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana pamusoro pomuviri wenyu chamuchasimira. Ndava upenyu hunokunda chokuja, nomuviri unokunda chokusimira. Cherechedzai makunguwo, kuti hayajari kana kukohwa, hayanai pokuchengetera kana chitura, asi zvidodaipo Mwari anoyaposha! Handiti imimi mudotokoshetsa kukunda tushiri! Futi mbani pakati penyu angaingidzire khubiti ribodzi rokurepha kwache nokushushikana? Manje kana muchitadza kuita chinhu chidiki kunge ichocho, munonetsekerei pamusoro pozvimwe zvese? Cherechedzai maruva, kuti yanokura tini, hayashandi kana kurukha, asi zvidodaipo ndinokunyepai kuti kana naiye Soromoni pakubhwinya kwache kwese haanai kupfekedzewa zvidofanana norimwe royakareya. Zvino kana Mwari achipfekedza zvidodai usva hwomusango, hunondovapo nasi huchidzokhandiwa mumoto hwedza, angareke nai kunyanya kukupfekedzai vakaremi? Vanhu vokutenda kudiki!

Saka rekai kutsvaga chamuchaja kana chamuchamwa, kana kushushikana mupfungwa. Ndava marudzi yese yonyika vanotsvaga zvinhu zvakarezvi, asi Baba venyu vanoziva kuti munozvida. Asi tsvagai umambo hwache, zvinhu zvakarezvi zvichava zvenyu pakamu."

Pfuma Yokudenga

"Rekai kucha, kapoka kadiki, ndava Baba venyu vadofadziwa kukupasai Umambo. Tengesai zvamunazvo mupereke zvipo. Zvinhadzirirei zvikwama zvisingasakare, zvinoupfumi kudenga husingapfuruke, kusingasvikiwe nombavha kana tukumo hatuiparadzi. Ndava panopfuma yako pakarepo ndipo panomwoyo wako."

Varanda Vanogaririra

"Zviuno zvenyu mbazvisungiwe nomwenje yenyu mbaipfute, itai kunge vanhu vadogaririra tenzi wavo, paachadzoka achibva kumabiko yomuchato, kuti paanouya achigugudza, vanomuzururira nokamangu. Vadokomborehwa varanda vanowaniwa vadopenya paanouya tenzi, ndinokunyepai chokwadi chokuti, tenzi achazvipira kuvagarisa pasi, iye wovatenairira kuti vaje. Kana akauya panguwa yochipiri, kana yochitatu, wovawana vadodaro, vadokomborehwa varanda vakarevo! Asi zivai zvakarezvi, kuti dai mwenekachiro woimba waiziva nguwa inouya mbavha, waidzogaririra woreka kurekera imba yache ichipaziwa. Naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana womunhu achauya nonguwa yamusingamufungire."

Muranda Adotendeka kana Asinai

Pita adoti, "Ishe, anga mufananidzo wakareyu maunyairira isisu chere, kana kuti vanhu vese?"

Ishe adoti, "Mbani manje mutariri adotendeka futi adochenjera, angaitiwe mutungamiri woimba yatenzi wache, kuti avapase zvokuja zvavo panguwa idofanira? Muranda wakareyo adokomborehwa, anowaniwa achiita zvakarezvo panouya tenzi wake. ndinokunyepai chokwadi, kuti achamugadza kuti ave mukuru wozvese zvaanazvo. Asi kana muranda wakareyo akati mumwoyo mache, Tenzi wangu wachehwa kuuya,wothanga kurova varandarume novarandakadzi, achija nokumwa nokuredzera, tenzi womuranda wakareyo achauya nozuva raasingamutarisire noawa yaasingazive, achamugwata nokumuisa pabodzi novasingatende. Muranda anoziva zvinodiwa natenzi wache, akareka kuzvigadzirira kuita kana kuzvipira kuita zvinodiwazvo, acharohwa zvidokungudza, Asi uyo asingazive, akaita zvinorovesa, acharohwa zvishoma. Nokunowese adopasiwa zvidowanda, kwaari kuchabvunziwa zvidowandawo, nokunoadopasiwa zvidowanda, achabvunziwawo zvidowanda."

Jesu Mukonzeri woKupesana

"Ndidouya kokhanda moto panyika, ndinototi dai udobatidziwa kare! Asi ndinoruombeko randichaombekewa naro, futi ndiri kumanikidzika zvidonyanya kusvikira raitika! Munofunga kuti ndidouya kopasa runyararo panyika nai? Ndinokunyepai kuti, neye, asi kudzopesanisa. Nokuti kubva ipopa mumba munovanhu vashano, muchava nokupesana. Vatatu vachapesana novairi, novairi vachapesana novatatu. Kuchava nokupesana kwababa nomwanakomana, nomwanakomana nababa. Amai vachapesana nomwanasikana, nomwanasikana achapesana namaache. Amwene vachapesana nomuroora, nomuroora achapesana naamwene vache."

Kunzvitsitsa Nguwa

Adonyepa gurusvusvu pakare achiti, "Pamunoona guti richikwira kumadokero, nokamangu munoti, Kuchana.Zvotoitika daipo. Futi pamunoona mhepo yokuchamhembe ichivhuvhuta munoti, Kuchapisitsa.Zvakarezvo zvotoitika. Imi vanyengeri! Munoziva kududzira mamiriro yopasi nokudzuru, asi munotadza tini kududzira mamiriro yonguwa ino?"

Gadzirisana Nowaunopikisana Naye

"Sei imipa pachenyu musingatongane zvidonaka? Paunenge uchienda nomunenedzeri wako pamberi pomutongi, wirirana naye muchiri munzira, kuti areke kudzokupereka kumutongi, nomutongi wodzokupereka kumupurisa, nomupurisa achidzokuvharira mutorongo. Ndinokunyepai, unomubirikaba, kusvikira waripa kamari kokupedzisira."

Nonyasha dzandidopasiwa, ndinoti kwamuri mese: Reka kumbozviona kunge wopamusoro kupinda zvauri, asi nopfungwa dzidopengenuka, uone zvinoenderana nochikero chokutenda kwaadopasiwa naMwari.

Kupesana mukherekhe

Ndinokukumbiritsai, hama, nozita raIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti mese mubvumirane kuti pakati penyu pareke kuva nokupesana, asi mubatane papfungwa ibodzi nochinangwa chibodzi.

Ndava mbani munhu anoziva mifungo yomunhu kunze kwomweya womunhu uri maari? Ndomwenze daro hapanai munhu anoziva mifungo yaMwari kunze kwoMweya waMwari.

Munhu mbaarege kuzvinyengedza. Kana munhu pakati penyu achifunga kuti adochenjera munguwa ino, mbaave dzemwa kuti ave adochenjera.

Seja o primeiro