Kumhanya Kuenda Paudonanga
12 Aikona kuti ndidochiwana kare kana kuti ndatosvika kare, asi ndinoshingirira kuti ndichibate icho Khirisitu Jesu chaadondibatira. 13 Hama dzangu, inipano handisi kuti ndatochibata, asi chinhu chibodzi chandinoita nyhichi, ndinokangamwa zviri kumasure ndichinanairira zviri kumberi, 14 saka ndinomhanya ndidonanga padotariwa kuitira kuti ndipasiwe mubairo wokumusoro wandidodaidzihwa naMwari muna Khirisitu Jesu.
15 Nokudaro isisu tese takura mbativei nomurangariro udodaro, kana imipa munoumwe murangariro udosiyana, Mwari achakuisirai pachenu zvakarezvo.