Pular para o conteúdo
Publicidade

Isaya 58

3 Vanoti, Takatsanyireiko,

uye imi mukasazviona?

Takazvininipisireiko,

imi mukasazviona?

"Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda

muchimanikidza vashandi venyu.

4 Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga,

uye kurovana netsiva dzakaipisisa.

Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano,

mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro.

5 Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza,

zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise?

Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here,

nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota?

Ndiko kwamunoti kutsanya here,

pazuva rinodikanwa naJehovha?

6 "Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here:

Kusunungura ngetani dzokusaruramisira

nokusunungura zvitirobho zvejoko,

kusunungura vakamanikidzwa

nokuvhuna joko rimwe nerimwe?

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também