3 Rekai kuita chinhu nonharo kana nomanyemwe, asi nokuzvidikipisa umwe noumwe mbaati vamwe vanomukunda pabuya. 4 Umwe noumwe mbaareke kunangara zvinhu zvidonakira iye basi, asi mbaanangarewo nozvidonakirawo abiyache. 5 Ivai nomufungo uyu pakati penyu wanga uri muna Khirisitu Jesu,