8 Hama dzinodikana rekai kukangamwa chinhu ichi chibodzi, kuti kuna Mwari zuva ribodzi rinenge chiuru chomakore nochiuru chomakore chinenge zuva ribodzi. 9 Ishe anochehwaba pachivimbiso chache semanzvitsitsiro yovamwe vanoti nghuchehwa, asi anomwoyo murefu nemi, anodaba kuti pawane anoparara, asi kuti vese vasvike pakupinduka.
10 Asi zuva raIshe richauya sembavha. Ipopo matenga yachapfuura noruzha rikuru, nozvinhu zviri kumatenga zvichanyungudutsiwa nomoto, nonyika nomabasa yese yari mairi yachatsva. 11 Sezvo zvinhu zvese zvazvichaparara daipa, munofanira kuva vanhu vadoita tini? Munofanira kurarama upenyu hutsvene hunoumwari, 12 mudomirira zuva raMwari rinokurumidza kusvika. Zuva rakarero richauyisa kuparadziwa nomoto kwomatenga, nozvinhu zvayene zvichanyungudika nochithuthu chikuru. 13 Asi maererano nochivimbiso chache tinotarisira denga ritsva nonyika itsva, munogara kururama.