10 Ndava nopatanga tinaimimi, tidokurairai zvakarezvi, "Kana pano asingadi kushanda, mbaareke kuja."
11 Ndava tiri kunzva kuti vamwe venyu vadondogara, vanondopambara, vasingaite basa. 12 Manje tinoraira vanhu vakarevo nokuvakurudzira muna Ishe Jesu Khirisitu kuti vaite basa ravo vadonyarara vachizviwanira zvinovachidza.