Pular para o conteúdo
Publicidade

Reino dos céus

Por Bíblia Online

O Reino dos Céus é comparado por Jesus a tesouros, sementes e redes. Através de parábolas, Ele revelou os mistérios de um Reino que já está entre nós, mas que se consumará na eternidade.

O valor incomparável do Reino

O Reino dos Céus é como um tesouro escondido ou uma pérola de grande valor. Quem o encontra, vende tudo para possuí-lo.

Mufananidzo woPfuma Idosvisviwa

"Umambo hwokudenga hunenge pfuma idosvisviwa mukati momunda, idodzowaniwa nomunhu achibva waifuchira, zvino nomufaro wache adoenda ndokutengesa zvese zvaanga anazvo achitenga munda wakareyo.

Mufananidzo woParera

"Pakare umambo hwokudenga hudoita kunge munhu womaronda ari kutsvaga usanga hudonakitsitsahwo, iye adoti wawana usanga hudokoshetsa, adoenda ndokutengesa zvese zvaanga anazvo achibva wahutenga."

Mufananidzo woMbeu yomasitadhi

Umwe mufananidzo adoisa pamberi pavo, achiti, "Umambo hwokudenga hudoita kunge kambeu kadikidiki komastadhi kadotohwa nomunhu ndokukajara mumunda mache. Iko kadiki pambeu dzese, asi pakanokura ndiko kanokunda zvirimwa zvomudimba kanotodzoita muti, zvokuti tushiri tomudenga tunouya tuchiita usanza hwatene mumathai yawene."

Mufananidzo woMbiriso

Jesu adovanyepa umwe mufananidzo achiti, "Umambo hwokudenga hunenge mbiriso idotohwa nomukadzi achiidira muzviyero zvitatu zvofurau, kusvikira yafufumisa mukanyiwa wese."

Parábolas do Reino

Jesus ensinou sobre o Reino mediante parábolas que revelam seu crescimento, seu juízo e a separação final entre justos e injustos.

Mufananidzo woSora

Jesu adoisa umwe mufananidzo pamberi pavo achiti, "Umambo hwokudenga hungafananidziwe nomunhu adojara mbeu idonaka mumunda wache, asi vanhu pavanga vadoenzera, mhandu yache idouya ndokujara sora mukati mogorosi, ndokuenda. Saka zvirimwa pazvidomera zvichibereka zvibereko, sora ridoonekawo. Vashandi vomwenekachiro woimba vadouya kwaari vachiti, Tenzi, handiti mudojara mbeu idonaka mumunda menyu, ko sei madzomera sora?Iye adoti kwavari, Mhandu ndiyo idoita izvozvi.Vashandi vadoti kwaari, Saka munoda chere kuti tiende koridzura?Asi iye adoti, Neye, pamunenge muchidzura sora mungadzuririre kubodzi nogorosi. Zvirekei zvikurire pabodzi kusvikira pakukohwa. Panguwa yokukohwa ndichaudza vakohwi kuti vathange kuunganidza sora, vorisunga mumisumbu kuti ripisiwe, vodzounganidza gorosi vachiriisa muchitura changu."

Jesu Anotsumbudzura Mufananidzo woSora

Ipopo adosiya gurusvusvu achibva wapinda mumba. Zvino vadzidzi vache vadouya kwaari vachiti, "Titsumbudzurirei zvinoreva mufananidzo wosora mumunda."

Adopindura achiti, "Anojara mbeu idonaka ndiye Mwanakomana woMunhu, munda ndiyo nyika, mbeu idonaka inoreva vanakomana voumambo, sora ndivo vanakomana vajabhurosi, mhandu idovajara ndijabhurosi, kukohwa ndiko kuguma kwonyika, vakohwi ingirozi. Sekuunganidziwa kunoitiwa sora richipisiwa nomoto, ndizvo zvichaitika pakuguma kwonyika. Mwanakomana woMunhu achatuma ngirozi dzache, dzichaunganidza kubva muumambo hwache zvese zvinokonzera chitadzo novaiti vozvidoipa vese, dzichavakhandira mubimbimbi romoto, makaremo vanhu vacharira nokugedageda meno yavo. Ipopo vadorurama vachapenya kunge zuva muumambo hwaBaba vavo. Anonzeve, mbaatetekere anzve!

Mufananidzo woMambure

"Pakare umambo hwokudenga hudoita kunge mambure yadokhandiwa mugungwa yachibva yajorera hove dzomarudzi yese, payadozara, vanhu vadoyadhonzera kunze ndokugarikika pasi vachikamura dzidonaka vachidziisa mumidziyo asi vachitaya dzidoipa. Saka zvakarezvo ndizvo zvichaitika pakuguma kwonguwa. Ngirozi dzichabuda dzichikamura vadoipa kubva pano vadorurama, dzichivakhandira muvira romoto, makaremo vanhu vacharira nokugedageda meno yavo."

Quem herda o Reino

Os humildes, os pobres de espírito e as crianças são herdeiros do Reino. Mas é difícil para os ricos entrarem nele.

Makomborero yoChokwadi

"Vadokomborehwa varombo pamweya,

ndava umambo hwokudenga ngwavo.

Vadokomborehwa vanorira,

ndava vachanyaradziwa!

Vadokomborehwa vadopfava,

ndava vachagara nhaka yonyika.

Vadokomborehwa vanonzara nonyota yokururama,

ndava vachagutsiwa.

