Ressurreição
A ressurreição é o pilar da fé cristã. Se Cristo não ressuscitou, é vã a nossa fé. Mas Ele venceu a morte, e essa é a garantia da nossa própria ressurreição.
Cristo ressuscitou
O túmulo está vazio! Os anjos declararam: 'Ele não está aqui; ressuscitou!' A ressurreição de Cristo é o fato mais transformador da história.
Asi ngirozi idoti kuvakadzi, "Rekai kucha, ndava ndinoziva kuti muri kutsvaga Jesu wanga adorovehwa. Haapo pano, ndava wamuka, sezvaadotaura. Uyai, onai nzvimbo paanga adoradzikiwa.
Jaha ridoti kwavari, "Rekai kushamisika, handiti muri kutsvaga Jesu woNazareta wanga adorovehwa? Haapo pano wamuka, onai paanga adoradzikiwa.
Haazi pano, wamuka, yeukai zvaadotaura kwamuri paanga achiri muGaririya, achiti, "Mwanakomana womunhu anofanira kuisiwa mumanja yovatadzi, woroverehwa, pazuva rochitatu womuka pakare."
Zvino uye umwe mudzidzi, wanga wathanga kusvika paguwa, adodzopindawo, ndokuona achibva watenda, nokuti vanga vasati vanzvitsitsa gwaro rokuti waifanira kumuka kuvadopfa.
Zvandidotambira zvinokosha ndizvo zvandidokupasai pakuthanga zvokuti: Khirisitu adopfira zvitema zvedu maererano noMagwaro, kuti adovigiwa, uye kuti adomutsiwa nozuva rochitatu zviri maererano nomagwaro,
Ressurreição e vida eterna
Jesus disse: 'Eu sou a ressurreição e a vida.' Quem crê nele viverá, mesmo que morra. A morte foi derrotada na cruz e no túmulo vazio.
Jesu adoti kwaari, "Ndini kumuka noupenyu; uyo anotenda kwandiri, kana akapfa, asi achararama, futi wese mupenyu anotenda kwandiri achapfaba. Unozvitenda chere?"
Ndava ipfa sezvaidouya nomunhu, kumuka kwovadopfa kudouyawo nomunhu.
Nokuti tinotenda kuti Jesu adopfa ndokumuka pakamu, ndomwenzewo kamu, kuburikidza naJesu, Mwari achaunza vadopfa maari pabodzi naye.
Ndava rudo raKhirisitu rinotisukumidza, ndava tinotendesewa kuti mubodzi adopfira vese, saka vese vadopfa. Uye adopfira vese, kuti vanorarama vareke kudzozviraramira asi vararamire iye adopfa nokuda kwavo achibva wamutsiwa kamu.
Kana tidobatana naye muipfa yache daipa, tichabatanawo naye mukumuka kunge zvaadoita. Ndava tinoziva kuti unhu hwedu hwokare hudorovehwa pabodzi naye kuitira kuti muviri wozvitema uparadziwe, kuti tireke kudzova varanda vochitadzo,
Nossa esperança futura
A ressurreição de Cristo garante nossa esperança viva. O Deus de paz trouxe dos mortos o grande Pastor das ovelhas para nossa salvação.
Tariro Ipenyu
Mbaakudziwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu! Mutsitsi dzache dzikuru tidozvahwa patsva kutariro ipenyu kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu kubva kuvadopfa,
Mvura yakarei inosurudzira ruombeko rinokuponesaiwo zvino, kusiri kubisiwa tsambwa yomuviri asi kuruvira hana idochena kuna Mwari. Rinokuponesai kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu,
Munamato Wokuvhara
Zvino Mwari worugare adodzotsa pakare kubva kuvadopfa Ishe wedu Jesu, nyakabusa mukuru womahwai, nogazi rochibvumirano chisingapere, mbaakukwanisei nozvinhu zvese zvidonaka kuti muite kuda kwache, iye achishanda mukati menyu zvinhu zvinofadza pamberi pache, kuburikidza naJesu Khirisitu, mbaave nokubhwinya nokusingaperepere! Ameni.
kuti ndimuzive iye nosimba rokumuka kwache, nokusangana naye pakutambudzika kwache, ndifanane naye mukupfa kwache,
Vadokomborehwa pakare mbatsvene vanomugove pakumuka kwokuthanga! Panovakareva ipfa yochipiri hainai simba, asi vachava vaphirisita vaMwari novaKirisitu, vachatonga naye kwomakore yanosvika chiuru.
Zvino ndidoona vadopfa, vakuru novadiki, vadomira pamberi pomupando woushe. Mabhuku yadovhuriwa, norimwe bhuku ridovhuriwawo, rinova bhuku roupenyu. Vadopfa vadotongewa maererano nozvavadoita semanyorehwo yazvanga zvidoitiwa mumabhuku. Gungwa ridobiritsa vadopfa vanga vari mariri, noipfa noNzvimbo yovadopfa zvidobiritsa vadopfa vanga vari mazviri, vese vadotongewa nozvavanga vadoita.
Kusvika pazuva ranasi ndanga ndichiwana kubatsira kunobva kunaMwari, saka ndinomira pano ndichipupura kuno vese vadiki novakuru, ndisinganyaire chinhu asi zvidonyaihwa novaporofiti naMozisi kuti zvichaitika, kuti Khirisitu waidzotambudzika, uye nokudzova wokuthanga pakumuka kuvadopfa, waidzoparidzira chiedza kuvanhu vache nokuyamwe marudzi."
"Onai, tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaperekewa kuvaprista vakuru novadzidzisi vomurairo, ivo vachamutongera ipfa, vomupereka kuno voDzimwe Ndudzi kuti vamunyadze nokumurova vodzomurovera pamuchinjikwa, iye wodzomutsiwa nozuva rochitatu."