Publicidade

Preocupação

Por Bíblia Online

A preocupação é uma das maiores armadilhas da vida moderna. Jesus ensinou que a ansiedade nada acrescenta à nossa vida e nos convida a confiar na provisão do Pai celestial.

Não se preocupe

Jesus disse: não andeis ansiosos pela vossa vida. O Pai celestial sabe do que precisamos e cuida de nós com ternura e fidelidade.

Saka ndinokunyepai, kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana chamuchamwa, kana pamusoro pomuiri wenyu chamuchasimira. Ko upenyu hunokundaba chokuja nai, nomuviri unokundaba chokusimira nai?

Saka rekai kunetseka pamusoro poramangwana, ndava ramangwana richazvinetsekera rega. Rekai dambudziko rozuva rikwanirane nozuva rakarero."

Mbeu idombwerera mumwinza nguye anonzva shoko, asi nokuda kwohanya yozvonyika nokufarira upfumi zvinovhunga shoko, rotadza kuva nozvibereko.

Kutsindikihwa Pamusoro poKunyengera

Pazvanga zvichidaro, gurusvusvu rikuru rozviuru ridoungana zvokutoti vaitsikirirana, adothanga nokunyairira vadzidzi vache kuti, "Chenjererai mbiriso yovaFarisi, hunova unyengeri. Asi hapanai chidofukidziwa chisingadzobiritsiwa pachenu, kana chidosvisviwa chisingadzozikana. Saka chese chamudonyaira murima chichanzvika pachiedza, nochamudonyaira kazevezeve mudzimba dzomukati chichaparidziwa pamusoro podzimba."

Anofanira Kuchiwa

"Ndinokunyepai shamwari dzangu, rekai kucha vanobaya muviri, vasinai chavanogona kuita mumasure mozvakarezvo. Asi ndichakunyepai wamunofanira kucha, ichai iye anoti kana muviri wako wapfa, anomasimba yokukukhandira muGehena, inde, ndinokunyepai, muchei wakareyo!"

"Ko tusudzamvura tushano tunotengesewaba nomapeni mairi? Asi hapanai kana kabodzi chaiko kanokangamwiwa naMwari. Asi, kana novhudzi romusoro wenyu ridotoverengewa peno. Rekai kucha, ndava mudokosha kukunda tusudzamvura tuzinji."

Kupupura Nokuramba Khirisitu

"Ndinokunyepai futi, kuti wese anondibvuma pamberi povanhu, Mwanakomana woMunhu achamubvumawo pamberi pongirozi dzaMwari, asi anondiramba pamberi povanhu acharambiwawo pamberi pongirozi dzaMwari. Nowese anotaura shoko rinopesana noMwanakomana womunhu anoregerehwa, asi anoshora Mweya Mutsvene anoregerehwaba."

"Kana maendesewa pamberi pomasinagoge nopovatongi novanomasimba, rekai kunetseka kuti muchapindurei kana kuti muchati chii. Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai panguwa yakareyo zvamunofanira kutaura."

Mufananidzo Womupfumi Dzemwa

Umwe mukati mogurusvusvu adoti kwaari, "Tenzi, rairai mukoma wangu kuti akoverane nainini nhaka." Asi adoti kwaari, "Iwe munhu, mbani adondiita mutongi kana mukovanisi pakati penyu?" Manje adoti kwavari, "Hokoyo, futi muchenjerere kuchiva kwese, ndava upenyu hwomunhu hahusi pazvinhu zvizinji zvaanazvo."

Adovanyepa mufananidzo achiti, "Munda womumwe mupfumi udoita gohwo ridokuritsa, Adofunga mumwoyo, achiti, Chii chandichaita, ndava handinai pokuchengetera zvirimwa zvangu?Ipopo adoti, izvi ndizvo zvandichaita, Ndichapwanya zvitura zvangu, ndovakha zvikuru. Makaremo ndimo mandichaisa zvirimwa zvangu zvese nomidziyo yangu. Ipopo ndichati kumweya wangu, unozvinhu zvizinji zvidochengetehwa makore mazinji. Tambarara, ija, umwe, ufare.Asi Mwari adoti kwaari, Iwe dzemwa! Usiku huno mweya wako uchatohwa, ko zvinhu zvawagadzira zvichava zvaani?"

