A volta de Jesus
A volta de Jesus é uma das maiores promessas da Bíblia. Cristo prometeu que retornará em glória, e os cristãos vivem na expectativa desse dia triunfante.
A promessa do retorno
Jesus prometeu aos discípulos que voltaria. Os anjos confirmaram essa promessa na ascensão, e os apóstolos ensinaram que Ele virá com poder.
Mumba maBaba vangu muno nzvimbo dzizinji, dai zvisinai kudaro, ndaikunyepai nai kuti ndinoenda kokunhadzirirai nzvimbo? Futi kana ndaenda kokunhadzirirai nzvimbo, ndinodzoka pakare kokutorai, kuti muvewo pandinenge ndiri.
Zvino mumasure mokunyaira zvakarezvi, vadomunangara daipo, adokwidziwa kudenga, uye guti ridomusvisva havanai kudzomuona.
Zvino pavanga vadonangaritsa kudzuru iye achikwira, pakarepo nokamangu vadoona varume vairi vanga vadosimira hembe dzichena vadomira padivi pavo ivo vadoti, "Naimi varume voGaririya, mudomirireiko popano mudonangara kudzuru? Jesu mubodzibodziyu, wabiritsiwa kwamuri achikwidziwa kudenga, achadzoka nonzira ibodzibodzi yamamuona achienda nayo kudenga."
Iye anopfakaza zvinhu zvakarezvi anoti, "Chokwadi ndinouya kamangu."
Ameni. Uyai Ishe Jesu!
"Onai, ndinouya kamangu, ndinouya nomubairo wangu kuti ndidzopasa umwe noumwe sezvaadobata.
Os sinais e o momento
Ninguém sabe o dia nem a hora. Jesus alertou sobre falsos sinais e nos chamou à vigilância constante, pois Ele virá como ladrão na noite.
Asi kana riri zuva kana awa iyoyo, hapanai anoziva, kana nongirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega. Sezvazvanga zvidoita pamazuva yaNowa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Ndava sepamazuva yakareyo kusati kwava nomurove, vaija vachimwa, vairoora nokuroorewa, kusvikira zuva Nowa raadopinda mungarava, havanai kuziva kusvikira mafashamu yauya yachibva yavakukura vese, zvakarezvo ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.
Asi kana riri zuva nonguwa yakareyo inoziviwaba nomunhu, kana ngirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega.
Zvino hama, pamusoro ponguwa nomwaka, hapanai chinhu chamungade kuti munyorehwe. Nokuti imimi pachenyu munonatsa kuziva kuti zuva raIshe richauya kunge mbavha usiku. Vanhu pavanoti, "Kuno runyararo nokudekharika," pakarepo kuparadziwa ndopakunouya pavari chivhurumukihwa kunge kudzimbiwa kwomukadzi waakuda kupona, futi panenge pasinai kupukunyuka.
Garirirai ndipo, ndava munozivaba zuva rinouya Ishe wenyu. Asi zivai izvi, kuti dai mwenekachiro woimba waiziva kuti njipi nguwa yousiku inouya mbavha, waigaririra asingabvumire kuti imba yache ipaziwe. Saka naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana woMunhu anouya nonguwa yamusingamutarisire.
Hama dzangu tiri kukukumbiritsai, pamusoro pokuuya kwaIshe wedu Jesu Khirisitu nokuungana kwedu kuti tisangane naye, kuti mureke kukurumidza kugwetedzeka mupfungwa kana kushamisika, pangave pamusaka pomweya kana poshoko, kana potsamba ringanzi rinobva kwatiri, richiti zuva raIshe rauya. Mbakureke kuva noanokufurirai nonzira dzomabhwodo, ndava zuva rakarero rinouyaba, kusvikira kupandukira kwathanga kuitika, nomunhu anochora mutemo waonesewa pachenu, iye adotemehwa kuparadziwa, anoshora nokuzvitutumadza pamusoro pozvese zvinoitiwa mwari kana zvinonamatiwa, zvokuti anotoisa mupando wache muimba yaMwari, achizviti ndiye Mwari.
A glória da segunda vinda
Cristo voltará nas nuvens, com poder e grande glória. Os mortos em Cristo ressuscitarão, e os vivos serão arrebatados para encontrá-lo nos ares.
