Pular para o conteúdo
Publicidade

A segunda vinda de Cristo

Por Bíblia Online

A segunda vinda de Cristo é a esperança suprema da Igreja. Jesus prometeu que voltará com poder e grande glória para julgar os vivos e os mortos e estabelecer seu Reino eterno.

A promessa do retorno

Jesus prometeu voltar. Os anjos declararam que Ele virá da mesma forma como ascendeu. A Igreja aguarda esse dia glorioso com expectativa.

ivo vadoti, "Naimi varume voGaririya, mudomirireiko popano mudonangara kudzuru? Jesu mubodzibodziyu, wabiritsiwa kwamuri achikwidziwa kudenga, achadzoka nonzira ibodzibodzi yamamuona achienda nayo kudenga."

Zvino pavanga vadonangaritsa kudzuru iye achikwira, pakarepo nokamangu vadoona varume vairi vanga vadosimira hembe dzichena vadomira padivi pavo ivo vadoti, "Naimi varume voGaririya, mudomirireiko popano mudonangara kudzuru? Jesu mubodzibodziyu, wabiritsiwa kwamuri achikwidziwa kudenga, achadzoka nonzira ibodzibodzi yamamuona achienda nayo kudenga."

Jesu Nzira Kuna Baba

"Rekai kutambudzika mumwoyo; tendai muna Mwari, mutendewo mandiri. Mumba maBaba vangu muno nzvimbo dzizinji, dai zvisinai kudaro, ndaikunyepai nai kuti ndinoenda kokunhadzirirai nzvimbo? Futi kana ndaenda kokunhadzirirai nzvimbo, ndinodzoka pakare kokutorai, kuti muvewo pandinenge ndiri.

Iye anopfakaza zvinhu zvakarezvi anoti, "Chokwadi ndinouya kamangu."

Ameni. Uyai Ishe Jesu!

Iye anopfakaza zvinhu zvakarezvi anoti, "Chokwadi ndinouya kamangu."

Ameni. Uyai Ishe Jesu!

"Onai, ndinouya kamangu, ndinouya nomubairo wangu kuti ndidzopasa umwe noumwe sezvaadobata.

Os sinais dos tempos

Jesus descreveu os sinais que precederão sua volta: falsos profetas, guerras, fome, terremotos e tribulação. Devemos discernir os tempos sem nos alarmar.

Nhamu noKutambudziwa

Paadogara paGomo romiOrivhi, vadzidzi vache vadouya kwaari kabisira, vachiti, "Tinyepei, izvozvi nzvarini, nochiratidzo chokuuya kwenyu nochokuguma kwonyika?"

Jesu adovapindura achiti, "Chenjerai kuti pareke kuva nomunhu anokutsambutsai. Ndava vazinji vachauya muzita rangu vachiti, Ndini Khirisitu,vachitsambutsa vazinji. Muchanzva zvohondo nomarehwarehwa yohondo, asi rekai kuvhunduka, ndava zvakarezvi zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kusati kwasvika.

"Ipopo muchaperekewa kuti muendesewe kotambudziwa nokobaiwa. Futi muchazondewa nomarudzi yese nondava yangu. Uye vazinji vachahedhuka pakutenda, vachazondana vachipandukirana. Vaporofiti vomabhwodo vazinji vachamuka, vachitsambutsa vazinji.

Nondava yokuingidzika kwouipi, rudo rovazinji ruchaderera. Asi anotsungirira kusvika pamagumo achaponesewa.

Iyoyi Nyaya Idonaka youmambo ichaparidziwa kunyika dzese, seuchapupu kumarudzi yese, ipopo kuguma kunobva kwadzosvika.

Ndava ipopo pachava nokutambudzika kukuru, kusinati kwambovapo kubva pamavambo yonyika kusvika manje, futi neye, kunodzovapoba. Dai mazuva yakareyo yairekera kutapudziwa, hapanai munhu waichira, asi nondava yovadosaruhwa, mazuva yakareyo yachatapudziwa.

Manje kana munhu akati kwamuri, Nangarai, Khirisitu ari panokana Ari aporekai kuzvitenda. Ndava ana Khirisitu vomabhwodo novaporofiti vomabhwodo vachamuka vachinangidza zviratidzo zvikuru nozvishamiso, kuti kana zvichikwanisika vatsambutse kana novadosaruhwavo. Onai, ndagara ndakuudzai.