"Zvakarezvo ndozvidoita munhu anozviunganidzira pfuma, asi asinai kupfuma kuna Mwari."

Vimba naMwari

Ipopo adoti kuvadzidzi vache, "Saka ndinokunyepai kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana pamusoro pomuviri wenyu chamuchasimira. Ndava upenyu hunokunda chokuja, nomuviri unokunda chokusimira. Cherechedzai makunguwo, kuti hayajari kana kukohwa, hayanai pokuchengetera kana chitura, asi zvidodaipo Mwari anoyaposha! Handiti imimi mudotokoshetsa kukunda tushiri! Futi mbani pakati penyu angaingidzire khubiti ribodzi rokurepha kwache nokushushikana? Manje kana muchitadza kuita chinhu chidiki kunge ichocho, munonetsekerei pamusoro pozvimwe zvese? Cherechedzai maruva, kuti yanokura tini, hayashandi kana kurukha, asi zvidodaipo ndinokunyepai kuti kana naiye Soromoni pakubhwinya kwache kwese haanai kupfekedzewa zvidofanana norimwe royakareya. Zvino kana Mwari achipfekedza zvidodai usva hwomusango, hunondovapo nasi huchidzokhandiwa mumoto hwedza, angareke nai kunyanya kukupfekedzai vakaremi? Vanhu vokutenda kudiki!

Saka rekai kutsvaga chamuchaja kana chamuchamwa, kana kushushikana mupfungwa. Ndava marudzi yese yonyika vanotsvaga zvinhu zvakarezvi, asi Baba venyu vanoziva kuti munozvida. Asi tsvagai umambo hwache, zvinhu zvakarezvi zvichava zvenyu pakamu."

Pfuma Yokudenga

"Rekai kucha, kapoka kadiki, ndava Baba venyu vadofadziwa kukupasai Umambo. Tengesai zvamunazvo mupereke zvipo. Zvinhadzirirei zvikwama zvisingasakare, zvinoupfumi kudenga husingapfuruke, kusingasvikiwe nombavha kana tukumo hatuiparadzi. Ndava panopfuma yako pakarepo ndipo panomwoyo wako."

Varanda Vanogaririra

"Zviuno zvenyu mbazvisungiwe nomwenje yenyu mbaipfute, itai kunge vanhu vadogaririra tenzi wavo, paachadzoka achibva kumabiko yomuchato, kuti paanouya achigugudza, vanomuzururira nokamangu. Vadokomborehwa varanda vanowaniwa vadopenya paanouya tenzi, ndinokunyepai chokwadi chokuti, tenzi achazvipira kuvagarisa pasi, iye wovatenairira kuti vaje. Kana akauya panguwa yochipiri, kana yochitatu, wovawana vadodaro, vadokomborehwa varanda vakarevo! Asi zivai zvakarezvi, kuti dai mwenekachiro woimba waiziva nguwa inouya mbavha, waidzogaririra woreka kurekera imba yache ichipaziwa. Naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana womunhu achauya nonguwa yamusingamufungire."

Muranda Adotendeka kana Asinai

Pita adoti, "Ishe, anga mufananidzo wakareyu maunyairira isisu chere, kana kuti vanhu vese?"

Ishe adoti, "Mbani manje mutariri adotendeka futi adochenjera, angaitiwe mutungamiri woimba yatenzi wache, kuti avapase zvokuja zvavo panguwa idofanira? Muranda wakareyo adokomborehwa, anowaniwa achiita zvakarezvo panouya tenzi wake. ndinokunyepai chokwadi, kuti achamugadza kuti ave mukuru wozvese zvaanazvo. Asi kana muranda wakareyo akati mumwoyo mache, Tenzi wangu wachehwa kuuya,wothanga kurova varandarume novarandakadzi, achija nokumwa nokuredzera, tenzi womuranda wakareyo achauya nozuva raasingamutarisire noawa yaasingazive, achamugwata nokumuisa pabodzi novasingatende. Muranda anoziva zvinodiwa natenzi wache, akareka kuzvigadzirira kuita kana kuzvipira kuita zvinodiwazvo, acharohwa zvidokungudza, Asi uyo asingazive, akaita zvinorovesa, acharohwa zvishoma. Nokunowese adopasiwa zvidowanda, kwaari kuchabvunziwa zvidowandawo, nokunoadopasiwa zvidowanda, achabvunziwawo zvidowanda."

