15 Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda. 16 Shoko raKhirisitu mbarigare mukati menyu noupfumi hwarene hwese, dzidzisanai nokurairana nouchenjeri hwese, uye nomapisarema nozvimbo zvomweya imbirai Mwari nokutenda mumwoyo yenyu. 17 Uye zvese zvamunoita, kana zviri zvoshoko kana basa, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchitenda Mwari Baba kuburikidza naye.
Publicidade