Pular para o conteúdo
Publicidade

Isaya 46

Vamwari veBhabhironi

1 Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama;

zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro.

Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema,

mutoro pazvipfuwo zvakaneta.

2 Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete;

zvisingagoni kurwira mutoro,

izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa.

3 "Ndinzwei, imi imba yaJakobho,

imi mose vakasara veimba yaIsraeri,

imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu,

uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.

4 Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu,

bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai.

Ndakakuitai uye ndichakutakurai;

ndichakuraramisai uye ndichakununurai.

5 "Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani?

Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye?

6 Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo,

uye vanoyera sirivha pazviyero;

vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari,

vagopfugama kuti vachinamate.

7 Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura;

vanochigadzika panzvimbo yacho,

uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo.

Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri;

hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.

8 "Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu,

muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.

9 Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare;

ndini Mwari, uye hakuna mumwe;

ndini Mwari, hakuna akafanana neni.

10 Ndinozivisa magumo kubva pakutanga,

kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya.

Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika,

uye ndichaita zvose zvandinoda.

11 Kubva kumabvazuva ndinodana gondo;

kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu.

Zvandakareva ndichaita kuti zviitike;

zvandakaronga, ndichazviita.

12 Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara,

iyemi muri kure nokururama.

13 Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu,

hakusi kure;

uye ruponeso rwangu haruzononotswi.

Ndichapa ruponeso kuZioni,

nokubwinya kwangu kuna Israeri.

Todos os capítulos de Isaya 66
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.