Jesu Mukonzeri woKupesana

"Ndidouya kokhanda moto panyika, ndinototi dai udobatidziwa kare! Asi ndinoruombeko randichaombekewa naro, futi ndiri kumanikidzika zvidonyanya kusvikira raitika! Munofunga kuti ndidouya kopasa runyararo panyika nai? Ndinokunyepai kuti, neye, asi kudzopesanisa. Nokuti kubva ipopa mumba munovanhu vashano, muchava nokupesana. Vatatu vachapesana novairi, novairi vachapesana novatatu. Kuchava nokupesana kwababa nomwanakomana, nomwanakomana nababa. Amai vachapesana nomwanasikana, nomwanasikana achapesana namaache. Amwene vachapesana nomuroora, nomuroora achapesana naamwene vache."

Kunzvitsitsa Nguwa

Adonyepa gurusvusvu pakare achiti, "Pamunoona guti richikwira kumadokero, nokamangu munoti, Kuchana.Zvotoitika daipo. Futi pamunoona mhepo yokuchamhembe ichivhuvhuta munoti, Kuchapisitsa.Zvakarezvo zvotoitika. Imi vanyengeri! Munoziva kududzira mamiriro yopasi nokudzuru, asi munotadza tini kududzira mamiriro yonguwa ino?"

Gadzirisana Nowaunopikisana Naye

"Sei imipa pachenyu musingatongane zvidonaka? Paunenge uchienda nomunenedzeri wako pamberi pomutongi, wirirana naye muchiri munzira, kuti areke kudzokupereka kumutongi, nomutongi wodzokupereka kumupurisa, nomupurisa achidzokuvharira mutorongo. Ndinokunyepai, unomubirikaba, kusvikira waripa kamari kokupedzisira."

Entregar a ansiedade a Deus

Lançar sobre o Senhor toda ansiedade é um ato de fé. A paz de Deus, que excede todo entendimento, guarda nosso coração e mente.

Rekai kunetseka pamusoro pochinhu kana nochibodzi zvachene, asi pazvinhu zvese kukumbira kwenyu mbakuzivisiwe Mwari kuburikidza nomunyengetero, nokukumbira, pabodzi nokupasa kutenda. Zvino rugare raMwari, rinokunda kunzvitsitsa kwese, richachengeta mwoyo yenyu nomifungo yenyu muna Khirisitu Jesu.

Thurirai paari kunetseka kwenyu kwese ndava iye anohanya naimimi.

A paz de Cristo

Jesus prometeu sua paz — não como o mundo dá, mas uma paz que transcende as circunstâncias e silencia o medo.

Ndinokusiirai runyararo, runyararo rangu ndinokupasai. Handikupasei sekupasa kunoita nyika. Mwoyo yenyu mbaireke kutambudzika, futi rekai kucha.

Jesu Nzira Kuna Baba

"Rekai kutambudzika mumwoyo; tendai muna Mwari, mutendewo mandiri.

Kana maendesewa kudare, regai kunetseka kuti muchanyairei. Panokwana nguwa yacho ndotaurai zvamunopasiwa. Ndava mashoko yamunonyaira njenyuba, yanobva kuna Mweya Mutsvene.

Confiança na provisão divina

Deus é poderoso para suprir abundantemente. O choro pode durar uma noite, mas a alegria vem pela manhã. Sua graça basta.

Uye Mwari anogona kukupasai ropafadzo rese ridowanda, kuti pazvinhu zvese nopanguwa dzese muve nozvidokwana zvichiwanziwa pakuita basa rese ridonaka.

Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha ridobva pamupando woushe richiti, "Nangarai, ugaro hwaMwari huri pakati povanhu. Achagara navo, ivo vachava vanhu vache, Mwari pachake achava navo, wova Mwari wavo. Achapisika misodzi yese pamatama yavo, hapachinai ipfa kana kurira kana mhere kana kudzimbiwa nokuti zvinhu zvokare zvapfuura."

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-