Manje kana munhu akati kwamuri, Nangarai, Khirisitu ari panokana Ari aporekai kuzvitenda. Ndava ana Khirisitu vomabhwodo novaporofiti vomabhwodo vachamuka vachinangidza zviratidzo zvikuru nozvishamiso, kuti kana zvichikwanisika vatsambutse kana novadosaruhwavo. Onai, ndagara ndakuudzai.

Saka, kana vakati kwamuri, Onai, ari kusango,rekerai kuenda, kana vakati, Onai ari mudzimba dzomukati,rekerai kuzvitenda.

Muti noMichero Wawene

"Chenjererai vaporofiti vomabhwodo, vanouya kwamuri vadosimira matehwe yomahwai asi mukati yari masvitsi yanorungwa.

Nyika dzichapandukirana, noumambo huchamukirana, pachava nokugwetedzeka kwonyika munzvimbo dzizinji, pachava nonzara. Kwakareku kuchava kuthanga kwonhamu asi kuguma kunenge kusati kwasvika.

Zvichenjererei nokuti vachakukwirirai kumatare, nokukurovai mumasinagoge. Muchamisiwa pamberi pomadzimambo novatongi nokuda kwangu kuti huve upfakazi kwavari. Nyaya Idonaka inofanira kuthanga yaparidzihwa marudzi yese.

Mukoma nomunin’ina vachabayisana, baba nomwana wavo. Novana vachamukira vabereki vachivabayisa. Muchazondewa novanhu vese nokuda kwangu, asi anochiirira kusvika pakuguma achaponesewa.

kuchavapo kugwetedzeka kukuru kwonyika, nokunzvimbo dzizinji kuchava nonzara nomatenda, futi kuchaita zvinhu zvinochisa nozviratidzo zvikuru zvichabva kudenga.

A vinda gloriosa

Cristo virá nas nuvens com poder e grande glória, enviará seus anjos e reunirá seus escolhidos dos quatro ventos.

Kuuya kwoMwanakomana woMunhu

Panondopera kutambudzika kwomazuva yakareyo, zuva richasvipa, nomwedzi uchareka kuvhenekera kwawene, nonyenyedzi dzichawa kubva kudenga, nomasimba yokudenga yachagwetedzewa. Ipopo pachaoneka chiratidzo choMwanakomana woMunhu mudenga, uye marudzi yese yopasi yacharira, vachiona Mwanakomana woMunhu achiuya ari pamusoro pomakuti yokudenga nomasimba nokubhwinya kukuru, zvino achatuma ngirozi dzache nokudaidzira kworuzha rohwamanda, idzo dzichaunganidza vadosaruhwa vache kubva kumativi yese yonyika, kubva kumhera kwodenga kuenda kumwe kumhera.

Chidzidzo choMukuyu

Dzidzai chidzidzo kubva pamuti womukuyu: kana mathai yakuthungira, waakuita mazani, munoziva kuti mainza yaakusvika. Naizvozvowo, kana moona zvakarezvi zvese, zivai kuti wava papfupi, pamusuwo chaipo.

Ndava Mwanakomana woMunhu achauya nongirozi dzache ari mukubhwinya kwaBaba vache, ipopo acharipa munhu wese zvichienderana nozvaadoita.

Kuuya kwoMwanakomana woMunhu

"Kuchava nozviratidzo pazuva, pamwedzi nopanyenyedzi. Marudzi yovanhu panyika vachasaya kudekhara, vachakanganisika nokuunga kwogungwa parinenge richiita mapfeni. Vanhu vachawa chikhomo nokucha pavanenge vachitarisira zvinhu zviri kuuya panyika, ndava masimba yokudenga yachagwetedzeka. Pakarepo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya nomakuti nomasimba nokubhwinya kukuru. Zvino kana zvinhu zvakarezvi zvathanga kuitika, sumudzai misoro yenyu muone, ndava kusununguhwa kwenyu kwava papfupi."

Pakarepo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya nomakuti nomasimba nokubhwinya kukuru.

Ipopo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakuti nomasimba makuru nokubhwinya. Achatuma ngirozi dzache kuti dziunganidze vasaruhwa vache kubva kumativi manai yonyika, kubva kumheramhera kwonyika kusvika kumheramhera kwodenga.

