1 Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro,
vanovimba namabhiza,
vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo
uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza,
asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri,
kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.
2 Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi;
haangadzosi mashoko ake.
Iye achamukira imba yavakaipa,
naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.