Pular para o conteúdo
Publicidade

VaFiripi 2

Kuvhenekera seZviedza muNyika

12 Naizvozvo, hama sezvamudotetekera nguwa dzese aikona pandanga ndiripo chete, asi kunyanya iyezvino pandisipo, pedzisai basa rokuponesewa kwenyu nokucha nokutetemera, 13 nokuti Mwari ari kushanda mukati menyu ndiye anoita zvese kuti mufarire nokuita chido chache chidonaka.

14 Itai zvinhu zvese musinganyunyute kana kuita nharo, 15 kuti muve vanhu vasinai chavanonenedzehwa novadochena, vana vaMwari vasinai murandu pakati porudzi ridopombonyoka, ridotaika ramuri pakati parene muchivhenekera kunge nyenyedzi mudenga, 16 mudobatitsitsa shoko roupenyu, kuitira kuti pazuva raKhirisitu ndidade ndizive kuti handinai kumhanyira pasina kana kushandira mahara.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também

Filipenses
Ver todos os capítulos de Filipenses