Kubwinya kweZioni
1 "Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika,
uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
2 Tarira, rima rakafukidza nyika
uye rima guru riri pamusoro pavanhu,
asi Jehovha anobuda pamusoro pako
uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.
3 Ndudzi dzichauya kuchiedza chako,
uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.