Nokuti Ishe pachake achaburuka kubva kudenga achidaidzira nokuraira, nokusheedzera kwongirozi ikuru, nokurira kwotsuri yaMwari. Ipopo vadopfa muna Khirisitu vachathanga kumuka, zvino isisu tidosara tiri vapuma, tichabvutiwa pabodzi navo kupinda mumakuti kuti tikumane naIshe mumhepo. Saka tichava naIshe nguwa dzese. Naizvozvo nyaradzanai nomashoko yakareya.

Vigilância e preparo

Ninguém sabe o dia nem a hora. Jesus nos ordena a vigiar, orar e estar prontos, pois Ele virá quando menos esperamos.

Garirirai ndipo, ndava munozivaba zuva rinouya Ishe wenyu.

Garirirai ndipo, ndava munozivaba zuva rinouya Ishe wenyu.

Saka naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana woMunhu anouya nonguwa yamusingamutarisire.

Kugaririra Kunodiwa

"Asi zvichenjererei kuti mwoyo yenyu ireke kunetesewa nokuita nhafu nokukorewa nokuchira upenyu huno, kuti zuva rakarero rikusvikirei kabodzi nokabodzi kunge riva, ndava richauya pamusoro povese vanogara pasi pese. Asi garirirai nguwa dzese, muchinamata kuti muve nosimba rokupunyuka pazvinhu zvakarezvi zvese zvichaitika, nokumira pamberi poMwanakomana womunhu."

Vachengeti Vadonaka Vozvipo zvaMwari

Kuguma kwozvinhu zvese kwava papfupi, nokudaro ivai nopfungwa dzidojeka muchizvidzora kuti mugone kunamata.

Dai Mwari worunyararo pachake wakuitai vatsvene zvidozara, futi dai mweya wenyu nomwoyo nomuviri zvachengetewa zviri njinjinji pasinai chinoshoreka panouya Ishe wedu Jesu Khirisitu.

zvokuti hamunai chamurikusaya pazvipo zvomweya, mudomirira kuratidziwa kwaIshe wedu Jesu Khirisitu. Uyo achakusimbisai kusvika pamagumo, musinai chinoshoreka pazuva raIshe wedu Jesu Khirisitu.

A esperança bendita

A aguardamos a bendita esperança e a manifestação da glória do nosso grande Deus e Salvador Jesus Cristo.

Nokuti mutsa waMwari udooneka unovigira vanhu vese kuponesewa, unotidzidzisa kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvonyika, kuti tirarame tidobanganuka, tichizvidzora tidorurama, noupenyu hwoumwari munyika ino yanasi, tidomirira tariro idoropafadziwa, yokuoneka kwokubhwinya kwaMwari wedu mukuru naMuponisi Jesu Khirisitu, iye adozvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pazvidoipa zvese kuti azvinatsire vanhu vache chaivo, vanoshingairira mabasa yadonaka.

Futi ndinochokwadi chokuti iye adothanga basa ridonaka mamuri acharipedzisa pazuva raKhirisitu Jesu.

Futi regai kugumbura Mweya Mutsvene waMwari, adoisiwa pamuri kuti ave chisimbiso kusvikira pazuva rokudzikinuhwa.

nokudarowo Khirisitu, zvaadoitiwa chibairo kabodzi kuti atakure zvitema zvovadowanda, achadzooneka kwochipiri, aikona kudzotakura zvitema asi kudzoponesa vakarevo vari kumirira noshungu kudzoka kwache.

Mbationei kuti tamutsana mwoyo kuti tive norudo nomabasa yadonaka, tisingareke kuungana kwedu pabodzi, setsika iri kuitiwa novamwe, asi tikurudzirane chaizvo zvamunoona kuti Zuva rakareriye riri kunyedza papfupi.

"Ndini Arufa naOmega," ndizvo zvinonyaira Ishe Mwari, aripo, wanga aripo, noachadzovapo Womasimba yese.

Ndiri kuuya nokamangu. Batitsitsa zvaunazvo, kuti ureke kutorehwa korona yako.

Hama dzinodikana rekai kukangamwa chinhu ichi chibodzi, kuti kuna Mwari zuva ribodzi rinenge chiuru chomakore nochiuru chomakore chinenge zuva ribodzi.

Manje vana vanodiwa, garai maari, kuti paanodzooneka tidzova vanochivimbo vasingadzonyara pakuuya kwache.

Seja o primeiro