Nokuti Ishe pachake achaburuka kubva kudenga achidaidzira nokuraira, nokusheedzera kwongirozi ikuru, nokurira kwotsuri yaMwari. Ipopo vadopfa muna Khirisitu vachathanga kumuka, zvino isisu tidosara tiri vapuma, tichabvutiwa pabodzi navo kupinda mumakuti kuti tikumane naIshe mumhepo. Saka tichava naIshe nguwa dzese.
"Mumazuva yakareyo, mumasure mokutambudzika, zuva richadzimwa, mwedzi uchatadza kuvhenekera, Nyenyedzi dzichambwera kubva kudenga, masimba yokudenga yachagwetedzeka. Ipopo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakuti nomasimba makuru nokubhwinya. Achatuma ngirozi dzache kuti dziunganidze vasaruhwa vache kubva kumativi manai yonyika, kubva kumheramhera kwonyika kusvika kumheramhera kwodenga.
Pachauya Mwanakomana woMunhu mukubhwinya kwache, pabodzi nongirozi dzache, achagarikika pamupando wache unobhwinya. Pamberi pache pachaunganidziwa marudzi yese, achayakamuranisa kunge nyakabusa anokamura mahwai kubva kumbudzi, achaisa hwai kuruoko rache roruji, asi mbudzi kurubose.
Pakarepo ndidoona denga ridovhuriwa, ndokuona bhiza richena, wanga adorigadha waiitiwa Adotendeka noWochokwadi, anotonga nokuhwa zvidorurama. Maziso yache yanga yadoita kunge marimi yomoto, pamusoro wache panga panokorona dzizinji. Wanga anozita ridonyorewa ranga risingazikane noumwe munhu asi naiye basi. Wanga adosimira jasi ridonyikiwa mugazi, anodaidziwa nozita rokuti Shoko raMwari. Hondo dzokudenga, dzanga dzidosimira biza richene ridonaka risinai tsambwa, dzidomutevera dzidogadha mabhiza machena. Mumuromo mache mudobirika bakatwa ridopinza rokuhwisa naro marudzi, achayatonga notsvimbo yosimbi, achatsika pachisviniro choukari hwaMwari Womasimba yese. Pajasi rache nopachafu yache panga padonyorewa zita rinoti, Mambo womadzimambo naIshe womadzishe.
Ndava wese anondinyara inini nomashoko yangu, wakareyo Mwanakomana womunhu achamunyarawo paanouya mukubhwinya kwache nokubhwinya kwaBaba vache nokwongirozi dzitsvene.
Vivendo na expectativa
A certeza do retorno de Cristo nos chama a viver em santidade, aguardando novos céus e nova terra onde habita a justiça.
Hama dzinodikana rekai kukangamwa chinhu ichi chibodzi, kuti kuna Mwari zuva ribodzi rinenge chiuru chomakore nochiuru chomakore chinenge zuva ribodzi. Ishe anochehwaba pachivimbiso chache semanzvitsitsiro yovamwe vanoti nghuchehwa, asi anomwoyo murefu nemi, anodaba kuti pawane anoparara, asi kuti vese vasvike pakupinduka.
Asi zuva raIshe richauya sembavha. Ipopo matenga yachapfuura noruzha rikuru, nozvinhu zviri kumatenga zvichanyungudutsiwa nomoto, nonyika nomabasa yese yari mairi yachatsva.
Sezvo zvinhu zvese zvazvichaparara daipa, munofanira kuva vanhu vadoita tini? Munofanira kurarama upenyu hutsvene hunoumwari, mudomirira zuva raMwari rinokurumidza kusvika. Zuva rakarero richauyisa kuparadziwa nomoto kwomatenga, nozvinhu zvayene zvichanyungudika nochithuthu chikuru. Asi maererano nochivimbiso chache tinotarisira denga ritsva nonyika itsva, munogara kururama.
Uye zvakudotariwa kuti vanhu vapfe kabodzi, mumasure mozvakarezvo kutongewa kuchidzouya, nokudarowo Khirisitu, zvaadoitiwa chibairo kabodzi kuti atakure zvitema zvovadowanda, achadzooneka kwochipiri, aikona kudzotakura zvitema asi kudzoponesa vakarevo vari kumirira noshungu kudzoka kwache.