Vadokomborehwa vano tsitsi,

ndava vachaitihwa tsitsi.

Vadokomborehwa vadochena pamwoyo,

ndava vachaona Mwari.

Vadokomborehwa vanoyananisa,

ndava vachanzi vana vaMwari.

"Vadokomborehwa vanotambudzihwa kururama,

ndava umambo hwokudenga ngwavo.

Mudokomborehwa vakaremi kana vanhu vachikutukanai vachikutambudzai vachinyaira zvidoipa zvese zvomabwodo pamusoro penyu nondava yangu. Farai nokuita mufaro udonyanya, ndava mubairo wenyu udokuritsa kudenga. Matambudziro yavanoita vanhu vakareva ndomwenze yavadoita kuvaporofiti vadokuthangirai."

Mbani Mukuru?

Panguwa yakareyo vadzidzi vadouya kuna Jesu vachiti, "Mbani mukuru muumambo hwokudenga?"

Zvino adodaidza mwana kwaari ndokumuisa pakati pavo, achibva wati, "Chokwadi ndinoti kwamuri kana, musingasanduke muchiita kunge vana, munopindaba muumambo hwokudenga. Wese anozvidikipisa kunge mwana wakareyu, ndiye mukuru maninge muumambo hwokudenga.

asi Jesu adoti, "Rekai vana vauye kwandiri, rekai kuvarambidza, ndava vadodaiva umambo hwokudenga ngwavo."

Zvino Jesu adoti kuvadzidzi vache, "Chokwadi ndinoti kwamuri, zvichaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. Futi ndinokunyepai kuti, zvidopusira ngamera kupinda nopakaboo konariti panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari."

Vadzidzi pavadonzva zvakarezvo vadoshamisika chaizvo ndokuti, "Zvino mbani angaponesewe?"

Asi Jesu adovanangara ndokuti kwavari, "Novanhu izvi hazvikwanisike, asi naMwari zvinhu zvese zvinokwanisika."

Hama dzangu dzinodikana, tetekerai, anga Mwari haanai chere kusarudza vayevaye vanooneka nonyika kunge vadosauka kuti vave zvinoto pakutenda uye kuti vaje nhaka youmambo hwaadovimbisa ivo vanomuda?

Buscar o Reino acima de tudo

Jesus ensinou que devemos buscar primeiro o Reino e sua justiça. Nem todo que diz 'Senhor, Senhor' entrará — só quem faz a vontade do Pai.

Handinai Kana Kukuzivai

"Haasi wese anoti kwandiri, Ishe, Isheachapinda muumambo hwokudenga peno, asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

Wese anochora umwe womitemo mudikidiki panoyakarei, achidzidzisa vanhu kuita zvakarezvo, achaitiwa mudikidiki muumambo hwokudenga. Asi anoiita achiidzidzisa, achaitiwa mukuru muumambo hwokudenga. Ndava ndinokunyepai, kuti kana kururama kwenyu kukareka kukunda kwovanyori novaFarisi, munopindaba muumambo hwokudenga."

Saka namatai muchidai,

Baba vedu vari kudenga,

Zita renyu mbarikudziwe noutsvene,

umambo hwenyu mbahuuye,

kuda kwenyu mbakuitiwe panyika sezvazviri kudenga.

Kuparidza kwaJohwani Muombeki

Mumazuva yakareyo Johwani Muombeki adouya achiparidza ari musango roJudhiya. Adoti, "Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi."

Kubva panguwa yakareyo Jesu adothanga kuparidza achiti, "Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi."

Pamunenge muchienda paridzai muchiti, Umambo hwokudenga hwanyedza papfupi.

Ndinokunyepai, vazinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachigara patafura naAbhurahamu, Isaki, naJakobho muumambo hwokudenga,

Chokwadi ndinoti kwamuri pakati povadozvahwa novanhukadzi hapanai anokurira Johwani Muombeki. Asi mudikidiki muumambo hwokudenga, mukuru kwaari. Kubva pamazuva yaJohwani Muombeki kusvika zvino umambo hwokudenga huri kuhwisiwa, vanomanira vari kuhutora zvombabvu.

A herança eterna

O Reino dos Céus é inabalável e eterno. Deus nos chama a fazer firme a nossa vocação e eleição para entrar nesse Reino.

Sezvo tiri kutambira umambo husingagwetedzeke mbatitendei nokushumira Mwari kunotambirika nokuremekedza nokucha, nokuti Mwari wedu moto unoparadza.

Saka, hama dzangu, edzai zvidosimba kuti kudaidziwa nokusaruriwa kwenyu kuve pachokwadi. Ndava kana muchiita zvinhu zvakarezvi, munombweraba, futi muchanyanyitsa kutambihwa muumambo hwokusingapere hwaIshe naMuponisi wedu Jesu Khirisitu.

Ishe achandipukunyutsa kubva kuno zvidoipa zvese wondiponesa kuti andisvitse muumambo hwache hwokudenga. Kwaari mbakuve nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.

Pfuma Yokudenga

"Rekai kucha, kapoka kadiki, ndava Baba venyu vadofadziwa kukupasai Umambo.

Ivai nochokwadi chokuti, hapanai mhombwe kana munhu woutsambwa, kana anonhafu (munhu adodaroyo munamati wozvifananidzo), haangave nonhaka muumambo hwaKhirisitu nohwaMwari.

Seja o primeiro