Kuzvidikipisa noUkuru hwaKhirisitu
1 Saka kana muna Khirisitu munokukurudzira, nokunyaradza kworudo, kana kubatirana paMweya, kana munounyoro nokunzvirana tsitsi, 2 zazisai mufaro wangu nokuva nopfungwa ibodzi, muve norudo rubodzi nomweya mubodzi uye nokufunga kubodzi.