11 Nokuti mutsa waMwari udooneka unovigira vanhu vese kuponesewa, 12 unotidzidzisa kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvonyika, kuti tirarame tidobanganuka, tichizvidzora tidorurama, noupenyu hwoumwari munyika ino yanasi, 13 tidomirira tariro idoropafadziwa, yokuoneka kwokubhwinya kwaMwari wedu mukuru naMuponisi Jesu Khirisitu,